RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/11 p. 2
  • Kupupurira Mumugwagwa Zvinobudirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kupupurira Mumugwagwa Zvinobudirira
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Kuwana Vanofarira Kupfurikidza Nokupupurira Mumugwagwa Kunobudirira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Paridza Mashoko Akanaka Kwose Kwose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Nzira Itsva Dzokuparidza Pachena
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Nzira Inonakidza Ichangoburwa Yekuparidza Munzvimbo Dzinowanikwa Vakawanda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
km 6/11 p. 2

Kupupurira Mumugwagwa Zvinobudirira

1. Ndeipi imwe nzira yatingatevedzera nayo Jesu?

1 Paaiita ushumiri hwake ari pasi pano, Jesu akanga asingazezi kutaura nevanhu vaaisangana navo mumugwagwa uye mune dzimwe nzvimbo dzaiwanika vanhu vakawanda. (Ruka 9:57-61; Joh. 4:7) Aida kuti vanhu vakawanda sevaaikwanisa kutaura navo vanzwe mashoko ake anokosha. Mazuva ano, kupupurira mumugwagwa inzira yakanaka zvikuru yokubatsira vanhu kuwana uchenjeri hwaMwari. (Zvir. 1:20) Tinogona kuwedzera kubudirira kwatinoita kana tikatanga isu kutaura navo uye kana tikashandisa uchenjeri.

2. Ndezvipi zvinobatanidzwa pakutanga kutaura nevanhu patinenge tichipupurira mumugwagwa?

2 Tanga Kutaura Navo: Zviri nani kuti utange kutaura nevanhu pane kumira kana kugara panzvimbo imwe chete uchimirira vanhu vanenge vachidarika kuti vatange ivo kutaura newe. Nyemwerera, tarisana nevanhu, iva munhu akadzikama uye ane ushamwari. Kana uchishanda nevamwe vaparidzi, kazhinji zvakanaka kuti muparidzi mumwe chete atange kutaura nemunhu wacho. Unofanirawo kuronga kuti uzokurukura zvakare nevanhu vanenge vafarira. Kana zvakakodzera, pamunenge mapedza kukurukurirana, ungabvunza munhu wacho noushamwari kuti mungazoonana sei zvakare. Vamwe vaparidzi vanogara vachipupurira mumugwagwa panzvimbo yakafanana, zvichivabatsira kuti vataure nevanhu vavanogara vachisangana navo voita kuti vanhu vacho vawedzere kufarira.

3. Tingava sei vakachenjera patinenge tichipupurira mumugwagwa?

3 Iva Akachenjera: Chenjerera pakusarudza pokumira mumugwagwa uye vanhu vauchataura navo. Hatifaniri hedu kupupurira kune munhu wose anenge achidarika. Cherechedza. Somuenzaniso, kana munhu wacho ari kumhanya-mhanya, zvingava zvakanaka kumusiya achienda. Paunenge uchipupura panzvimbo yebhizimisi, ngwarira kuti usavhiringidze basa rinenge richiitwa ipapo. Kazhinji zviri nani kupupurira vanhu pavanenge vava kubva panzvimbo yebhizimisi pane kuvapupurira vachangosvika. Tanga kutaura nevanhu nenzira inoita kuti vasatye kana kuti kuvhunduka. Uyezve, unofanira kungwarira paunenge uchigovera mabhuku. Kana vanhu vakaratidza kufarira zvishoma, unogona kuvapa turakiti panzvimbo pemagazini.

4. Nei kupupurira mumugwagwa kuchibatsira uye iri nzira inonakidza yokupupura nayo?

4 Kupupurira mumugwagwa kunoita kuti tikwanise kuparadzira mbeu yechokwadi munguva pfupi. (Mup. 11:6) Vamwe vanhu vatinosangana navo vangatove vari vaya vatisingambowani patinenge tichishanda paimba neimba. Wadii kuronga kuti upupurirewo mumugwagwa, nzira inonakidza uye inobudirira yokuita basa romumunda?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe