“Ivai Norugare Nevanhu Vose”
1. Izano ripi riri muBhaibheri ratinofanira kushandisa patinosangana nanasaimba vanenge vagumbuka?
1 Vanhu vaJehovha vanoda rugare, uye ushumiri hwedu ndechimwe chezvinhu zvinoratidza kuti tinoda rugare. (Isa. 52:7) Asi dzimwe nguva vanhu vanogumbuka pamusana pokuvashanyira kwatinenge taita. Chii chichatibatsira kuti tive vanhu vanoda zverugare kana zvakadaro zvikaitika?—VaR. 12:18.
2. Sei zvichikosha kuti tive vanhu vanonzwisisa?
2 Iva Munhu Anonzwisisa: Kunyange zvazvo vamwe vachishatirwa nemhaka yokusada kuparidzirwa chokwadi, vamwe vanoshatirwa nokuda kwezvimwe zvikonzero zvisinei neshoko ratiri kuparidza. Zvimwe tinenge tavashanyira panguva inenge isina kukodzera. Chimwe chinogona kunge chakashatirisa saimba matambudziko aari kusangana nawo. Kunyange zvazvo kushatirwa kwaanenge akaita kungakonzerwa nezvatiri kuparidza, tinofanira kuyeuka kuti kushatirwa ikoko kunogona kunge kwakonzerwa nokuti akaudzwa zvisizvo nezvedu. (2 VaK. 4:4) Kunzwisisa kuchatibatsira kuti tirambe takadzikama torega kuona sokunge kuti ari kutigumbukira.—Zvir. 19:11.
3. Tingaratidza sei kuti tinoremekedza saimba?
3 Muremekedze: Vanhu vakawanda vari mundima vakadzika midzi pane zvavanotenda. (2 VaK. 10:4) Ikodzero yavo kuteerera kana kusateerera. Hatimbodi kushora zvinotendwa nasaimba kana kuzviratidza sokuti tinoziva kupfuura iye. Kana tikanzi tibve pamba pake, tinofanira kubvawo taenda zvine ruremekedzo.
4. Kutaura zvine nyasha kudii?
4 Taura Zvine Nyasha: Kunyange tikatukwa, tinofanira kupindura zvine unyoro uye zvine nyasha. (VaK. 4:6; 1 Pet. 2:23) Pane kuti muitisane nharo, edza kutsvaka zvamunopindirana. Zvimwe tinogona kubvunza saimba nemutsa chikonzero chekusafarira kwake. Kuti musaramba muchinetsana, dzimwe nguva zvinenge zvakanaka kuti mugumise kukurukurirana kwacho.—Zvir. 9:7; 17:14.
5. Zvakanakirei kuva vanhu vanoda zverugare muushumiri?
5 Kana tiri vanhu vanoda zverugare, saimba angayeuka zvatakaita paasina kutiteerera uye angateerera mumwe munhu paanoedza kumuparidzira. (VaR. 12:20, 21) Kunyange kana akaratidza kuti ari kupikisa zvakasimba, hazvizivikanwi, rimwe zuva anogona kuzova hama yedu. (VaG. 1:13, 14) Pasinei nekuti achazofarira chokwadi kana kuti kwete, tichakudza Jehovha uye tichashongedza dzidziso yedu kana tikazvidzora uye kana tikaratidza kuti tiri vanhu vanoda zverugare.—2 VaK. 6:3.