Bhokisi Remubvunzo
◼ Vana vanofanira kudzidzei kuti vakure mune zvokunamata?
Vabereki vechiKristu vanoita zvakawanda kuti varere vana vavo “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” (VaEf. 6:4) Somuenzaniso, vabereki vakaona zvichibatsira kukurukura rugwaro rwezuva nevana vavo mangwanani oga oga. Pakunamata kwemhuri uye dzimwe nguva, mhuri dzinogona kuona vhidhiyo pamwe chete uye kurikurukura, kutaura nezvedzimwe nyaya dzakanzi Vechiduku Vanobvunza Kuti, kuita mutambo wenyaya yemuBhaibheri, kana kudzidzira zvimwe. Zvisinei, vana vanofanira kudzidziswawo chokwadi chakadzama chemuBhaibheri kuti ‘vave vakuru’ mune zvokunamata.—VaH. 6:1.
Funga zvatinodzidzisa vaya vatinosangana navo mundima yedu. Patinotanga kuvaona kana kuti patinovashanyirazve, tinowanzoedza kutanga chidzidzo cheBhaibheri tichishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Kana bhuku racho rapera, tinoshandisa “Rambai Muri Murudo rwaMwari.” Nei? Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei rinopa vadzidzi ruzivo rwunokosha rweMagwaro. Bhuku ra“Rudo rwaMwari” rinovadzidzisa kuti vangashandisa sei mazano emuBhaibheri muupenyu. Kudzidza mabhuku acho ose kunobatsira vatsva kuti ‘vadzike midzi’ muna Kristu, ‘vodzikamiswa pakutenda.’ (VaK. 2:6, 7) Mabhuku aya haakwanisi kubatsirawo vana vedu here? Vanodawo kudzidziswa nezverudzikinuro, Umambo, uye mamiriro ezvinhu evakafa. Vana vanofanirawo kuziva kuti nei Mwari achibvumira kutambura uye kuti vangaziva sei mazuva okupedzisira emamiriro ezvinhu epanguva ino. Vanofanira kuva nechivimbo chokuti Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa chokwadi. Vechiduku vanofanira kunzwisisawo zvinotaurwa muBhaibheri uye kuti vangarovedza sei “simba ravo rokunzwisisa.” (VaH. 5:14) Ichokwadi kuti vabereki vanofanira kufunga zera revana vavo uye kuti vangakwanisa kunzwisisa kusvika papi. Zvisinei, vana vakawanda vanokwanisa kutanga kudzidza chokwadi chakadzama cheBhaibheri kunyange vachiri vadiki chaizvo.—Ruka 2:42, 46, 47.
Pajw.org pachange pava kuwanikawo mashoko anobatsira pakudzidza bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei, kuitira kubatsira vabereki. Mhuri dzinogona kuona izvi panzvimbo yedu yepaIndaneti nokutarisa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > VARI KUYARUKA. Munguva inotevera, pachavazve nemamwe mashoko anobatsira pakudzidza bhuku ra“Rudo rwaMwari.” Ichokwadi kuti mabhuku acho chaiwo anogonawo kushandiswa. Vabereki vanogona kusarudza kushandisa mashoko acho pachikamu chemanheru eKunamata Kwemhuri, pavanenge vachidzidzisa mwana wavo Bhaibheri, kana kuti pavanenge vachirovedza mwana kuti akwanise kudzidza ari oga.