Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Feb. 15
“Vamwe vanhu vanoshamisika kana kuna Mwari ari munhu chaiye. Vamwe vanoti aripo asi vanofunga kuti ari kure navo zvikuru. Makambozvicherechedza here? [Rega apindure.] Onai kuti nei kusvika pakunyatsoziva Mwari kuchikosha zvikuru. [Verenga Johani 17:3.] Nezvenhau iyi, muchaona nyaya dzokutanga mumagazini ino dzichifadza.”
Mukai! Mar. 8
“Munofunga kuti Mwari aida kuti vanhu, kusanganisira vana, vatambure nemhaka yokushaya zvokudya zvinovaka muviri here? [Rega apindure.] Onai chipikirwa ichi chinonyaradza chinowanikwa muBhaibheri. [Verenga Pisarema 72:16.] Magazini iyi yeMukai! inotaura zvinokonzera kushaya zvokudya zvinovaka muviri uye, zvinotokosha zvikuru, chipikirwa chaMwari chokugumisa kushaya uku munguva pfupi iri kutevera.”
Nharireyomurindi Mar. 1
“Tingada kunzwa zvamunofunga maererano norugwaro runo runofadza. [Verenga Mateu 5:10.] Munhu angafara sei paanenge ari kutambudzwa? [Rega apindure.] Nyaya mbiri dzokutanga mumagazini iyi dzinotaura nezvevamwe vakaramba vachifara pasinei nokutambura kwavo. Muchafara kuverenga kuti vakazviita sei.”
Mukai! Mar. 8
“Nei dzimwe pwere dzichiti tinofanira kungwarira pakuona mavhidhiyo emimhanzi? Munofunga kuti mamwe emavhidhiyo aya angatikanganisa here? [Rega apindure.] Onai nyevero iyi iri muBhaibheri. [Verenga VaEfeso 5:3, 4.] Magazini iyi yeMukai! ichakufadzai zvikuru.”