Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuratidza Vanhu Kuti Chidzidzo cheBhaibheri Chinoitwa Sei Tichishandisa Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?
Sei Zvichikosha? Vanhu vakawanda vanogona kusanzwisisa zvatinenge tichireva patinoti tinoitisa zvidzidzo zveBhaibheri tisingabhadharisi. Vanogona kufunga kuti vanofanira kubatana neboka revanhu vanenge vachidzidza, kana kuti kuita kosi vachiita zvekutumirwa mashoko vachipindura. Pane kungobvunza munhu kuti anoda here kudzidza Bhaibheri, wadii kumuratidza kuti chidzidzo chinoitwa sei? Mumaminitsi mashoma, unogona kuratidza munhu kuti kudzidza Bhaibheri kuri nyore uye kuti kunobatsira. Unogona kutoita izvi pasuo chaipo.
Edza Izvi Mwedzi Uno:
Nyengetera kuna Jehovha kuti akomborere zvauri kuedza kuita kuti utange chidzidzo cheBhaibheri.—VaF. 2:13.
Edza kuratidza vanhu kuti chidzidzo cheBhaibheri chinoitwa sei uchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?, kana kuti pose paunobuda muushumiri varatidze kamwe chete kana kupfuura vhidhiyo inonzi Zvidzidzo zveBhaibheri Zvinoitwa Sei?