RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w23 February pp. 26-30
  • Ndakaona Vanhu Vakatendeka Vachibudirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakaona Vanhu Vakatendeka Vachibudirira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NORTHERN IRELAND—“NYIKA YEMABHOMBA NEMABARA”
  • SIERRA LEONE—KUTENDEKA PASINEI NEUROMBO
  • NIGERIA—KUDZIDZA TSIKA ITSVA
  • KENYA—HAMA DZAIVA NEMWOYO MUREFU NENI
  • UNITED STATES—KUTENDEKA PASINEI NEUPFUMI
  • Jehovha Akandisimudza
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
  • Ndakatorwa Kumarara, Ndikakwidziridzwa
    Nyaya Dzeupenyu dzeZvapupu zvaJehovha
  • Vazivisi Voumambo Vanoshuma
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • “Vaya Vanokuteerera” Vachaponeswa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
w23 February pp. 26-30
Robert Landis.

NYAYA YEUPENYU

Ndakaona Vanhu Vakatendeka Vachibudirira

YAKATAURWA NAROBERT LANDIS

UNOGONA kunge uchiri kuyeuka pawakambokurukura zvimwe zvinhu zvinokosha nevamwe. Ini ndinoyeuka pandaikurukura neshamwari yangu makore 50 apfuura tichidziya moto tiri musango kuKenya. Ganda redu rainge ratsvukuruka nemhaka yekufamba kwemwedzi yakawanda tichirohwa nezuva, uye taitaura nezverimwe firimu raiva nenyaya ine chekuita nechitendero, shamwari yangu payakati, “Zvarinotaura zvinopesana neBhaibheri.”

Ndakaseka nekuti ndaisaona shamwari yangu semunhu anoita zvechitendero. Ndakamubvunza kuti “Unozivei nezveBhaibheri iwewe?” Haana kubva angondipindura ipapo. Akazondiudza kuti amai vake vaiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye akanga adzidza zvimwe zvinhu kubva kwavari. Neshungu dzekuda kuziva, ndakamukumbira kuti andiudze zvakawanda.

Takakurukura kusvika pakati peusiku. Shamwari yangu yakandiudza kuti Bhaibheri rinoti Satani ndiye mutongi wenyika. (Joh. 14:30) Zvimwe wagara uchiziva izvi kweupenyu hwako hwese, asi zvaiva zvitsva kwandiri uye zvakandishamisa. Ndaiwanzonzwa kuti Mwari uyo ane tsitsi nerudo ndiye anotonga nyika. Asi izvozvo zvaisaenderana nezvandakanga ndaona muupenyu. Kunyange zvazvo ndaingova nemakore 26, ndainge ndaona zvakawanda zvaindinetsa.

Baba vangu vaiva mutyairi wendege muUnited States Air Force. Saka pandaiva mudiki ndaiziva kuti hondo yenyukiriya yaigona kuitika, nekuti uto rainge rakagadzirira kukanda bhomba renyukiriya chero nguva. Hondo yekuVietnam yakaitika pandaiva kukoreji muCalifornia. Ndaibatanawo nevamwe vadzidzi vairatidzira. Mapurisa aiva nemboma aitidzingirira, uye taimhanya tichikachidzwa uye tichitadza kunyatsoona nemhaka yeutsi hwetear gas. Zvinhu zvainge zvakaita manyama amire nerongo uye vanhu vaipandukira hurumende. Vatungamiriri vezvematongerwo enyika vaiurayiwa uye vanhu vairatidzira vachiparadza zvinhu. Munhu wese aingotaura zvaaifunga kuti ndizvo zvaifanira kuitwa. Zvese izvi zvaivhiringidza.

Robert akamira pedyo nemudhudhudhu wake aine mepu achiratidza rwendo rwaakafamba.

Kubva kuLondon kuenda kuCentral Africa

Muna 1970, ndakatanga kushanda kuchamhembe kweAlaska uye ndakaita mari yakawanda. Ndakabva ndaenda kuLondon nendege ndokutenga mudhudhudhu uye ndakauchovha ndakananga kumaodzanyemba ndisingazivi kuti ndaizogumira kupi. Papera mwedzi yakawanda, ndakasvika kuAfrica. Ndiri munzira ndaisangana nevanhu vaishuvawo kuti dai vaikwanisa kutiza matambudziko avo ese.

Saka nemhaka yezvandakanga ndaona uye zvandakanga ndanzwa, dzidziso yeBhaibheri yekuti chisikwa chemweya chakaipa ndicho chiri kutonga nyika yakava nemusoro kwandiri. Asi Mwari aivepi zvese izvi zvichiitika? Ndaida kuziva.

Mumwedzi yakatevera ndakawana mhinduro yacho. Uye nekufamba kwenguva, ndakasvikawo pakuziva uye pakuda vanhu vakawanda vainge varatidza kuti vakatendeka kuna Mwari mumwe chete wechokwadi mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana.

NORTHERN IRELAND—“NYIKA YEMABHOMBA NEMABARA”

Pandakadzokera kuLondon, ndakataura naamai veshamwari yangu uye vakandipa Bhaibheri. Pandakazoenda kuAmsterdam, Netherlands, chimwe Chapupu chakandiona ndichiriverenga manheru, pedyo nemugwagwa, uye chakandibatsira kudzidza zvakawanda. Ndakazoenda kuDublin, Ireland, kwandakawana hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha. Ndakagogodza padhoo rekumberi. Ndipo pandakaonana naArthur Matthews, hama yakachenjera, yaiva neruzivo. Ndakakumbira kudzidza Bhaibheri, uye akabvuma kudzidza neni.

Ndakatanga kudzidza Bhaibheri nechido ndichiverenga mabhuku nemagazini akabudiswa neZvapupu, uye ndaiverengawo Bhaibheri pacharo. Zvainakidza chaizvo. Pamisangano yeungano, ndakaona kuti kunyange vana vaiziva mhinduro dzemibvunzo yakanga yaita mazana emakore ichinetsa varume vakadzidza, yakadai seyekuti: ‘Nei paine uipi? Mwari ndiani? Chii chinoitika kana munhu afa?’ Ndaingoshamwaridzana neZvapupu chete. Izvozvo zvaiva nyore nekuti hapana mumwe munhu wandaiziva munyika yacho yese. Vakandibatsira kuti ndisvike pakuda Jehovha uye ndide kuita kuda kwake.

Nigel, Denis, neni

Ndakabhabhatidzwa muna 1972. Gore rakatevera racho, ndakatanga kupayona uye ndakatanga kupinda nekaungano kaiva muNewry, kuNorthern Ireland. Ndairenda imba yaiva kwayo yega mujinga regomo. Pedyo paiva nepurazi raiva nemombe, uye ndaidzidzira hurukuro dzangu ndiri pamberi padzo. Dzaiita sedzainyatsoteerera padzaidzeya. Dzaisakwanisa kundipa mazano, asi dzakandibatsira kuti ndidzidze kutarisa vateereri. Muna 1974, ndakagadzwa sapiyona chaiye uye ndakabatana naNigel Pitt, uyo akava shamwari yangu kweupenyu hwese.

Panguva iyoyo muNorthern Ireland maiva nekurwisana kwakanyanya. Vamwe vaidana Northern Ireland kuti “nyika yemabhomba nemabara.” Zvainge zvakajairika kuona vanhu vachirwisana mumigwagwa, vanhu vachipfurwa, uye mota dzichibhombwa. Kakawanda kacho matambudziko aya aikonzerwa nezvematongerwo enyika uye zvechitendero. Asi vanhu veRoma nevemachechi akabuda muRoma vaiziva kuti Zvapupu hazvipindiri mune zvematongerwo enyika, saka taikwanisa kuparidza takasununguka, tisina chekutyira. Vanasaimba vaiwanzoziva nguva nenzvimbo pairwisana vanhu, uye vaitiyambira kuitira kuti tisapinda mungozi.

Kunyange zvakadaro, paiva nedzimwe ngozi dzataisangana nadzo. Rimwe zuva, ini naDenis Carrigan, uyo aivawo piyona, taiparidza mune rimwe taundi raiva pedyo rakanga risina Zvapupu, uye takanga tamboenda ikoko kamwe chete. Mumwe mukadzi akatipomera kuti taiva masoja epachivande eBritain, zvimwe nemhaka yekuti hapana kana mumwe wedu aitaura semunhu wekuIreland. Kupomerwa ikoko kwakativhundutsa. Kungotaura nemasoja zvine ushamwari kwaigona kuita kuti uurayiwe kana kupfurwa paibvi. Patainge tiri panze tichitonhorwa takamirira bhazi takaona imwe mota ichienda paresitorendi paiva nemukadzi ainge ambotipomera. Mukadzi wacho akabuda ndokutaura nevarume vaviri vaiva mumota, achitinongedzera. Varume vacho vakabva vatanga kufambisa mota yavo zvishoma nezvishoma vakananga kwatiri ndokutibvunza mibvunzo mishomanana ine chekuita nenguva dzekufamba kwemabhazi. Bhazi parakasvika, vakataura nemutyairi wacho. Taisakwanisa kunzwa zvavaitaura. Paisava nevamwe vaida kukwira bhazi, saka takatoona sekuti paiitwa urongwa hwekuti tizorohwa kana bhazi rabuda mutaundi macho. Asi izvozvo hazvina kuitika. Pandaidzika mubhazi racho ndakabvunza mutyairi kuti: “Varume vaya vanga vachibvunza nezvedu here?” Akapindura kuti: “Ndinoziva kuti muri vanaani uye ndavaudza izvozvo. Musatombonetseka. Hapana chinokuwanai.”

Robert naPauline zuva ravakachata.

Musi watakachata, March 1977

Muna 1976 pagungano reruwaa muDublin, ndakasangana naPauline Lomax, piyona chaiye ainge ashanya achibva kuEngland. Aiva hanzvadzi yakatendeka, inozvininipisa, uye yakanaka chaizvo. Iye nehanzvadzi yake Ray, vakanga vaziva chokwadi kweupenyu hwavo hwese. Gore rakatevera racho, ini naPauline takachata, uye takaenderera mberi tichishumira semapiyona chaiwo muBallymena, kuNorthern Ireland.

Taiva mubasa remudunhu kwenguva yakati, tichishumira hama dzedu muBelfast, Londonderry, uye mudzimwe nzvimbo dzaityisa. Takakurudzirwa nekutenda kwehama nehanzvadzi dzedu idzo dzakatanga kushumira Jehovha pashure pekunge dzasiya dzidziso dzechitendero, rusarura uye kuvenga vamwe. Jehovha akatikomborera uye akatichengetedza zvechokwadi!

Ndakanga ndava nemakore 10 ndiri muIreland. Muna 1981 takabva takokwa kuti tipinde kirasi yechi72 yeGiriyedhi. Pashure pekunge tagirajuweta, takanzi tinoshumira kuSierra Leone, kuWest Africa.

SIERRA LEONE—KUTENDEKA PASINEI NEUROMBO

Taigara paimba yemamishinari nevamwe vanhu 11. Paingova nekicheni imwe chete, zvimbudzi zvitatu, dzimba dzekugezera mbiri, foni imwe chete, muchina wekuwachisa mumwe chete, newekuomesa hembe mumwe chete. Magetsi aigara achienda, uye aienda chero nguva. Makonzo ainetsa padenga remba, uye nyoka dzaipinda mumba.

Robert nevamwe vaine midhudhudhu yavo vachiyambuka rwizi nechibhoti chemiti.

Kuyambuka rwizi tichienda kunopinda gungano rakaitirwa kuGuinea

Kunyange zvazvo upenyu hwacho hwainge husina kunyatsonaka, tainakidzwa chaizvo neushumiri. Vanhu vairemekedza Bhaibheri uye vainyatsoteerera. Vakawanda vakadzidza Bhaibheri uye vakava Zvapupu. Vanhu veko vaindidana vachiti “Mr Robert.” Pauline achinzi “Mrs Robert.” Asi pashure pekanguva, basa rekuhofisi yebazi parakanga rava kutora nguva yangu yakati wandei uye ndisisanyanyi kubuda muushumiri, vanhu vakatanga kushevedza Pauline vachiti “Mrs Pauline.” Ini ndakanga ndava kunzi “Mr Pauline.” Izvi zvainakidza Pauline!

Robert naPauline vaine mota yavo.

Tichienda kunoparidza muSierra Leone

Hama dzakawanda dzaiva varombo, asi Jehovha aigara achidzipa zvadzaida pakurarama, dzimwe nguva achizviita nenzira dzinoshamisa chaizvo. (Mat. 6:33) Ndinoyeuka imwe hanzvadzi yaingova nemari yaikwana kutenga zvekudya zvemusi iwoyo zvekuti idye nevana vayo, asi yakapa mari yacho yese kune imwe hama yakanga isina mari yekutenga mushonga wemarariya. Pave paya musi iwoyo, mumwe mukadzi akangoerekana auya kuhanzvadzi yacho achida kugadzirwa musoro ndokubva aipa mari. Zvinhu zvakaita saizvozvo zvaigara zvichiitika.

NIGERIA—KUDZIDZA TSIKA ITSVA

Takagara muSierra Leone kwemakore 9. Takabva taendeswa kuBheteri rekuNigeria. Takanga tava pahofisi yebazi yakakura. Ndaiita basa remuhofisi serandaimboita muSierra Leone, asi Pauline aiita zvinhu zvakasiyana chaizvo nezvaaimboita, uye zvainge zvakamuomera. Aimboita maawa 130 mwedzi wega wega muushumiri, uye aiva nezvidzidzo zveBhaibheri zvaifambira mberi. Iye zvino akanga ava kushandira muimba yekusonera maaiswera achisona hembe dzainge dzabvaruka. Zvakamutorera kanguva kuti ajaire, asi akasvika pakuziva kuti vamwe vaikoshesa chaizvo basa raaiita, uye akaisa pfungwa pakuita zvese zvaaigona kuti akurudzire vamwe vashandi vepaBheteri.

Tsika dzekuNigeria dzaiva itsva kwatiri, uye takanga tiine zvakawanda zvekudzidza. Mumwe musi, imwe hama yakauya kuhofisi kwangu kuti indisume kune imwe hanzvadzi yakanga ichangotanga kushanda paBheteri. Pandakatambanudza ruoko kuti ndikwazise hanzvadzi yacho, yakapfugama pamberi pangu, ndokudzikisa musoro. Ndakashamisika nazvo. Ndakabva ndangofunga nezvemagwaro maviri anoti Mabasa 10:25, 26 uye Zvakazarurwa 19:10. Ndakashaya kuti ndomuudza here kuti asadaro. Asi ndakayeuka kuti akanga agamuchirwa paBheteri, saka aiziva zvinodzidziswa neBhaibheri.

Ndairemerwa chaizvo pataikurukura, uye ndakazotsvakurudza nezvazvo. Ndakaona kuti hanzvadzi iyi yaitevedzera tsika dzakanga dzichiri kuitwa mune dzimwe nzvimbo munyika yacho. Varume vaiitawo izvozvo. Yaiva nzira yekuratidza ruremekedzo. Kuita izvi kwaisava kunamata. MuBhaibheri munewo vanhu vakaita zvakadaro. (1 Sam. 24:8) Ndinofara kuti handina zvandakataura zvingadai zvakaita kuti hanzvadzi yangu inyare.

