RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/13 p. 4
  • Mharidzo Dzokuenzanisira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mharidzo Dzokuenzanisira
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
km 10/13 p. 4

Mharidzo Dzokuenzanisira

Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri paMugovera Wokutanga Muna November.

“Vanhu vakawanda vanoda kunogara kudenga. Ndivanaani vachaenda kudenga uye vachaenda kunoitei? Munofungei? [Rega apindure.] Onai zvinotaurwa pano.” Muratidze peji 16 yeNharireyomurindi, yaNovember 1, uye kurukurai mashoko ari pasi pemubvunzo wokutanga, moverenga rugwaro rumwe chete kana kupfuura pane aripo. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzoka kuti muzokurukura mubvunzo unotevera.

Nharireyomurindi November 1

“Munofunga kuti inhema dzipi dzakaipisisa dzakambotaurwa nezvaMwari? [Rega apindure.] Maererano nezvinotaurwa neBhaibheri, Mwari anoda kuti vanhu vamude uye vavimbe naye. [Verenga Isaya 41:13.] Magazini ino inofumura nhema nhatu nezvaMwari dzinotaurwa nevakawanda uye dzinotadzisa vamwe kuti vaswedere pedyo naye.”

Awake! November

“Tiri kushanya kwenguva pfupi nekuti vanhu vakawanda vari kunetseka kuti tsika dziri kuparara. Munofunga kuti vanhu havachakoshesi tsika here? [Rega apindure.] Bhaibheri rakafanotaura kuti mafungiro nemaitiro zvevanhu zvaizochinja. [Verenga 2 Timoti 3:1-5.] Magazini ino inotsanangura kuti nei tichifanira kuvimba netsika dzatinowana muBhaibheri.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe