Ramba Uine Pfungwa Yokukurumidzira!
1 Jesu aiziva kuti nguva yaaiva nayo yokuti aite basa raBaba vake pasi pano yaiva shoma. (Joh. 9:4) Saka, akaita ushumiri hwake aine pfungwa yokukurumidzira, uye akadzidzisa vadzidzi vake kuti vaitewo saizvozvo. (Ruka 4:42-44; 8:1; 10:2-4) Akanga asinganyanyi kukoshesa upenyu hwomutambarakede. (Mat. 8:20) Saka, akakwanisa kupedza basa raakanga apiwa naJehovha kuti aite.—Joh. 17:4.
2 Nguva Shoma: Nguva yokuparidza mashoko akanaka “mupasi rose rinogarwa” yavawo shoma. (Mat. 24:14) Uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti tiri kurarama kumapeto kwenguva yomugumo. Munguva pfupi iri kuuya, vaya “vasingazivi Mwari uye vasingateereri mashoko akanaka pamusoro paShe wedu Jesu . . . vachatongerwa kuparadzwa nokusingaperi.” (2 VaT. 1:6-9) Kutongwa ikoko kuchangoerekana kwasvika zvinoshamisa. (Ruka 21:34, 35; 1 VaT. 5:2, 3) Vanhu vanofanira kuziva mamiriro avo ezvinhu ane ngozi. Mutoro wedu kuvabatsira kuti vatsvake nyasha dzaJehovha sezvo nguva ichiripo.—Zef. 2:2, 3.
3 Kuita Zvose Zvatingagona: Vachiziva kuti “nguva yasara ipfupi,” vashumiri vaMwari vanoisa basa rokuparidza panzvimbo yokutanga. (1 VaK. 7:29-31; Mat. 6:33) Vamwe vakarega mikana yokupfuma kana kuti kuita zvimwe zvinhu zvavanoda kuitira kuti vawedzere basa ravo muushumiri. (Mako 10:29, 30) Vamwe vanoramba vaine “zvakawanda zvokuita mubasa raShe” pasinei nemiedzo inoramba ichienderera mberi. (1 VaK. 15:58) Vakawanda vave vachizivisa pachena mashoko akanaka kwemakumi emakore vasingazununguki. (VaH. 10:23) Jehovha anokoshesa zvikuru kurega kwavanoita zvinhu zvose izvozvo kuti vatsigire zvinhu zvoUmambo.—VaH. 6:10.
4 Kuvakira upenyu hwedu pakunamata Jehovha, uko kunosanganisira basa rokuparidza, kunotibatsira kuti tirambe tichifunga nezvezuva raJehovha. Kunotidzivirira pakutsauswa nenyika yaSatani uye kunosimbisa kutsunga kwatinoita kuti tirambe tiine mufambiro mutsvene. (2 Pet. 3:11-14) Chokwadi, kuita ushumiri hwedu tiine pfungwa yokukurumidzira kunogona kuponesa isu nevaya vanotiteerera.—1 Tim. 4:16.