Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Zvatingaita Kana Saimba Atitsamwira
Sei Zvichikosha? Vakawanda vatinosangana navo muushumiri vanotiremekedza. Asi Jesu akaprofita kuti vamwe vanhu vaizotivenga. (Joh. 17:14) Saka hatifaniri kushamisika kana saimba akatitsamwira. Kana izvozvo zvikaitika, zvakanaka kuti tiite zvinofadza Mwari watinomiririra, Jehovha. (VaR. 12:17-21; 1 Pet. 3:15) Izvi zvinogona kuita kuti tisanetsana nasaimba.Izvozvo zvichapawo uchapupu kuna saimba wacho uye kune vanenge vachiona, zvoita kuti vade kuteerera pavanozoshanyirwa nevamwe vedu.—2 VaK. 6:3.
Edza Izvi Mwedzi Uno:
Dzidzirai kuita izvi pakunamata kwenyu kwemhuri.
Pamunenge mabva pana saimba ane hasha, taura newauri kushanda naye kuti ndepapi paungavandudza pane zvawaita.