Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi July 1
“Tose tinoziva vanhu vanoita sevakabudirira asi vachiri kufunga kuti vari kushaya chimwe chinhu muupenyu hwavo. Munofunga kuti vari kutsvaka chii? [Rega apindure. Zvadaro verenga Mateu 5:3.] Magazini ino inotaura chimwe chinhu chinokosha kuti munhu awane rugare rwomukati—kugutsa zvatinoda pakunamata.”
Awake! July 8
“Munyika yanhasi inokwikwidzana mumabasa, kushayikwa kwemabasa chinetso chikuru. Magazini ino inotaura zvinhu zvishanu zvinokosha kuti uwane basa. [Taura misoro miduku yakanyorwa nezvitema-tema iri munyaya inoti “Five Keys to Finding a Job.”] Inotaurawo mazano anobatsira okuchengetedza basa.” Verenga Zvirevo 22:29, ine mashoko akanyorwa papeji 10.
Nharireyomurindi July 15
“Muzviuru zvemakore izvo vanhu vararama, vanhu vava nezvinhu zvakawanda chaizvo zvavanotenda. Munofunga kuti zvinobvira here kuziva kuti ndezvipi zvechokwadi uye zvenhema? [Rega apindure.] Magazini ino inotaura kwamungawana dzidziso dzechokwadi dzinofadza Mwari.” Verenga 2 Timoti 3:16.
Awake! July 22
“Zvinorwadza mwoyo kuona kutambura kunoparirwa nenjodzi dzinongoitika dzoga. [Taura muenzaniso unozivikanwa munzvimbo yenyu.] Munofunga kuti njodzi dzakadaro dziri kuwedzera here? [Rega apindure.] Magazini ino inoongorora mubvunzo iwoyo. Inonyaradzawo vaya vakarasikirwa nevadiwa vavo munjodzi dzakadaro.” Verenga Johani 5:28, 29.