RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/06 p. 8
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 1/06 p. 8

Zvokutaura Maererano Nemagazini

Nharireyomurindi Jan. 15

“Mumakore achangopfuura, vanhu vave vachiwedzera kufarira ngirozi. Makambofunga here kuti idzo ndivanaani uye kuti dzinoitei muupenyu hwedu? [Rega apindure. Zvadaro verenga Pisarema 34:7.] Magazini ino inotiudza zvinotaura Bhaibheri nezvemabasa engirozi—ekare, aiye zvino, uye enguva yemberi.”

Awake! Jan.

“Mazuva ano mazano anowanikwa padzinenge nyaya dzose zvadzo. Munofunga kuti tingavimba neakawanda sei? [Rega apindure. Zvadaro verenga 2 Timoti 3:16.] Awake! ino inoratidza chikonzero nei tingavimba kuti Bhaibheri ndiro rinopa uchenjeri hunobatsira.” Muratidze nyaya inotangira papeji 18.

Nharireyomurindi Feb. 1

“Tose zvedu tinoda mari kuti tirarame. Asi munobvuma here kuti tinofanira kungwaririra ngozi iri kutaurwa pano? [Verenga 1 Timoti 6:10, uye rega apindure.] Magazini ino yeNharireyomurindi inotibatsira kuziva mamwe matambudziko akakurumbira pakubudirira mune zvokunyama uye inotaura kuti tingaitei kuti tisazotambura nawo.”

Awake! Feb.

“Vakawanda vedu tine hama neshamwari dzakwegura tinonetseka kuti tingadzibatsira sei padambudziko rokukwegura. Handizvo here? [Rega apindure.] Magazini ino inotaura zvinhu zvatingaita kuti tisanyanyonetseka sezvatinenge tichikwegura. Inotsanangurawo kuti uprofita uhwu huchazadzika sei.” Verenga Jobho 33:25.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe