“Ndichatora Mabhuku Enyu Kana Mukabvumawo Angu”
Izvi ndizvo zvinotaurwa nevamwe vanhu vatinoparidzira. Sezvo tisingapi vanhu mabhuku anobatsira kudzidza Bhaibheri kuti vatipe avo anoparadzira nhema, tingapindura sei vanhu vanotaura izvi asi tisingavagumburi? (VaR. 1:25) Tingangoti: “Maita henyu nokutaura kuti munoda kundipa mabhuku. Bhuku renyu rinoti chii panyaya yokupedza matambudziko evanhu? [Rega apindure. Kana akati uverenge bhuku rake kuti uwane mhinduro, unogona kumuyeuchidza kuti iwe hauna kumupa bhuku usina kumuudza kuti rinotaura nezvei. Zvadaro, verenga kana kuti taura zviri pana Mateu 6:9, 10.] Jesu akaratidza kuti Umambo hwaMwari huchaita kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika. Saka ndinongoverenga chete mabhuku echitendero anotaura nezveUmambo hwaMwari. Ndingakuratidzai here muBhaibheri kuti zvii zvichagadziriswa neUmambo hwaMwari?”