Takaonana nehama nehanzvadzi dzakawanda dzekuNigeria dzainge dzaratidza kutendeka kwemakore akawanda. Mumwe wavo ndiIsaiah Adagbona.b Akadzidza chokwadi ari jaya, asi akabva aita chirwere chemaperembudzi. Akaendeswa kunzvimbo yaigara vanhu vane maperembudzi kwaaingova iye ega Chapupu. Pasinei nekupikiswa, akabatsira vanhu vanopfuura 30 vaiva nemaperembudzi kuti vagamuchire chokwadi uye akatanga ungano panzvimbo yacho.

KENYA—HAMA DZAIVA NEMWOYO MUREFU NENI

Ndiine mwana wechipembere akafirwa naamai muKenya

Muna 1996 takanzi tinoshumira kubazi reKenya. Aka kaiva kekutanga kudzokera munyika iyoyo kubva pakushanya kwandakamboita sezvataurwa patangira nyaya ino. Taigara paBheteri, uye paiuya tsoko dzakawanda. Dzaibvutira hanzvadzi michero. Rimwe zuva, imwe hanzvadzi yepaBheteri yakasiya hwindo repamba payo rakavhurika. Paakadzoka kumba akawana mumba make muine tsoko dzakawanda dzichinakirwa nechikafu chadzakawana imomo. Akaridza mhere, ndokumhanya achibuda panze. Tsoko dzacho dzakaita ruzha ndokusvetuka nepahwindo.

Ini naPauline takatanga kupinda neungano yeSwahili. Pashure penguva pfupi ndakanzi ndiitise Chidzidzo Chebhuku Cheungano (chava kunzi Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano). Asi ndakanga ndisati ndava kugona mutauro wacho. Ndaigara ndagadzirira chidzidzo chacho, saka ndaikwanisa kuverenga mibvunzo. Asi mhinduro padzaiti siyanei nezvakanga zvakanyorwa, ndaibva ndatorasika. Zvainge zvakaoma! Ndainzwira urombo hama nehanzvadzi dzacho. Asi ndakafadzwa nemwoyo murefu uye kuzvininipisa kwehama idzi nekuti dzakarega ndichiitisa chidzidzo chacho.

UNITED STATES—KUTENDEKA PASINEI NEUPFUMI

Hatina kumboita gore tiri muKenya. Muna 1997 takabva takokwa kuBheteri remuBrooklyn, kuNew York. Takanga tava munyika ine upfumi hwakawanda uhwo hunogona kuunza matambudziko ahwo. (Zvir. 30:8, 9) Asi kunyange munyika yakadaro, hama nehanzvadzi dzedu dziri kuratidza kutenda kwakakura. Hama dzedu dzinoshandisa nguva yadzo nezvinhu zvadzo, kwete kuti dzizvipfumise, asi kuti dzitsigire basa rakanaka riri kuitwa nesangano raJehovha.

Kwemakore ese aya, taona kutenda kwehama nehanzvadzi dzedu mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. MuIreland, takaona kutenda pasinei nekurwisana kwaiita vanhu. MuAfrica, takaona kutenda pasinei neurombo uye pasinei nekuti vamwe vaigara munzvimbo dzisina zvimwe Zvapupu. MuUnited States, takaona kutenda pasinei neupfumi. Jehovha anofara chaizvo paanotarisa pasi oona vanhu vanoratidza kuti vanomuda mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana!

Ndiina Pauline paBheteri kuWarwick

Makore amhanya “kupfuura chirukiso chemuruki.” (Job. 7:6) Iye zvino tiri kushanda nevamwe pamahofisi makuru muWarwick, kuNew York, uye tiri kuwana mufaro wekuramba tichishumira pamwe chete nevanhu vanonyatsodanana. Tinofara uye tinogutsikana kuita zvatinogona pakutsigira Mambo wedu Kristu Jesu, uyo ava pedyo kupa mubayiro vanhu vake vakatendeka vakawanda chaizvo.—Mat. 25:34.

a Magungano emunharaunda aizivikanwa semagungano eruwa.

b Nyaya yeupenyu yaIsaiah Adagbona yakabuda muNharireyomurindi yaApril 1, 1998, mapeji 22-27. Akafa muna 2010.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe