Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Jan. 15
“Munofunga kuti vakaroorana vangatsvaka kupi mazano anobatsira? [Rega apindure.] Onai kuti ndiani akatanga muchato. [Verenga Genesisi 2:22.] Mwari akapawo mirayiro pamusoro pebasa rinokudzwa romurume uye romudzimai. Magazini ino inotsanangura izvozvo.”
Awake! Jan.
“Makamboona here kuti vakawanda vanozviti vaKristu havatevedzeri dzidziso dzaJesu? [Rega apindure.] Somuenzaniso, vakawanda havatevedzeri mashoko aJesu ari pano. [Verenga Johani 13:35.] Nyaya ino inoongorora kusiyana kwezvakadzidziswa naJesu nezvinofungwa nevakawanda vanozviti vaKristu.” Muratidze nyaya iri kutangira papeji 18.
Nharireyomurindi Feb. 1
“Munofunga kuti nzanga yedu yaizova nzvimbo yakanaka here kudai munhu wose aizorarama achitevedzera mashoko aya? [Verenga VaEfeso 4:25. Zvadaro rega apindure.] Vanhu vakawanda vanofunga kuti kureva nhema kunobvumirwa mune mamwe mamiriro ezvinhu. Magazini ino inotsanangura kubatsira kunoita kutaura chokwadi nguva dzose.”
Awake! Feb.
“Maonerwo anoitwa chitendero anenge ari kuchinja mune dzimwe nzanga. Munofunga kuti machechi haasisina simba here? [Rega apindure.] Mashoko aya omuapostora Pauro anopa chikonzero nei vamwe vasisavimbi nechitendero. [Verenga Mabasa 20:29, 30.] Magazini ino inoratidza zvinotaura Bhaibheri nezveremangwana rechiKristu.”