RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/11 p. 1
  • Batsira Saimba Kuti Ashandise Pfungwa Dzake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Batsira Saimba Kuti Ashandise Pfungwa Dzake
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Itira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo Paunenge Uchiparidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kupindura Vanenge Vachida Kuramba Kuparidzirwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kupa Vanhu Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
km 10/11 p. 1

Batsira Saimba Kuti Ashandise Pfungwa Dzake

1. Ndeipi nzira inonyatsobudirira muushumiri?

1 Muushumiri ndeipi nzira inobudirira pakudzidzisa, yokuita kuti munhu abvume zvauri kumuudza nokuti ndicho chokwadi here kana kuti yokumubatsira kushandisa pfungwa dzake kuti aone chokwadi? Muapostora Pauro akashandisa nzira yokuita kuti munhu ashandise pfungwa dzake paaitaura nevaJudha vokuTesaronika, uye “nokuda kwaizvozvo vamwe vavo vakava vatendi.” (Mab. 17:2-4) Kukurukura nemunhu uchiita kuti ashandise pfungwa dzake kunosanganisirei?

2. Tingatevedzera sei muenzaniso waPauro patinenge tichiparidzira mashoko akanaka?

2 Fungawo Manzwiro Avo Uye Zvavanotenda: Kuti vanhu vari mundima yedu vashandise pfungwa dzavo zvinoda kuti isu tizive zvavanofunga. Pauro paakataura hurukuro yake nevaGiriki vasingatendi paAreyopago, akatanga nezvinhu zvavangangodaro vaitoziva uye vaibvuma. (Mab. 17:22-31) Saka paunenge uchigadzirira mharidzo, fungawo zvinodavirwa nevanhu vari mundima yenyu uye maonero avanotiita. (1 VaK. 9:19-22) Kana saimba akasabvumirana newe, edza kutsvaga zvinhu zvamunobvumirana wotaura izvozvo.

3. Kushandisa mibvunzo nounyanzvi kunotibatsira sei kuti tiite kuti munhu ashandise pfungwa dzake?

3 Shandisa Mibvunzo Nounyanzvi: Hatigoni kurayira munhu kuti anofamba sei kusvika kune imwe nzvimbo kana tisingazivi kuti iye ari nechepapi. Zvimwe chete navanasaimba, hatigoni kuvabatsira kuti vanzwisise chimwe chinhu kana tisingazivi maonero avo. Jesu asati abatsira munhu kufunga aiwanzotanga nokubvunza mibvunzo kuti azive pane pfungwa dzake. Somuenzaniso mumwe munhu paakabvunza Jesu kuti, “Ndingaiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?” Jesu akatanga kuda kuziva zvaiva mupfungwa dzake asati amupindura. (Ruka 10:25-28) Pane imwe nguva, Petro paakapindura mhinduro isiri iyo, Jesu akashandisa mibvunzo zvine unyanzvi kuti agadzirise mafungiro ake. (Mat. 17:24-26) Saka kana saimba akabvunza mubvunzo kana kuti akataura zvisiri izvo, tinogona kushandisa mibvunzo kuti timubatsire kuti azvionere oga kuti chokwadi ndechipi.

4. Nei tichifanira kuedza kubatsira saimba kuti ashandise pfungwa dzake?

4 Patinobatsira saimba kushandisa pfungwa dzake, tinenge tichitevedzera Mudzidzisi Mukuru, Jesu, uye vamwe vaevhangeri vaiva nounyanzvi vomuzana remakore rokutanga. Ticharatidza kuti tinoremekedza saimba. (1 Pet. 3:15) Izvi zvingaita kuti ade kuti tizodzokazve.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe