RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb21 January p. 11
  • Sarudza Kushumira Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sarudza Kushumira Jehovha
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Kubhabhatidzwa Idanho Rinokosha
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • VaKristu Vanofanira Kubhabhatidzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Kuita Zvinodiwa Kuti Ukwanise Kubhabhatidzwa somuKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Kubhabhatidzwa uye Ukama Hwako naMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
mwb21 January p. 11
Nzira yakamonyoroka iri kuratidza matanho aungatora kuti ushumire Jehovha. Zvikwangwani zviri munzira yacho zviri kuratidza matanho anoti, kudzidza Bhaibheri, kupinda misangano, kuparidza uye kubhabhatidzwa.

Wava padanho ripi kuti usvike pakubhabhatidzwa?

KURARAMA KWECHIKRISTU

Sarudza Kushumira Jehovha

Kana uri muparidzi wechidiki asati abhabhatidzwa kana kuti uri mudzidzi weBhaibheri, une chinangwa chekuzobhabhatidzwa here? Nei uchifanira kubhabhatidzwa? Kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa ndiko kunoita kuti uzokwanisa kuva neushamwari hwepedyo naJehovha. (Pis 91:1) Kunoitawo kuti uzoponeswa. (1Pe 3:21) Zvii zvaungaita kuti uzosvika pakubhabhatidzwa?

Iva nechokwadi chekuti zvauri kudzidza ndicho chokwadi. Kana ukava nemibvunzo, tsvakurudza. (VaR 12:2) Ona kuti ndezvipi zvaungada kuchinja muupenyu hwako. Kana wazviona, kuda kwaunoita kufadza Jehovha ndiko kuchaita kuti uchinje. (Zvi 27:11; VaE 4:23, 24) Gara uchinyengetera kwaari kuti akubatsire. Iva nechokwadi chekuti Jehovha achakusimbisa uye achakutsigira achishandisa mweya mutsvene wake. (1Pe 5:10, 11) Kana ukaita izvi uchaona kuti unenge washandira zviripo. Kushumira Jehovha ndicho chinhu chakanakisisa chatingaita muupenyu!—Pis 16:11.

ONA VHIDHIYO INONZI ZVEKUITA KUTI UBHABHATIDZWE, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Vamwe vakakunda zvinhu zvipi kuti vazobhabhatidzwa?

  • Ungaitei kuti uve nekutenda kunodiwa kuti uzozvitsaurira kuna Jehovha?

  • Chii chakabatsira vamwe kuti vazotora matanho ekuti vabhabhatidzwe?

  • Makomborero api anowanikwa nevaya vanosarudza kushumira Jehovha?

  • Kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa kuita sei?

Hurukuro yerubhabhatidzo painenge yava kunopera, mukurukuri achakumbira vanoda kubhabhatidzwa kuti vasimuke vopindura mibvunzo miviri inotevera nenzwi guru:

Wakapfidza zvivi zvako ndokuzvitsaurira kuna Jehovha, uye wakabvuma kuti Jesu Kristu ndiye nzira yaMwari yeruponeso here?

Unonzwisisa here kuti kubhabhatidzwa kunoita kuti uve mumwe weZvapupu zvaJehovha wobatana nesangano raJehovha?

Kupindura kuti hongu kumibvunzo iyi ‘kunozivisa pachena’ kutenda rudzikinuro kunoitwa nevaya vanoda kubhabhatidzwa uye kunoratidza pachena kuti vakazvitsaurira nemwoyo wese kuna Jehovha.—VaR 10:9, 10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe