Zvikomborero Zvinobva Mukuonga Rudo rwaJehovha—Chikamu 2
1 Muchikamu chomwedzi wapera chenyaya ino, takataura nzira ina dzokuratidza kwatingaita kuonga kwedu rudo rwaJehovha muushumiri. (1 Joh. 4:9-11) Pano tichawedzera dzimwezve nzira shanu dzokuita izvi. Patinoshanda zvakazara kubatsira vamwe mumudzimu, tinowana mufaro.
2 Kupupurira Kusina Kurongwa: Iyi inzira inobudirira yokuwana vanhu vane nzara nenyota yokururama uye yokuvagovera mabhuku anobatsira. Zvakanaka ‘kutenga nguva yakafanira’ ndokupupurira panguva dzose uye kumunhu upi noupi watinosangana naye. (VaEf. 5:16) Tingada kuwana ushingi hwokupupurira munzira iyi, asi kana tichionga rudo rwaMwari uye zvinodiwa nevanhu, tichapupurira pamikana yose.—2 Tim. 1:7, 8.
3 Mumwe mumishinari akakomborerwa zvikuru paakatanga kukurukurirana nomumwe munhu waaiva naye mutekisi. Murume wacho akaratidza kufarira. Akadzokerazve kunokurukura naye kakawanda, uye akatanga kudzidza naye Bhaibheri. Murume wacho akawana chokwadi uye akafambira mberi kusvika pakuva mukuru muungano!
4 Kunyora Tsamba: Zvimwe hatikwanisi kuenda paimba neimba nemhaka youndonda kana kuti mamiriro okunze akashata. Tinogona kunyora tsamba, tichipupurira zvishomanana netsamba kune vanhu vatinoziva, vaya vakafirwa nevadiwa vavo, kana kuti vaya vakanga vasiri pamba mundima yacho. Tingaisa rimwe rematurakiti edu achangobuda rine shoko reBhaibheri rinofadza mutsamba yacho tobva takurudzira munhu wacho kuti apindure kana ane mibvunzo ipi neipi. Shandisa kero yako pachako kana kuti yeImba yoUmambo; tapota usashandisa kero yehofisi yebazi.
5 Kupupurira Norunhare: Iyi inzira yakanaka kwazvo yokutaura nevanhu vatisingakwanisi kuona mubasa repaimba neimba. Kana tikazviita nokuchenjera, nomutsa, nokufunga, uye nounyanzvi, tingawana vanodavidza vakawanda zvikuru. Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary 2001, pamapeji 5-6, hune mazano anoshanda emawanirwo emigumisiro yakanakisisa.
6 Imwe hanzvadzi payaipupurira norunhare, yakabvunza mumwe mukadzi kana aifungisisa nezvenguva yake yemberi neyemhuri yake. Mukadzi wacho akati aidaro. Akataura kuti nokuda kwokupera mwoyo, akanga azviita zindoga kumba. Akurudzirwa nokuva nehanya kwechokwadi kwehanzvadzi yacho, mukadzi wacho akabvuma kusangana nehanzvadzi iyi pamusika uri pedyo. Somugumisiro, mukadzi wacho akabvuma kudzidza Bhaibheri pakarepo!
7 Kugamuchira Vatisingazivi: Kana tichida vavakidzani vedu, tichangwarira kucherechedza munhu upi noupi watisingazivi anoshanyira nzvimbo yedu yemisangano uye tichaita kuti anzwe kuti anogamuchirwa. (VaR. 15:7) Muite kuti aone kuti ari pakati pevaya vanofarira zvepachokwadi kubudirira kwake mumudzimu. Kuva kwedu nehanya kwechokwadi uye kumutaurira kwedu nezvechidzidzo cheBhaibheri chake pachake zvingamuita kuti abvume kubatsirwa nesu.
8 Mufambiro Wedu Wakanaka: Nomufambiro wedu wakanaka, tinoshongedza chokwadi. (Tito 2:10) Vaya vari munyika pavanotaura zvinhu zvakanaka nezvedu seZvapupu zvaJehovha, vanounza rukudzo kuna Mwari wedu. (1 Pet. 2:12) Izvi zvingabatsirawo vamwe kuti vatange kufamba munzira inoenda kuupenyu.
9 Tadii kuongorora nzira shanu idzi dzokuratidza kuonga kwatinoita rudo rukuru rwaJehovha nokuda kwedu tobva tadzishandisa? (1 Joh. 4:16) Pamunoita izvi, muchawana zvikomborero zvakawanda.