Mumwaka weChirangaridzo, Uchatevedzera Kushingaira Kunoita Jehovha naJesu Here?
1. Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kuitei mumwaka weChirangaridzo?
1 Jehovha anoshingaira pakuzadzisa chinangwa chake. Isaya 9:7 inotaura nezvemamwe makomborero achaunzwa neUmambo hwaMwari ichiti: “Kushingaira kwaJehovha wemauto kuchazviita.” Mwanakomana waMwari akashingairirawo kunamata kwechokwadi paaiita ushumiri hwake pasi pano. (Joh. 2:13-17; 4:34) Gore negore mumwaka weChirangaridzo, mamiriyoni evaparidzi munyika yose vanoita zvose zvavanogona pakutevedzera kushingaira kunoita Jehovha naJesu nekuwedzera kushanda nesimba muushumiri. Ndizvo zvauchaitawo here?
2. Kushingaira kuchaita kuti tiitei kutanga musi wa7 March?
2 Mushandirapamwe weChirangaridzo: Gore rino mushandirapamwe wekukoka vanhu kuChirangaridzo uchatanga musi weMugovera, 7 March. Ronga iye zvino kuti ushingaire muushumiri. Vari muungano vachafara zvekufara zviya pavachange vachishanda nesimba kuti vapedze ndima yavo. Ita zvose zvaunogona kuti ukoke vaunodzidza navo Bhaibheri, vaunodzokera kunoona, vekubasa, veukama, uye vekuchikoro, uchishandisa pepa rekuvakoka kana kuvaratidza pajw.org.
3. Tingaita sei kuti tiwedzere kushanda nesimba muna March naApril?
3 Upiyona Hwebetsero: Kushingaira kuchaita kuti tiwedzere nguva yatinoita ushumiri. Zviri pachena kuti vakawanda vachakwanisa kupayona muna March naApril sezvo tichange tiine mukana wekusarudza kuita maawa 30. Pakunamata kwenyu kwemhuri, kana kuti paunenge uchidzidza uri wega, nyengetera wofunga kuti ungaitawo sei. (Zvir. 15:22) Kana tikashingaira pamushandirapamwe uyu, vamwe vachashingairawo. Kana ukagadzirisa mamiriro ako ezvinhu kuti uwedzere kushanda nesimba, unenge uchitevedzera kushingaira kwaiita Jesu.—Mako 6: 31-34.
4. Kutevedzera kushingaira kwaJehovha naJesu kuchabatsirei?
4 Kana tikashingaira mumwaka weChirangaridzo tichitevedzera Jehovha naJesu tichakomborerwa zvikuru. Tichaparidzira vanhu vakawanda mundima yedu. Kushumira Jehovha uye kupa kuchaita kuti tifare uye tigutsikane. (Mab. 20:35) Chinotonyanya kukosha ndechekuti tichafadza Mwari wedu anoshingaira pamwe chete neMwanakomana wake.