Shandisa jw.org Muushumiri—“Iva Shamwari yaJehovha”
Pachikamu chejw.org chakanzi “Zvinodzidziswa neBhaibheri” pane chikamu chevana chinonzi “Iva Shamwari yaJehovha.” Panobuda nziyo, mavhidhiyo, nemabasa okuita. Wakamboshandisa chikamu ichi muushumiri here? Kana uchidzidza Bhaibheri nemubereki ane vana vaduku, wadii kumuratidza chikamu ichi? Izvi zvinogona kuita kuti ade kuvhura zvimwe zviri pajw.org.
Imwe hama ichiparadzira turakiti raMashoko oUmambo Nhamba 38 yakaonana nemumwe mukadzi, ikamupa turakiti racho, akabva atanga kuriverenga. Mukadzi wacho aiva nevana vaduku vakati kuti uye vakafarira chaizvo turakiti racho. Hama yacho yakakurukura naye muchidimbu zviri muturakiti racho, ndokumuratidza nzvimbo yedu yepaIndaneti iri kuseri. Sezvo mukadzi wacho akaratidza kufarira, hama iyi yakaratidza mukadzi uyu nevana vake imwe vhidhiyo yaKuda ichishandisa foni yayo.
Imwe hanzvadzi yakaudza wainoshanda naye nezvenzvimbo yedu yepaIndaneti uye mashoko anobatsira mhuri ari ipapo. Mukadzi wacho akavhura pajw.org nevana vake. Papera nguva yakati, akazoudza hanzvadzi yacho kuti kumba vana vakanga vava kugara vachiimba rwiyo rwekuti “Paridza Shoko,” rwuri pachikamu chakanzi “Iva Shamwari yaJehovha.”
Jairana nechikamu ichi chepajw.org wotora imwe yemavhidhiyo, nziyo, kana kuti mabasa okuita, woisa mumudziyo wako waunofamba nawo. Izvi zvichaita kuti ukwanise kushandisa chikamu ichi chepajw.org muushumiri. Ichi ndechimwe chezvinhu zvakanaka zvinotibatsira kushandira Ishe!—Mab. 20:19.