Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Oct. 15
“Vakawanda vanofunga kuti ramangwana harizivikanwi, saka zviri nani kufunga zvanhasi chete. Munofungei? [Rega apindure.] Jesu akataura mashoko aya anoita kuti tifunge. [Verenga Mateu 6:34.] Magazini iyi inotsanangura kuti tingaronga sei ramangwana asi tisinganyanyi kuzvidya mwoyo.”
Awake! Oct.
“Tose zvedu tine hama dzakashayika. Munofunga kuti vari kutiona vari kudenga here? [Rega apindure.] Inzwai zvakataurwa naJesu pakafa Razaro. [Verenga Johani 11:11.] Nyaya iyi inotsanangura kuti vakafa vapenyu here kune imwe nzvimbo kana kuti vakazorora vachimirira kumutswa.” Ratidza nyaya inotangira papeji 28.
Nharireyomurindi Nov. 1
“Munofunga kuti nyika yaizova nani here kudai vanhu vaizowedzera kuzvininipisa? [Rega apindure.] Onai zvakataurwa naJesu nezveunhu uhwu. [Verenga Mateu 23:12.] Nyaya ino inokurukura kukosha kwokuti tiwedzere kuzvininipisa, kunyange munyika ino yemakwikwi.”
Awake! Nov.
“Kare vanhu vaiwanzoda kutungamirirwa neBhaibheri. Asi vakawanda vava kuti havasisina chokwadi nazvo. Munofungei? [Rega apindure. Zvadaro verenga 2 Timoti 3:16.] Magazini iyi inopa zvikonzero zvakasimba zvokuti Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari.”