RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/10 pp. 1-2
  • Minda Yachenera Kukohwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Minda Yachenera Kukohwa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Rambai Muchiita Basa Rokukohwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Ivai Vashandi Vanokohwa Vachifara!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Shanda Nesimba Mukukohwa Kukuru Kuri Kuitwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Ita Zvakazara Basa Rokukohwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
km 11/10 pp. 1-2

Minda Yachenera Kukohwa

1. Ibasa ripi rinokosha riri kuitwa?

1 Pashure pokunge aparidzira mumwe mukadzi muSamariya, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Simudzai maziso enyu muone minda kuti yachenera kukohwa.” (Joh. 4:35, 36) Basa rokuunganidza vaya vanobvuma kuteerera mashoko akanaka rakanga richiitwa, uye Jesu aikwanisa kufanoona kukura kwebasa racho munyika yose. Ari munzvimbo yake yokudenga, Jesu achiri kubatanidzwawo mubasa rokukohwa. (Mat. 28:19, 20) Zvii zvinoratidza kuti basa iri riri kuramba richiwedzera sezvariri kunanga kwamvurayachekamakumbo?

2. Zvii zvinoratidza kuti vaparidzi vari kuita basa sebasa pakukohwa kuri kuitwa munyika yose?

2 Kukohwa Kuri Kuitwa Munyika Yose: Mugore rebasa ra2009, nhamba yevaparidzi vomunyika yose yakawedzera ne3,2 muzana. Nhamba yevaparidzi vari munyika dzinorambidzwa basa rokuparidza yakawedzera ne14 muzana. Nhamba yezvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha zvakashumwa yakapfuura 7 619 000—nhamba yakakura zvikuru kupfuura nhamba yepamusoro yevaparidzi uye inopfuura nhamba yezvidzidzo zvakashumwa mugore rakapfuura racho neinoda kusvika hafu yemiriyoni. Basa racho zvariri kukura nokukurumidza munyika dzakawanda, zviri kuitawo kuti mamishinari akarovedzwa kuchikoro cheGiriyedhi adiwe akawanda. Ndima dzemitauro yokune dzimwe nyika dziri kuva nezvibereko zvakawanda munyika dzakawanda. Zviri pachena kuti Jehovha ari kuita kuti basa racho rikurumidze kuitwa munguva yokuguma kwekukohwa. (Isa. 60:22) Unoona ndima yenyu zvakanaka here?

3. Vamwe vangati kudini nezvebasa rokukohwa mundima yavo?

3 Basa Rokukohwa Mundima Yenyu: Vamwe vangati, “Ndima yedu yakaoma.” Ichokwadi kuti dzimwe ndima dzinoita sedzisina vanhu vanofarira sezvinoita dzimwe kana kuti dzinoita sedzisisina vanhu vanofarira sezvadzaiva dzakaita kare. Saka zvimwe Zvapupu zvingabva zvati vanhu vanofarira vari munzvimbo idzi vakatobvuma chokwadi kare uye basa rangosara nderokuunganidza vashoma vasara. Ndizvo chaizvo zvazvakaita here?

4. Tinofanira kuvavarira kuva nemaonero api akanaka oushumiri hwedu, uye nei?

4 Kubvira painotangira kusvika painoperera, nguva yokukohwa ndeyokuita basa sebasa. Ona pfungwa inoratidza kuti nguva yapera iri mumashoko aJesu okuti: “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo, kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” (Mat. 9:37, 38) Jehovha, Tenzi wokukohwa ndiye anoziva kuti goho richawanika kupi uye rini. (Joh. 6:44; 1 VaK. 3:6-8) Basa redu nderei? Bhaibheri rinopindura kuti: “Dyara mbeu yako mangwanani uye usarega ruoko rwako ruchizorora kusvikira manheru.” (Mup. 11:4-6) Chokwadi, kukohwa pakunenge kwava kusvika kwamvurayachekamakumbo inenge isiri nguva yokurega ruoko rwedu ruchizorora!

5. Nei tichifanira kuramba tichiparidza nokushingaira mundima inoita seisina vanhu vanofarira?

5 Ramba Uchikohwa: Kunyange kana ndima yedu yashandwa yashandwazve uye ichiita seisina vanhu vanofarira, pane zvikonzero zvakanaka zvokuti tishande tichishingaira tichiziva kuti nguva yapera. (2 Tim. 4:2) Kuchinja kuri kuita zvinhu munyika nokukurumidza kunoita kuti vanhu vachinje mafungiro avo uye vanyatsofungisisa nezveramangwana. Vechiduku zvavanokura, vanganzwa vachida kuva vakachengeteka uye kuva nerugare rwomupfungwa. Vamwewo vangabayiwa mwoyo nekushingaira kwatinoita. Chokwadi, vaya vakamboramba kuteerera vanogona kuzoteerera. Kunyange vaya vanoramba kuteerera mashoko edu vachiziva zvavo vanofanira kunyeverwa.—Ezek. 2:4, 5; 3:19.

6. Chii chichatibatsira kuramba tichishingaira kana ndima yedu yakaoma?

6 Kana ndima yedu yakaoma, chii chichatibatsira kuramba tichishingaira? Pane kungoparidza paimba neimba, tinogonawo kuita humwe ushumiri hwakadai sokuparidza munzvimbo dzebhizimisi kana kuparidza norunhare. Kana kuti tinogona kusiyanisa mharidzo dzedu toshandisa dzisina kujairwa mundima yedu. Tinogona kuchinja purogiramu yedu toita ushumiri manheru kana pane dzimwe nguva vanhu pavanowanika pamba. Zvimwe tingadzidza mutauro mutsva kuitira kuti tiparidze mashoko akanaka kune vakawanda. Tingakwanisa kuwedzera ushumiri hwedu nokuita upiyona hwenguva dzose. Kana kuti tinogona kutamira kunzvimbo ine vashandi vashoma vokukohwa. Kana tichiona zvakanaka basa rokukohwa, tichaedza kuita zvakawanda sezvatingagona mubasa iri rinokosha.

7. Tinofanira kuramba tichiita basa rokuunganidza kusvika rini?

7 Varimi vane nguva shoma yokuunganidza zvirimwa, saka havana nguva yokuzorora kana kuita zvokunonozeka pabasa kusvika basa rapera. Basa rokuparidza rinodawo kuti tishande tichiziva kuti nguva yapera. Tinofanira kuramba tichiita basa rokuunganidza kusvika rini? Munguva yose ‘yokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho’ kusvika ‘pamugumo.’ (Mat. 24:14; 28:20) Kungofanana noMushumiri mukuru waJehovha, tinoda kupedza basa ratakapiwa. (Joh. 4:34; 17:4) Naizvozvo ngatirambei tichiita ushumiri hwedu nokushingaira, tichifara uye tiine mafungiro akanaka kusvika pamugumo. (Mat. 24:13) Basa rokukohwa harisati rapera!

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 2]

Kubvira painotangira kusvika painoperera, nguva yokukohwa ndeyokuita basa sebasa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe