Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Mar. 15
“Vanhu vanowanzotaura nezvokuuya kwaJesu Kristu. Munofunga kuti ichi chiitiko chatinofanira kutarisira kana kuti kutya here? [Rega apindure.] Onai kuti munyori weBhaibheri Johani akanzwa sei nezvazvo. [Verenga Zvakazarurwa 22:20.] Magazini ino inotsanangura zvichaitwa nokuuya kwaKristu.”
Awake! Mar.
“Vatungamiriri venyika vakawanda vanenge vanodada zvikuru. Munofunga kuti unhu uhwu hunoita kuti munyika muve norugare nokubatana here? [Rega apindure.] Onai zvinotaurwa neBhaibheri nezvokudada. [Verenga Zvirevo 16:18.] Nyaya ino inotsanangura zvatinowana kana tikazvininipisa.” Muratidze nyaya inotangira papeji 20.
Nharireyomurindi Apr. 1
“Anenge mazuva ose tinosangana nemibvunzo ine chokuita noutano hwedu, mhuri yedu, uye basa redu. Munofunga kuti tingawana kupi mhinduro dzakavimbika uye dzinobatsira? [Rega apindure.] Onai zvinotaurwa neBhaibheri pana 2 Timoti 3:16. [Verenga.] Magazini ino inoratidza kuti Bhaibheri ringatibatsira sei munzira dzakawanda.”
Awake! Apr.
“Munyika dzakawanda, vanhu vanofunga kuti tsika dziri kuderera. Makazvionawo here? [Rega apindure.] Mamiriro ezvinhu atinoona nhasi anozadzika uprofita huri muBhaibheri. [Verenga 2 Timoti 3:2-4.] Magazini ino inoratidza zvinorehwa nokuderera kwetsika uye kwazviri kutungamirira vanhu.”