Pawaishanya Kekutanga, Wakamboratidza Here Saimba Madzidziro Atinoita?
Vamwe vanasaimba patinovaudza kuti tinoda kudzidza Bhaibheri navo vanoti havafariri kana kuti vanodzidza Bhaibheri kuchechi kwavo. Sezvo vasingazivi kuti madzidziro atinoita Bhaibheri nevanhu akasiyana nezvinoitwa nemamwe machechi, havazivi nezvokunakidzwa uye kuvhurwa pfungwa kwavangaitwa. Saka, pane kungoudza vanhu kuti unoda kudzidza navo, wadini kumbotora maminitsi mashomanana kuvaratidza paunoshanya kekutanga madzidziro atinoita Bhaibheri nevanhu? Kuenzanisira: Usangovaudza kuti unogona kubika uye kuti unoda kuzodzoka nechikafu chacho; asi vape zvokuravira pakarepo. Imwe nzira yaunokwanisa kuita izvozvo mumaminitsi mashomanana inotaurwa nezvayo papeji 6 yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2006 ndeiyi:
“Munofunga kuti mashoko aya achazombozadzika rimwe zuva here? [Verenga Isaya 33:24, uye murege apindure.] Regai ndikuratidzei chimwe chinhu chinonakidza panyaya yacho.” Tambidza saimba bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei, uye muratidze ndima 22 papeji 36. Verenga mubvunzo uri pasi pepeji yacho uye kumbira saimba kuti atsvage mhinduro paunenge uchiverenga ndima yacho. Zvadaro, bvunza mubvunzo wacho zvakare, woteerera mhinduro yasaimba. Verenga rumwe rwemagwaro aripo. Bvunza mubvunzo wauchazopindura paunozoshanyazve uye ronga kuti uzodzoka. Watotanga chidzidzo cheBhaibheri!