RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp21 nha. 3 p. 15
  • Ramangwana Riri Mumaoko Ako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ramangwana Riri Mumaoko Ako
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • TINOSVIKA SEI PAKUDA JEHOVHA UYE TINOTEERERA SEI INZWI RAKE?
  • Ramangwana Riri Mumaoko Ako!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
  • Unogona Kuva Pedyo naMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • “Vanyoro Ndivo Vachagara Nhaka Yenyika”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
  • Sumo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
wp21 nha. 3 p. 15
Murume ari murestorendi achiratidza shamwari yake chimwe chinhu pafoni.

Ramangwana Riri Mumaoko Ako

Makore 3 500 apfuura, Mwari akaudza vanamati vake zvavaifanira kuita kuti vave neramangwana rakanaka. Akati: “Ndaisa upenyu nerufu pamberi pako, uye chikomborero nekutukwa; saka unofanira kusarudza upenyu kuti urarame, iwe nevana vako.”—Dheuteronomi 30:19.

Kuti vave neramangwana rakanaka, vanhu ivavo vaitofanira kuita zvisarudzo zvakanaka. Ndizvo zvatinofanirawo kuita mazuva ano. Bhaibheri rinotiudza kuti tinosarudza sei ramangwana rakanaka. Rinoti: ‘Ida Jehovha Mwari wako, uye teerera inzwi rake.’—Dheuteronomi 30:20.

TINOSVIKA SEI PAKUDA JEHOVHA UYE TINOTEERERA SEI INZWI RAKE?

DZIDZA BHAIBHERI: Kuti usvike pakuda Jehovha unofanira kutanga wadzidza nezvake kubva muBhaibheri. Paunodaro, uchaona kuti ndiMwari ane rudo uye anoda kuti zvikufambire zvakanaka. Anoda kuti unyengetere kwaari, ‘nekuti ane hanya newe.’ (1 Petro 5:7) Bhaibheri rinotivimbisa kuti kana ukashanda nesimba kuti uswedere pedyo naye, ‘achaswederawo pedyo newe.’—Jakobho 4:8.

SHANDISA ZVAUNODZIDZA: Tinoteerera Mwari patinotevedzera mazano ake ari muBhaibheri. Paunodaro, “zvinhu zvichakufambira zvakanaka, uye uchava akachenjera.”—Joshua 1:8.

Kuti udzidze zvakawanda, enda pawebsite yedu inonzi jw.org, paunogona kuverenga Bhaibheri, kuita kosi yeBhaibheri,a kana kukumbira kuti mumwe munhu akubatsire kunzwisisa Bhaibheri.

Sarudza iye zvino kuti Bhaibheri rikubatsire kuva neramangwana rakanaka!

a Haisati yavapo muchiShona asi iripo muChirungu nemimwewo mitauro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe