NYAYA YEKUDZIDZA 8
“Ngwarirai Uye Chenjererai”
“Ngwarirai uye chenjererai.”—1 PET. 5:8.
RWIYO 144 Ramba Wakatarisa Mubayiro!
ZVICHADZIDZWAa
1. Jesu akaudzei vadzidzi vake nezvenguva yaizouya mugumo, uye akavayambira kutii?
MAZUVA mashoma Jesu asati afa, vadzidzi vake vana vakamubvunza kuti: “Chii chichava chiratidzo chekuti . . . nyika yava kumagumo kwayo?” (Mat. 24:3) Vadzidzi ivavo vangangodaro vaibvunza kuti vaizoziva sei paizoparadzwa Jerusarema netemberi yaro. Mumhinduro yake, Jesu haana kungotaura nezvekuparadzwa kweJerusarema netemberi yaro, asi akataurawo ‘nezvekuguma kwenyika,’ kureva nguva yatiri kurarama mairi. Achitaura nezvenguva yekuguma, Jesu akati: “Hapana munhu anoziva zuva racho kana nguva yacho, kunyange ngirozi dziri kudenga kana Mwanakomana, asi Baba.” Akabva ayambira vadzidzi vake vese kuti ‘varambe vakamuka’ uye ‘varambe vakarinda.’—Mako 13:32-37.
2. Nei zvaikosha kuti vaKristu vekutanga varambe vakarinda?
2 VaKristu vekutanga vaifanira kuramba vakarinda kuti vapone. Jesu akaudza vateveri vake zvekutarisa kuti vazive nguva yaizoparadzwa Jerusarema netemberi yaro. Akati: “Pamunoona Jerusarema rakombwa nemauto akadzika misasa, chibvai maziva kuti rava kuda kuitwa dongo.” Panguva iyoyo, vaifanira kuteerera yambiro yaJesu ‘votanga kutizira kumakomo.’ (Ruka 21:20, 21) Vaya vakateerera yambiro iyi vakapona pakaparadzwa Jerusarema nevaRoma.
3. Tichakurukurei munyaya ino?
3 Mazuva ano tiri kurarama panguva yekuguma kwenyika ino yakaipa. Saka nesuwo tinofanira kuramba takamuka uye takarinda. Munyaya ino tichakurukura zvatingaita kuti tive nemaonero akanaka patinenge tichinyatsotarisa zviri kuitika munyika, zvatingaita kuti tive vanhu vakangwarira, uye zvatingaita kuti tishandise nguva yasara nekuchenjera.
KUVA NEMAONERO AKANAKA PATINENGE TICHITARISA ZVIRI KUITIKA MUNYIKA
4. Nei tingada kuona kuti zviri kuitika munyika zviri kuzadzisa sei uprofita hweBhaibheri?
4 Tine zvikonzero zvakanaka zvekuti tide kuona kuti zviri kuitika munyika zviri kuzadzisa sei uprofita hweBhaibheri. Semuenzaniso, Jesu akataura nezvezviitiko zvinotibatsira kuziva kuti nyika yaSatani yava pedyo kuguma. (Mat. 24:3-14) Muapostora Petro akatikurudzira kuti ticherechedze kuzadzika kweuprofita kuitira kuti kutenda kwedu kurambe kwakasimba. (2 Pet. 1:19-21) Bhuku rekupedzisira reBhaibheri rinotanga nemashoko ekuti: “Zvakazarurwa naJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari, kuti aratidze varanda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.” (Zvak. 1:1) Saka tine hanya chaizvo nezviri kuitika munyika uye tinoda kuziva kuti zvingava zviri kuzadzisa sei uprofita hweBhaibheri. Tingadawo kukurukura zviitiko izvozvo nevamwe.
Pakukurukura uprofita hweBhaibheri, chii chatisingafaniri kuita uye chii chatinofanira kuita? (Ona ndima 5)b
5. Zvii zvatisingafaniri kuita, uye zvii zvatinofanira kuita? (Onawo mifananidzo.)
5 Patinenge tichikurukura uprofita hweBhaibheri, hatifaniri kuudza vamwe zvatinofunga kuti ndizvo zvichaitika. Nei tisingafaniri kudaro? Nekuti hatidi kutaura chero chii zvacho chingakonzera kusabatana muungano. Semuenzaniso, tinogona kunzwa vatungamiriri venyika dzakasiyana-siyana vachitaura zvavangaita kuti vapedze imwe hondo voita kuti pave nerunyararo. Pane kuti titaure kuti mashoko iwayo ari kuzadzisa uprofita huri pana 1 VaTesaronika 5:3, tinofanira kufambirana nezvinenge zvichangobva kubudiswa. Kana tikaita kuti zvatinotaura zvibve pazvinhu zvinobudiswa nesangano raJehovha, tinobatsira ungano kuti irambe yakabatana ‘pamaonero ainoita zvinhu.’—1 VaK. 1:10; 4:6.
6. Tinodzidzei pana 2 Petro 3:11-13?
6 Verenga 2 Petro 3:11-13. Muapostora Petro anotibatsira kuti tirambe tiine maonero akanaka patinenge tichiongorora uprofita hweBhaibheri. Anotikurudzira kuti ‘tirambe tichifunga nezvekuvapo kwezuva raJehovha.’ Nei zvakadaro? Chikonzero chacho hachisi chekuedza kuziva ‘zuva nenguva’ Jehovha paachaunza Amagedhoni, asi ndechekuti tinoda kushandisa nguva yasara kuti tive ‘nemararamiro matsvene uye tiite mabasa ekuzvipira kuna Mwari.’ (Mat. 24:36; Ruka 12:40) Saka tinoda kuramba tichiita zvakanaka uye tinoda kuva nechokwadi chekuti zvese zvatinoitira Jehovha tinozviita nekuti tinomuda zvakadzama. Kuti tiite izvozvo, tinofanira kuchenjerera zvatinoita.
KUCHENJERERA ZVATINOITA
7. Tingaratidza sei kuti tiri kuchenjerera zvatinoita? (Ruka 21:34)
7 Jesu haana kungoudza vadzidzi vake kuti vachenjerere zviri kuitika munyika chete, asi akavaudzawo kuti vachenjerere zvavanoita. Pfungwa iyoyo inojekeswa muyambiro iri pana Ruka 21:34. (Verenga.) Mashoko aJesu anoratidza kuti tinofanira ‘kuchenjerera’ zvatinoita. Munhu anochenjerera zvaanoita anongwarira kuti asaita zvinhu zvingakanganisa ushamwari hwake naJehovha, uye anotambira kure nazvo. Izvi zvinoita kuti arambe ari murudo rwaMwari.—Zvir. 22:3; Jud. 20, 21.
8. Muapostora Pauro akaudza vaKristu kuti vaitei?
8 Muapostora Pauro akaudza vaKristu kuti vachenjerere zvavanoita. Semuenzaniso, akaudza vaKristu vekuEfeso kuti: “Rambai makanyatsongwarira kuti musafamba sevanhu vasina kuchenjera asi sevanhu vakachenjera.” (VaEf. 5:15, 16) Satani anoramba achiedza kuparadza ushamwari hwedu naJehovha, saka Bhaibheri rinotipa zano rekuti, ‘tirambe tichinzwisisa kuti kuda kwaJehovha ndekupi’ kuitira kuti tizvidzivirire pakurwiswa kwatiri kuitwa naSatani.—VaEf. 5:17.
9. Tingaitei kuti tinzwisise kuti kuda kwaJehovha ndekupi?
9 Bhaibheri haritiudzi zvese zvinogona kukanganisa ushamwari hwedu naJehovha. Kakawanda tinofanira kuita zvisarudzo panyaya dzisingataurwi zvakananga muBhaibheri. Kuti tiite zvisarudzo zvakanaka, tinofanira kunzwisisa, kuti “kuda kwaJehovha ndekupi.” Tinogona kuita izvi nekugara tichidzidza Shoko raMwari uye kurifungisisa. Patinowedzera kunzwisisa kuda kwaJehovha uye patinoedza kuva ‘nepfungwa dzaKristu,’ zvinogona kutibatsira kuti tiwedzere kufamba “sevanhu vakachenjera,” kunyange tisina mitemo iri pachena inotiudza zvekuita. (1 VaK. 2:14-16) Dzimwe nguva zviri nyore kuziva zvatisingafaniri kuita, asi pamwe pacho hazvisi nyore.
10. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvisina kunaka zvatisingafaniri kuita?
10 Zvimwe zvinhu zvisina kunaka zvatisingafaniri kuita zvinosanganisira kutamba nemunhu uchiita seunomuda, kunwisa, kudyisa, kutaura mashoko anorwadza, uyewo kuona varaidzo ine zvekurwisana, kuona zvinonyadzisira, nezvimwewo zvakadaro. (Pis. 101:3) Mhandu yedu, Dhiyabhorosi, inogara ichitsvaga mikana yekukanganisa ushamwari hwedu naJehovha. (1 Pet. 5:8) Kana tikasangwarira, Satani anogona kudyara mupfungwa nemumwoyo medu ruchiva, kusatendeseka, makaro, ruvengo, kuzvikudza, uye kuchengeta chigumbu. (VaG. 5:19-21) Pakutanga, manzwiro aya angaita seasina kunyanya kuipa. Asi kana tikasakurumidza kutora matanho ekuti tidzure zvinhu izvozvo, zvicharamba zvichikura sekamuti kane muchetura uye zvinotikanganisa.—Jak. 1:14, 15.
11. Ndechipi chimwe chinhu chisingakurumidzi kuoneka kuipa kwacho chatinofanira kutambira kure nacho, uye nei tichifanira kudaro?
