Fadzwa Nezvakanaka Zvinobuda Pakushanda Kwako Nesimba
1. Chii chingaderedza kushingaira kwedu muushumiri?
1 Munhu akasikwa kuti ‘afadzwe nezvakanaka zvinobuda pakushanda kwake nesimba.’ (Mup. 2:24) Asi, kana tikatadza kuona zvibereko zvakanaka zvinobva paushumiri hwedu, tinogona kuodzwa mwoyo zvoita kuti tisafara uye zvoderedza kushingaira kwedu. Chii chingatibatsira kuti tirambe tiine maonero akanaka?
2. Sei zvichibatsira kuti tizive kuti havasi vose vachateerera patinoita ushumiri?
2 Ziva Kuti Havasi Vose Vachateerera: Yeuka kuti pasinei nokuti vanhu vashoma ndivo vakateerera Jesu, ushumiri hwake hwakava nezvibereko. (Joh. 17:4) Mumufananidzo wake wemudyari, Jesu akagara ataura kuti mwoyo yevanhu vakawanda yakanga isingazogamuchiri mashoko oUmambo ayo anofananidzwa nembeu. (Mat. 13:3-8, 18-22) Pasinei naizvozvo, kushingaira kwedu kune zvakunoita.
3. Sei zvinganzi ‘tinobereka zvibereko’ kunyange vanhu vakawanda vasiri kuteerera patinovaparidzira?
3 Nzira Iyo Tinobereka Nayo Zvibereko: Kubva pamuenzaniso wakataurwa naJesu, vanhu vanogamuchira shoko ‘vanobereka zvibereko.’ (Mat. 13:23) Kana dzinde regorosi ramera uye ranyatsosvika, rinobereka mbeu itsva kwete madzinde maduku egorosi. Saka zvibereko zvinowanikwa nevaKristu vanoshingaira hazvirevi hazvo vadzidzi vatsva asi zvinoreva kuramba vachidyara mbeu yakawanda yeshoko roUmambo nokuparidza kwavanoita. Zvakanaka izvi zvinobuda zvinoita kuti tigutsikane pasinei nokuti vanhu vateerera here kana kuti kwete. Tiri kubatsira pakuita kuti zita raJehovha ritsveneswe. (Isa. 43:10-12; Mat. 6:9) Tine ropafadzo yokuva vashandi pamwe chete naMwari. (1 VaK. 3:9) Uye “chibereko chemiromo” chakadaro chinofadza Jehovha.—VaH. 13:15, 16.
4. Zvii zvinogona kuitika tisingazivi paushumiri hwedu?
4 Chimwezve ndechokuti kushanda kwedu nesimba kunogona kubereka zvibereko zvatisingaoni. Zvinoratidza kuti vamwe vakanzwa Jesu paaiparidza havana kuva vadzidzi vake kutozosvikira apedza ushumiri hwake panyika. Ndizvowo zvinogona kuitika, mbeu yoUmambo yatinodyara inogona kusadzika midzi mumwoyo womunhu ipapo ipapo asi nokufamba kwenguva anogona kuzoda chokwadi. Izvi zvinogona kuitika isu tisingachatombozivi. Kutaura chokwadi, ushumiri hwedu hune zvinhu zvakanaka zvinobuda mahuri. Saka, ngatirambei ‘tichibereka zvibereko zvizhinji’ uye tichiratidza kuti tiri vadzidzi vaJesu.—Joh. 15:8.