Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Oct. 1
“Tose zvedu tinoda kuona kuparwa kwemhosva, chisimba nehondo zvichiguma. Munofunga kuti tichazomboona mashoko aya achizadzika here? [Verenga Pisarema 37:11. Zvadaro rega apindure.] Magazini iyi inotsanangura kuti chipikirwa ichi chakabatana sei nechinangwa chaMwari chepakutanga nokuda kwevanhu uye kuti tingabatanidzwawo sei machiri.”
Mukai! Oct. 8
“Hazvisuruvarisi here kuti gore negore mamiriyoni evasikana vachiri kuyaruka vasina kuroorwa anobata pamuviri? [Rega apindure.] Magazini iyi inotaura nezvematanho avangatora kuti vakurire zvizhinji zvinonetsa vanaamai vachiri kuyaruka. Inotaurawo kuti vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vadzivise dambudziko iri.” Verenga 2 Timoti 3:15.
Nharireyomurindi Oct. 15
“Vamwe vanhu vanofunga kuti kana vakava nemari yakawanda, upenyu hwavo huchange huchigutsa. Munofunga kuti izvi ichokwadi here? [Rega apindure.] Onai zvakanyorwa nomurume akanga akapfuma zvikuru. [Verenga Muparidzi 5:10.] Magazini iyi inotaura zvinhu zvinokosha kupfuura pfuma.”
Mukai! Nov. 8
“Vanhu vakawanda vanoona kukosha kwokurovedza vana kubvira vachiri vaduku. Munofunga kuti izvi zvinokosha here nhasi? [Rega apindure. Zvadaro verenga Zvirevo 22:6.] Magazini iyi yeMukai! inotaura zvinhu chaizvo zvingaitwa nevabereki kuti vabatsire vana vavo kukura kuva vanhu vakuru vakarurama uye vanobudirira.”