11 Chimwe chinhu chisingakurumidzi kuoneka kuipa kwacho ushamwari hwakaipa. Ngatitii unoshanda nemumwe munhu asiri Chapupu chaJehovha. Unoda kuti aone Zvapupu zvaJehovha neziso rakanaka, saka unoita zvinhu zvinoratidza kuti une hanya naye. Munombopota muchidya mese kubasa panguva yekuzorora masikati. Pasina nguva, munenge mava kugara muchidya mese. Apo neapo, munhu wacho anotanga kutaura nyaya dzeunzenza, asi unotanga usingadzidairi. Nekufamba kwenguva, unopedzisira wajairana nazvo zvekuti zvinenge zvisisakugumburi. Rimwe zuva, waunoshanda naye anokukoka kuti mumbononwira-nwira mapedza basa, uye unobvuma. Unozopedzisira wava kufunga sezvaanoita. Kana zvasvika ipapo, zvichatora nguva yakareba sei usati watanga kuita zvaanoita? Tine hanya nevanhu vese uye tinovaremekedza, asi tinofanira kuyeuka kuti tichapedzisira tava kuita sezvinoitwa nevanhu vatinosarudza kutandara navo. (1 VaK. 15:33) Kana tikanyatsongwarira, sezvatakaudzwa naJesu, hatizowadzani pasina chikonzero chakanaka nevaya vasingararami maererano nezvinodiwa naJehovha. (2 VaK. 6:15) Tichaona zvazvakaipira, tongwarira kuti tisakanganiswa navo.
SHANDISA NGUVA YAKO NEKUCHENJERA
12. Vadzidzi vaJesu vaifanira kuitei vakamirira kuguma kwenyika?
12 Vadzidzi vaJesu vaisafanira kungopeta maoko vachimirira kuguma kwenyika. Jesu akavapa basa rekuita. Akavarayira kuti vaparidze mashoko akanaka “muJerusarema, muJudhiya mese nemuSamariya, uye kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.” (Mab. 1:6-8) Iroro ibasa rakakura rakapiwa vateveri vaJesu! Pavanoita zvese zvavanogona kuti vaparidzire vamwe, vanenge vachishandisa nguva yavo nekuchenjera.
13. Nei tichifanira kushandisa nguva yedu nekuchenjera? (VaKorose 4:5)
13 Verenga VaKorose 4:5. Kuti tichenjerere zvatinoita, tinofanira kunyatsoongorora kuti tiri kushandisa sei nguva yedu. ‘Zvinhu zvisingatarisirwi’ zvinogona kuitika kuna chero ani zvake. (Mup. 9:11) Tinogona kungoerekana tafa.
Tingashandisa sei nguva yedu nekuchenjera? (Ona ndima 14-15)
14-15. Tingashandisa sei nguva yedu nekuchenjera? (VaHebheru 6:11, 12) (Onawo mufananidzo.)
14 Tinogona kushandisa nguva yedu nekuchenjera nekuita zvinodiwa naJehovha uye kusimbisa ushamwari hwedu naye. (Joh. 14:21) Tinofanira kuva ‘vakasimba, vasingazununguki, tichigara tiine zvizhinji zvekuita mubasa raShe.’ (1 VaK. 15:58) Panozosvika mugumo weupenyu hwedu kana kuti wenyika ino, hatizodembi kuti dai takaitira Jehovha zvakawanda.—Mat. 24:13; VaR. 14:8.
15 Mazuva ano, Jesu ari kuramba achitungamirira vadzidzi vake pavanenge vachiparidza nezveUmambo hwaMwari munyika yese. Iye akaita pake. Achishandisa sangano raJehovha, Jesu ari kutidzidzisa kuparidza uye ari kutipa zvekushandisa kuti tiparadzire mashoko akanaka. (Mat. 28:18-20) Tinoitawo pedu nekushanda nesimba pabasa rekuparidza nekudzidzisa uye nekuramba takarinda takamirira kuti Jehovha agumise nyika ino. Kana tikashandisa zano riri pana VaHebheru 6:11, 12, ticharamba takabatisisa tariro yedu “kusvikira kumagumo.”—Verenga.
16. Chii chatinoda kuramba tichiita?
16 Jehovha akasarudza zuva nenguva yaachagumisa nyika yaSatani. Pachasvika zuva iroro, Jehovha achazadzisa uprofita hwaakaita kuti hunyorwe muShoko rake. Panguva ino, tingaona sekuti mugumo uri kunonoka kuuya. Asi zuva raJehovha ‘harizononoki!’ (Hab. 2:3) Saka ‘ngatirambei tichitarisira kuna Jehovha,’ ‘tichimirira Mwari weruponeso rwedu.’—Mika 7:7.
RWIYO 139 Zvione Uripo Zvese Zvava Zvitsva
a Munyaya ino tichaona kuti tingaramba sei tiine maonero akanaka patinenge tichitarisa zviri kuitika munyika. Tichaonawo kuti zvii zvatingaita kuti tichenjerere zvatinoita, uye kuti tingashandisa sei nguva yedu zvakanaka.
b KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: (Pamusoro) Murume nemudzimai vari kuona nhau. Pashure pemusangano weungano, vanoudza vamwe zvavanofunga kuti ndizvo zvinorehwa nenhau dzacho. (Pasi) Murume nemudzimai vari kuona mashoko abva kuDare Rinotungamirira kuitira kuti vafambirane nemanzwisisiro ava kuitwa uprofita hweBhaibheri. Vari kupa vamwe mabhuku anotsanangura Bhaibheri akabudiswa nemuranda akatendeka.