Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Feb. 15
“Makambofunga here kuti mungararama sei upenyu hwenyu zvakanakisisa uye kuita zvisarudzo zvinokosha? [Rega apindure.] Imwe yenhungamiro dzakanakisisa, zvakadai sokuitira vamwe zvaunoda kuti vakuitire, inowanikwa muBhaibheri. [Verenga Mateu 7:12.] Ndeapi mamwe mashoko aMwari angagona kutibatsira zvakananga? Muchawana mhinduro yacho mumagazini iyi.”
Nharireyomurindi Mar. 1
“Nokuda kwezvose zviri kuitika nhasi, vakawanda vedu tiri kushamisika kuti chii chichaitika munguva yemberi. Mumunyengetero wakakurumbira, Jesu Kristu akazivisa chikonzero nei tingatarisira nguva yemberi nechivimbo. [Verenga Mateu 6:9, 10.] Vanhu vari kudzokorora zvikanganiso zvakaitwa kare kare. Asi mumazuva iwayo, vaya vaishumira Mwari vakanga vane nguva yemberi inofadza. Magazini ino inoratidza kuti isuwo tinogona sei kuva nayo.”
Mukai! Mar. 8
“Mungava makacherechedza kuti nzvimbo zhinji dzebasa dzava nengozi zvikuru. Magazini ino ine mazano akaisvonaka okuita kuti kumabasa kuve kwakachengeteka. Inoratidzawo kuti kugara kwedu zvakanaka kunoenderana nokuti tinoona basa rokunyika zviri pakati nepakati here. Ndapota iverengei.”
Mukai! Mar. 8
“Bhaibheri rinosimbisa kukosha kwedzidzo yakanaka. [Verenga Zvirevo 2:10, 11.] Vakawanda vedu tinoziva kuti zvinokosha chaizvo kuti vana vave nevadzidzisi vanogona basa. Mukai! inotaura nezvebasa rinokosha revadzidzisi, kuonga kwatinofanira kuita kuzvipira kwavanoita, uye zvinofanira kuitwa nevabereki kuti vavabatsire mubasa ravo rakaoma.”