Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Jan. 1
“Zvitendero zvakawanda zvinodzidzisa kuti vanhu vanofanira kuda vavakidzani vavo. [Verenga Mateu 22:39.] Saka, munofunga kuti nei hondo nokurwisana zvakawanda kudai zviri munyika zviine chokuita nechitendero? [Rega apindure.] Magazini iyi yeNharireyomurindi inoongorora mubvunzo unoti, Chitendero chinogona kubatanidza vanhu here?”
Awake! Jan. 8
“Mungapindura sei mubvunzo uyu? [Verenga mubvunzo uri pabutiro. Zvadaro rega apindure.] Zviwanikwa zvepasi pano zviri kupera pamwero unotyisa. Asi, onai vimbiso iyi inokurudzira. [Verenga Pisarema 104:5.] Magazini iyi yeAwake! inotsanangura kuti pasi redu richasvika sei pakuvazve nezviwanikwa zvakakwana munguva pfupi iri kutevera.”
Nharireyomurindi Jan. 15
“Tose zvedu tinoshuva kuti isu nevana vedu tive noupenyu huri nani, asi vakawanda vanonzwa kuti havakwanisi kuhuwana. Munofunga kuti tingagona kudzora remangwana redu here? [Rega apindure.] Magazini iyi inoratidza kubva muBhaibheri kuti tinogona kudzora remangwana redu, asi zvinobva pane zvatinosarudza iye zvino.” Verenga Dheuteronomio 30:19.
Awake! Jan. 22
“Patinova nezvinetso zvoutano, tose zvedu tinoonga chiremba ane hanya nemanzwiro edu. Asi munofunga kuti varwere vakawanda vanombofungawo nezvemanzwiro achiremba wavo here? [Rega apindure.] Magazini iyi inoongorora zvinetso zvinotarisana navanachiremba uye kuti remangwana richange rakadini mune zvokurapa.” Verenga Isaya 33:24.