RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/06 p. 8
  • Kupupurira Paimba Neimba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kupupurira Paimba Neimba
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Mashoko Akafanana
  • Dzidzisa Pachena Uye Paimba Neimba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Ushumiri Hwepaimba Neimba—Nei Huchikosha Iye Zvino?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Paimba Neimba Tisingaregi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Ungaita Ushumiri Hwemanheru Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 9/06 p. 8

Kupupurira Paimba Neimba

1. Mubvunzo upi unomuka une chokuita noushumiri hwepaimba neimba, uye nei?

1 “Kune vaya vanoziva nzira dzakasiyana-siyana dzokuparadzira Chokwadi vachabvuma kuti mushandirapamwe wokuparadzira bhuku rinonzi MILLENNIAL DAWN paimba neimba, panguva ino ndiyo nzira yakanakisisa yokuparidza Chokwadi.” Mashoko iwayo anobva muZion’s Watch Tower yaJuly 1, 1893, akaratidza kuti ushumiri hwepaimba neimba hunokosha. Vanhu mupasi rose vava kuziva basa iri sechiratidzo chinozivisa Zvapupu zvaJehovha. Nzira iyi ichiri kubudirira here sezvo kuwana vanhu vari pamba kuri kuwedzera kuoma mune dzimwe nyika?

2. Ndeapi Magwaro anotsigira kupupurira kwepaimba neimba?

2 Zviri muMagwaro uye Zvinokosha: Kupupurira paimba neimba kunotsigirwa neMagwaro. Jesu akarayira vadzidzi 70 kuenda vaviri vaviri kudzimba dzevanhu. (Ruka 10:5-7) Jesu achangofa, Bhaibheri rinoti nezvevadzidzi vake: “Mazuva ose vakaramba vachidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka . . . mutemberi uye paimba neimba vasingaregi.” (Mab. 5:42) Muapostora Pauro akashingairawo kudzidzisa paimba neimba.—Mab. 20:20.

3. Ndezvipi zvimwe zvakanakira kupupurira paimba neimba?

3 Kupupurira paimba neimba kunoramba kuri nzira inokosha yokuparadzira nayo mashoko akanaka nhasi. Kunoita kuti tigone ‘kutsvaka’ vanhu vakakodzera nenzira inobudirira uye yakarongeka. (Mat. 10:11) Kazhinji vanhu vanenge vasingamhanyi-mhanyi kana vari pamba. Kutaura navo chiso nechiso—kunzwa inzwi ravo, kuona zvavanoita chiso chavo, uye kucherechedza zvakavapoteredza—zvinoita kuti tigone kuziva zvavanofarira uye zvinovanetsa. Kunowanzotipa mukana wakanakisisa wokukurukurirana kwenguva yakareba.

4. Tingaita sei kuti kupupurira paimba neimba kubudirire?

4 Gadzirisa Zvinhu Zvako: Muapostora Pauro aida kugadzirisa zvinhu zvake “nokuda kwemashoko akanaka.” (1 VaK. 9:23) Zvichida tinogona kugadzirisa purogiramu yedu kuti tiparidze panguva apo vanhu vakati wandei vangawanika pamba, zvakadai semasikati, kupera kwevhiki, kana kuti pamazororo. Nyora wochengeta pepa revanenge vasiri pamba, woedza zvakare kuvashanyira pane rimwe zuva revhiki kana kuti panguva yakasiyana.

5. Vaya vasina utano hwakanaka vangabatanidzwawo sei mubasa repaimba neimba?

5 Kunyange vaya vasina utano hwakanaka vangakwanisa kupupurira paimba neimba. Zvimwe tingaronga kuenda nevakadaro mudzimba dzisinganetsi kusvika, zvoita kuti vashande vasinganetseki. Imwe hanzvadzi yaizarirwa yaikwanisa kungoshanyira dzimba mbiri paawa. Asi yakanzwa ichifara uye ichigutsikana pashure pokunge yaita izvi neboka!

6. Paushumiri hwatinoita, nei tichifanira kugara tichiitawo basa repaimba neimba?

6 Vanhu vakaita semakwai vakawanda vari kuramba vachiwanika mubasa repaimba neimba. Mumwe muparidzi akagogodza pane rimwe suo ndokunzi: “Pindai. Ndinoziva kuti ndimi ani. Ndanga ndichinyengetera kuti Mwari atume mumwe munhu kuzondibatsira, uye ndabva ndanzwa kugogodza pasuo. Andinzwa uye akutumai.” Mugumisiro wacho unoratidza uchapupu hwokuti Jehovha ari kukomborera nzira iyi yokuparidza. (Mat. 11:19) Paushumiri hwaunoita, tsunga kugara uchiitawo basa repaimba neimba.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe