Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi January 1
“Munofunga kuti nyika yaizova nzvimbo iri nani here kudai munhu wose aiita izvi zvinotaurwa neBhaibheri? [Verenga VaRoma 12:18. Murege apindure.] Saka hamuna kumbonetseka here kuti nei Mwari dzimwe nguva aiudza vanhu vake vekare kuti varwe hondo? Nyaya iyi inoratidza mhinduro yeBhaibheri yakajeka.” Muratidze nyaya inotangira papeji 13.
Awake! January
Verenga Mabasa 17:31a. Wadaro, iti: “Kuvanhu vakawanda, pfungwa yokuti Zuva Rokutongwa riri kuuya inoita kuti vabatire ura mumaoko. Ko imiwo muri papi? [Murege apindure.] Bhaibheri rinodzidzisa kuti Zuva Rokutongwa richaita kuti vanhu vari panyika vakomborerwe chaizvo. Nyaya iyi inotsanangura izvozvo.” Muratidze nyaya inotangira papeji 10.
Nharireyomurindi February 1
“Vanhu vakawanda vanotarisira kuenda kudenga pavanofa. Munonakidzwa netarisiro iyoyo here? [Murege apindure.] Onai zvinotaurwa neBhaibheri kuti ndiwo uchava mubayiro woruzhinji rwevanhu vakanaka. [Verenga Pisarema 37:29.] Magazini ino inodonongodza zvinotaurwa neBhaibheri nezvevaya vachaenda kudenga uye zvavachanoita ikoko.”
Awake! February
“Kurambana chinhu chakajairika mazuva ano. Munofunga here kuti vakaroorana vakawanda pavanozorambana vanenge vambofunga nezvezvinozoitika kana kuri kuti varambana? [Murege apindure. Zvadaro, verenga Zvirevo 14:15.] Magazini ino inotaura zvinhu zvina zvinofanira kufungwa nevanhu vakaroorana pavanenge vachifunga zvokurambana.”