RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/11 pp. 3-6
  • Rubatsiro Kumhuri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rubatsiro Kumhuri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Kunamata Kwemhuri—Mungaitei Kuti Kunakidze?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mhuri dzechiKristu—“Rambai Makagadzirira”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Garai Muchidzidza Shoko raMwari Semhuri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Mhuri, Rumbidzai Mwari Senhengo Dzeungano Yake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
km 1/11 pp. 3-6

Rubatsiro Kumhuri

1. Sabata raiitwa vhiki yoga yoga raibatsira sei mhuri dzevaIsraeri?

1 Kuchengetwa kweSabata kwaiva urongwa hwaJehovha hwerudo hwaibatsira mhuri. VaIsraeri vaizorora pamabasa avo uye vaiva nenguva yekufungisisa nezvekunaka kwaJehovha uye ukama hwavo naye. Vabereki vaigona kushandisa mukana uyu kuroverera Mutemo mumwoyo yevana vavo. (Dheut. 6:6, 7) Vhiki yoga yoga, Sabata raiita kuti vanhu vaJehovha vave nenguva yokufungisisa nezveukama hwavo naye.

2. Sabata rinotidzidzisei nezvaJehovha?

2 Ichokwadi kuti Jehovha haachatarisiri kuti mhuri dzichengete sabata. Zvisinei, mutemo weSabata unotidzidzisa chimwe chinhu nezvaMwari. Agara achifarira kuti vanhu vake vave neukama hwakanaka naye. (Isa. 48:17, 18) Mazuva ano, Jehovha anoshandisa urongwa hwemanheru oKunamata Kwemhuri seimwe nzira yokuratidza nayo kuda kwaanoita mhuri.

3. Chinangwa chemanheru oKunamata Kwemhuri ndechei?

3 Chinangwa Chemanheru oKunamata Kwemhuri Ndechei? Muna January 2009, Chidzidzo Chebhuku Cheungano chakatanga kuitwa musi mumwe chete neChikoro chaMwari Choushumiri neMusangano Webasa. Chimwe chikonzero chakaita kuti pave nekuchinja uku ndechokupa mhuri mukana wokuti isimbe pane zvokunamata nokuronga kuva nemanheru avanonamata semhuri vhiki yega yega. Mhuri imwe neimwe yakakurudzirwa kuti iite chidzidzo chemhuri pamanheru aichimboitwa chidzidzo chebhuku kana zvichivaitira, uye kuti vashandise nguva iyi kunyatsokurukura zvine chokuita neBhaibheri vasingamhanyi-mhanyi uye kudzidza zvinhu zvinobatsira mhuri yavo.

4. Mhuri inofanira kungoita chidzidzo chayo kweawa imwe chete here? Tsanangura.

4 Kuti tipinde Chidzidzo Chebhuku Cheungano, taida nguva yokupfeka, yokufamba neyokuita zvimwewo. Kune vakawanda vedu, kupinda musangano uyu weawa imwe chete kwaitoreva kuti taitofanira kushandisa nguva yakawanda. Nokugadziridzwa kwakaitwa purogiramu yedu yemisangano, tava nemanheru aya okuti tinamate Jehovha semhuri. Saka, hatingofaniri kuva nekunamata kwemhuri kweawa imwe chete bedzi. Panzvimbo pokungoita kweawa imwe chete, tinofanira kufunga kuti mhuri yedu inoda kubatsirwa papi uye kuti ndezvipi zvaingakwanisi kuita uye todzidza kwenguva inogona kunyatsotibatsira semhuri.

5. Nguva yose inofanira kupedzerwa pakukurukurirana seboka chete here? Tsanangura.

5 Nguva Yacho Yose Inofanira Kupedzerwa Pakungokurukura Seboka Here? Vakaroorana uye vaya vane vana pavanokurukura nyaya dzemuMagwaro pamwe chete, vanokurudzirana. (VaR. 1:12) Ukama hwemhuri hunosimbiswa. Saka, pamanheru oKunamata Kwemhuri, mhuri inofanira kunyanya kukurukura nyaya dzemuMagwaro. Zvisinei, munhu mumwe nemumwe ari mumhuri anogonawo kushandisa imwe nguva pakudzidza ari oga. Somuenzaniso, pashure pokukurukura seboka, mhuri inogona kuramba iri pamwe chete, mumwe nemumwe wavo achienderera nekudzidza ari oga zvimwe achipedzisa kugadzirira misangano kana kuverenga magazini. Dzimwe mhuri dzinosarudza kusabatidza TV manheru acho ose.

6. Mungakurukurirana sei?

6 Mungakurukurirana Sei? Hamufaniri kungoita zvemibvunzo nemhinduro chete. Mhuri dzakawanda dzine purogiramu yakafanana nemisangano yatinoita pakati pevhiki kuitira kuti manheru oKunamata Kwemhuri anakidze uye kukurukurirana kwacho kuitwe zvine upenyu. Vanoita kuti pave nezvikamu zvakasiyana-siyana uye vozviita nenzira dzakasiyana-siyana. Somuenzaniso, vanogona kuverenga Bhaibheri pamwe chete, kugadzirira chikamu chemisangano, uye kudzidzira zvokutaura muushumiri. Peji 6 ine mamwe mazano.

7. Vabereki vanofanira kuvavarira kuti pave nemamiriro ezvinhu akadini?

7 Vabereki Vanofanira Kuvavarira Kuti Pave Nemamiriro Ezvinhu Akadini? Mhuri yenyu inogona kudzidza zviri nani kana mamiriro ezvinhu akanaka uye pasina akasungikana. Dzimwe nguva munokwanisa kudzidzira panze kana mamiriro ekunze akanaka. Inzwai makasununguka kumbozorora pazvinenge zvakakodzera. Dzimwe mhuri dzinoita kuti pave netwokudyira-dyira pashure pepurogiramu yacho. Kunyange zvazvo vabereki vachizodzivisa kushandisa manheru oKunamata Kwemhuri kuranga kana kutuka vana vavo, vangada kutaura dzimwe nyaya kana kamwe katsika kasina kunaka kavanenge vaona. Zvisinei, zvingava zvakanaka kukurukura nemwana nyaya dzingaita kuti anyare pasina vamwe pane rimwewo zuva muvhiki yacho. Manheru oKunamata Kwemhuri haasi okuti vanhu vaite sevari panhamo asi anofanira kuratidza kuti Mwari watinonamata ndiMwari anofara.—1 Tim. 1:11.

8, 9. Misoro yemhuri inofanira kugadzirira chii?

8 Musoro Wemhuri Ungagadzirira Sei? Mhuri ichabatsirwa zvakanyanya kana musoro wemhuri ukafanogadzirira zvichadzidzwa pamanheru oKunamata Kwemhuri kwega kwega, nokusarudza kuti ndezvipi zvinofanira kukurukurwa uye nzira yakanaka yokuzvikurukura. (Zvir. 21:5) Zvakanaka kuti murume ambotanga akurukura nomudzimai wake kuti ndezvipi zvichadzidzwa. (Zvir. 15:22) Misoro yemhuri, munodii kumbobvunzawo vana venyu pano neapo kuti vataure zvavanofunga kuti zvakanaka kuti zvikurukurwe? Kana mukadaro, muchanzwisisa zvimwe zvavanofarira uye zvinovanetsa.

9 Kakawanda, musoro wemhuri hauzotori nguva yakawanda uchigadzirira. Mhuri ingangofarira kuti ive nezvimwe zvainogara ichiita vhiki yega yega, uye musoro wemhuri haufaniri kungochinja-chinja purogiramu nguva dzose. Angaona zvichibatsira kugadzirira pamunopedza Kunamata Kwemhuri paanenge achiri kufunga kuti ndepapi paanofanira kubatsira mhuri yake mune zvokunamata. Mimwe misoro yemhuri inonyora zvichadzidzwa yoisa pepa racho panoonekwa nemhuri yose. Izvi zvinoita kuti mhuri itarisire uye ifarire zvichadzidzwa uye zvinoipa nguva yokugadzirira kana paine zvinoda kugadzirirwa.

10. Vaya vanogara voga vangashandisa sei manheru avo oKunamata Kwemhuri?

10 Zvakadini Kana Ndiri Ndoga? Vaya vanogara voga vanogona kushandisa nguva yoKunamata Kwemhuri kudzidza vari voga. Purogiramu yakanaka inogona kushandiswa inofanira kusanganisira kuverenga Bhaibheri, kugadzirira misangano, uye kuverenga magazini eNharireyomurindi neMukai! Vamwe vaparidzi vanowedzera nokuva nezvimwe zvavanodzidza vari voga. Dzimwewo nguva vangada kukoka mumwe muparidzi kana mhuri kuti vakurukure zvinovaka zvinobva muMagwaro.

11, 12. Ndezvipi zvimwe zvakanakira kuva nemanheru oKunamata Kwemhuri nguva dzose?

11 Kuva Nemanheru oKunamata Kwemhuri Nguva Dzose Kunobatsirei? Vaya vanonamata nemwoyo wose vanoswedera pedyo naJehovha. Uyewo, mhuri dzinonamata pamwe chete dzinova neukama hwakasimba. Vamwe vakaroorana vakanyora vachitaura nezvekukomborerwa kwavakaitwa vachiti: “Semapiyona asina vana, tinonyatsotarisira kumanheru edu oKunamata Kwemhuri. Tinonzwa tichiswedera pedyo nemumwe nomumwe uye naBaba vedu vokudenga. Patinomuka musi watakaronga kuti tidzidze pamwe chete, tinoti: ‘Uri kumboziva here kuti nhasi manheru kunei? Kunamata Kwemhuri!’”

12 Urongwa hwokuva nemanheru okunamata kwemhuri hunobatsirawo mhuri dzinogara dzakabatikana. Vamwe amai vari voga vari kurera vanakomana vaviri uye vanopayona vakanyora kuti: “Kare taisanyatsodzidza zvakanaka. Taingopotsapotsa uye taingodzidza zvachero nokuti ndaiva ndakaneta. Ndaisaziva kuti zvinhu zvose ndaifanira kuzviita sei. Saka ndiri kunyora ndichikutendai chaizvo nemhaka yourongwa hwemanheru oKunamata Kwemhuri. Tave tichibudirira kudzidza semhuri nguva dzose uye tichiona kubatsira kwazvinoita.”

13. Chii chinotema kuti mhuri yenyu ichabatsirwa zvakadini?

13 Kufanana neSabata, manheru oKunamata Kwemhuri chipo chinobva kuna Baba vedu vokudenga chinogona kubatsira mhuri. (Jak. 1:17) Kushandisa kwaiita mhuri dzevaIsraeri Sabata ndiko kwaitema kubatsirwa kwavaizoita mune zvokunamata. Saizvozvowo kushandisa kwatinoita manheru atakapiwa kuti tishandise pakunamata nemhuri kunotemawo kubatsirwa kuchaitwa mhuri yedu. (2 VaK. 9:6; VaG. 6:7, 8; VaK. 3:23, 24) Nokushandisa zvakanaka urongwa uhwu, mhuri yako inogona kutaurawo mashoko emunyori wepisarema anoti: “Asi ini, kuswedera pedyo naMwari kwakandinakira. Ndakaita Changamire Ishe Jehovha nzvimbo yangu yokupotera.”—Pis. 73:28.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

Manheru oKunamata Kwemhuri haasi okuti vanhu vaite sevari panhamo asi anofanira kuratidza kuti Mwari watinonamata anofara

[Bhokisi riri papeji 6]

CHENGETA

Mamwe Mazano Okushandisa Pamanheru oKunamata Kwemhuri

Bhaibheri:

• Verengai ndima dzeBhaibheri dzevhiki iyoyo muri pamwe chete. Kana ndima dzamuri kuverenga dzichiita, munogona kuti mumwe achiverenga somurondedzeri vamwe vachiverenga mashoko akataurwa nevanhu vakasiyana siyana vari muBhaibheri.

• Itai mutambo unobva pandima dzamange muchiverenga.

• Ipai mumwe nemumwe womumhuri ndima dzeBhaibheri dzokuti afanoverenga uye ngaanyore mubvunzo mumwe chete kana miviri yaakava nayo paakaverenga. Zvadaro chitsvakurudzai mhinduro dzemibvunzo yacho yose pamwe chete.

• Vhiki rega rega gadzirai kadhi rinenge riine ndima yeBhaibheri uye moedza kuiyeuka uye kuitsanangura. Itai kuti makadhi awande, uye adzokororei vhiki nevhiki kuti muone kuti magwaro mangani amuchiri kuyeuka.

• Teererai Bhaibheri rakarekodhwa imi muchitarisa mune renyu.

Misangano:

• Gadzirirai pamwe chete zvimwe zvichaitwa pamisangano.

• Dzidzirai nziyo dzoUmambo dzichaimbwa vhiki inotevera.

• Kana paine ane hurukuro paChikoro chaMwari Choushumiri kana muenzaniso paMusangano Webasa, kurukurai kuti zvingaitwa sei, uye enzanisirai mhuri yose ichiona.

Zvine Chokuita Nemhuri Yenyu:

• Kurukurai mashoko ari mubhuku rinonzi, Mibvunzo Inobvunza Vechiduku kana kuti Dzidza Kumudzidzisi Mukuru.

• Enzanisirai zvamungaita pamamiriro ezvinhu angamuka kuchikoro.

• Enzanisirai vabereki vachimboitawo sevana uye vana vachimboitawo sevabereki. Vana vanotsvakurudza nezveimwe nyaya uye vokurukura vachibatsira vabereki.

Ushumiri:

• Enzanisirai muchigadzirira mharidzo dzamuchashandisa pakupera kwevhiki.

• Kurukurai zvinangwa zvinozadzisika zvinogona kuitwa nemhuri yenyu kuti iwedzere ushumiri mumwaka weChirangaridzo kana kuti panguva yokuzorora.

• Ipai mumwe nomumwe ari mumhuri yenyu maminitsi mashoma okuti atsvakurudze kuti angapindura sei mibvunzo yakasiyana-siyana inogona kumuka muushumiri, uye mozoenzanisira kuti zvingaitwa sei.

Mamwe Mazano Okuwedzera:

• Verengai imwe nyaya iri mumagazini matsva pamwe chete.

• Itai kuti mumwe womumhuri menyu afanoverenga imwe nyaya inomunakidza iri mumagazini matsva, uye itai kuti azoirondedzera.

• Potai muchikoka muparidzi mumwe chete kana kuti vaviri vakaroorana kuti vave nemi pamanheru oKunamata Kwemhuri kwenyu uye zvimwe munogona kuvabvunza mibvunzo.

• Onai rimwe remavhidhiyo edu morikurukura.

• Kurukurai pamwe chete nyaya dzakanzi, “Vechiduku Vanobvunza Kuti” kana kuti, “Zvokukurukura Semhuri” dziri muMukai!

• Kurukurai pamwe chete nyaya dzinoti, “Dzidzisai Vana Venyu” kana kuti, “Zvevechiduku” dziri muNharireyomurindi.

• Verengai uye kurukurai chikamu cheBhuku Regore kana kuti bhuku rakabudiswa pagungano reruwa rakapedzisira kuitwa.

• Kana muchangobva kupinda gungano, dzokororai pfungwa dzinokosha dzamakawana.

• Onai zvisikwa zvaJehovha, mokurukura zvazvinokudzidzisai nezvaJehovha.

• Ivai nezvimwe zvamunoita pamwe chete zvakadai sekudhirowa mufananidzo, mepu kana chati.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe