Ungaita Ushumiri Hwemanheru Here?
1. Maererano nezvakanyorwa neimwe nyanzvi, muapostora Pauro aiparidza nguvai paimba neimba?
1 Maererano nebhuku rinonzi Daily Life in Bible Times, muapostora Pauro ainyatsoita ushumiri hwepaimba neimba “kubva na4 zuva rovira kusvika hwava usiku.” Hatinyatsozivi kuti izvi ndizvo chaizvo here zvaiitwa naPauro, asi chatinoziva ndechokuti Pauro aida kuita “zvinhu zvose nokuda kwemashoko akanaka.” (1 VaK. 9:19-23) Izvi zvaisanganisira kuronga zvinhu zvake kuti agone kuenda paimba neimba panguva yaiwanikwa vanhu vakawanda.
2. Nei nguva dzemanheru dzakanaka kuti tiite ushumiri?
2 Munzvimbo dzakawanda, vaparidzi vanowanzoenda paimba neimba mangwanani mukati mevhiki. Asi, kwaunogara nguva iyi ndiyo ichakanaka here? Mumwe piyona achitaura nezvendima yake akati: “Kashoma kuti uwane vanhu pamba mangwanani kana kuti masikati. Vanhu vakawanda vanowanikwa panguva dzemanheru.” Ushumiri hwemanheru hunogona kupa mukana wokuti tiwane vanhurume tovaparidzira mashoko akanaka. Vanasaimba vanenge vakasununguka uye vachida kuti tikurukure. Kana zvichibatsira kuti muparidze manheru, vakuru vanofanira kuronga kuti paitwe misangano yokuti muite ushumiri hwemanheru.
3. Tingashandisa sei uchenjeri patinenge tichiparidza manheru?
3 Shandisa Uchenjeri: Zvinokosha kuti mushandise uchenjeri pamunenge muchiparidza manheru. Somuenzaniso, kana mukaona kuti masvika panguva isiriyo, zvimwe saimba anenge achidya, zvakanaka kuti mumuudze kuti munozodzoka. Kana kuine rima, mirai pamunogona kuonekwa nasaimba, kurumidzai kutaura kuti ndimi vanaani uye kuti mavingei. Zvakanakawo kushanda muri vaviri vaviri kana kuti seboka uye kuti mumire mumigwagwa ine mwenje musiri kure nevamwe. Musanonoka kushanyira vanasaimba zvokuti munozosvika vava kutoda kurara. (2 VaK. 6:3) Kana imwe nharaunda ichityisa kana kwasviba, paridzirai munzvimbo yacho kuchakachena.—Zvir. 22:3.
4. Zvikomborero zvipi zvinowanikwa nokuita ushumiri hwemanheru?
4 Zvikomborero: Ushumiri hunonyanya kunakidza kana tikakwanisa kuparidzira mumwe munhu. Uye paticharamba tichiita ushumiri, tichawanawo mikana yakawanda yokubatsira vamwe kuti “vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Tim. 2:3, 4) Ungagadzirisa purogiramu yako here kuti uitewo ushumiri hwemanheru?