Shandisai Turakiti Idzva Rejw.org
Turakiti racho rinonzi, Ndekupi Kwatingawana Mhinduro Dzemibvunzo Mikuru Yeupenyu? Rine mibvunzo mitatu kuseri kwaro. Panomuka mukana, bvunza munhu kuti ndeupi unonyanya kumunetsa pane iripo, womuratidza kuti anowana mhinduro yacho pajw.org, pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA. Ipapo achawanawo mhinduro dzemibvunzo yakadai sekuti: Chii chinonzi Umambo hwaMwari? uye Umambo hwaMwari huchaitei?
Gara uine maturakiti acho kuti ubatsire vanhu kuziva zvinotaurwa neBhaibheri nezveramangwana rakanaka tichitongwa neUmambo hwaMwari.