“Vakadzi Vari Kushanda Zvakaoma munaShe”
1 Nemashoko ari pamusoro apa, Pauro akarondedzera hanzvadzi mbiri dzaishanda zvakaoma muungano yeRoma, Tirifena naTirifosa. Nezvomumwe, anonzi Pesisi, akati: “akaita mabasa akawanda munaShe.” Akataurawo zvakanaka nezvaFebhi so“mudziviriri wevakawanda.” (VaR. 16:2, 12) MuMagwaro, Dhokasi akadudzwa somumwe aiva “nemabasa akawanda akanaka nezvipo zvengoni.” (Mabasa 9:36) Vakadzi vanokoshesa zvinhu zvomudzimu chikomborero chakadini kuungano!
2 Tinoonga here hanzvadzi dzinoshanda zvakaoma muungano yedu? Dzinoita chikamu chikuru chebasa rokuparidza, ndidzo dzinoitisa fundo dzeBhaibheri dzakawanda, nokubetsera vatsva vakawanda. Dzinopedzawo nguva yakati dzichibetsera vana kuti vafambire mberi mune zvokunamata. Vakadzi vechiKristu vanoita chikamu chavo kuita kuti muungano muve norudo, mufaro, rugare, uye kushingaira. Vanotsigira munzira dzakawanda kuitira kuti varume vavo nedzimwe nhengo dzemhuri vagoita zvakawanda mubasa raJehovha.
3 Hanzvadzi Dziri Mubasa Renguva Yakazara: Pakati pevaya vanoshanda zvakaoma munaShe pane hanzvadzi dziri vafundisi, dzakawanda dzacho dzakabatanidzwa mukutanga basa munyika dzokumwe. Muungano dzinofambirwa nevarume vadzo, vadzimai vevatariri vanofambira vanobatikana muushumiri hwomumunda, vachikurudzira hanzvadzi dzakawanda. Dzisingasiyiwi ihanzvadzi dzepaBheteri, dzinoita nokushingaira basa dzvene rokutsigira sangano raJehovha. Uye hanzvadzi dzedu dziri mapiyona enguva dzose, nokuedza kwadzo kwokutendeka mukurumbidza Mwari, dziri kubetsera zviuru kudzidza chokwadi.
4 Ava vakadzi vakatendeka vanogutsikana kwazvo munzira yavo youpenyu yokuzvipira. (1 Tim. 6:6, 8) Vanofanira kurumbidzwa nechero kukurudzira kupi nokupi nokutsigira kwatingavaitira.
5 Vakadzi vechiKristu vanhu vanokosha kusangano raJehovha, vachiita basa rokutendeka riri chikomborero kuna vose. Ngatipfuurirei kuonga vakadzi vakadaro ndokunyengetera kuti chikomborero chaJehovha chive navo sezvavanoramba vachi“shanda zvakaoma munaShe.”