ZVAUNGAITA PAKUDZIDZA
Dzokorora Pfungwa Huru
Zvinombokuomera here kuyeuka zvaunenge wadzidza? Tese tinomboomerwa. Chii chingakubatsira? Unogona kudzokorora pfungwa huru.
Paunenge uchidzidza, ita uchimbomira uchitarisa kuti pfungwa huru ndedzipi. Muapostora Pauro akakurudzira hama nehanzvadzi dzake kuita izvi padzaizoverenga tsamba yake. Akanyora kuti: “Iri ndiro shoko guru.” (VaH. 8:1) Nemashoko iwayo, akabatsira vateereri vake kunzwisisa nyaya yaaitaura uye kuti vaone kuti chinhu chimwe nechimwe chaaitaura chaibatana sei nenyaya yacho yese.
Paunenge wapedza kudzidza, unogona kuzvipa nguva, zvichida maminitsi 10, uchifunga kuti ndedzipi pfungwa huru dzawadzidza. Kana wakanganwa, tarisa misoro midiki yenyaya yaunenge waverenga kana kuti mutsara wekutanga wendima imwe neimwe kuti ukwanise kuyeuka. Kana uine chimwe chinhu chitsva chawadzidza, edza kuchitsanangura sekunzwisisa kwawachiita. Paunodzokorora pfungwa huru, unokwanisa kuyeuka zvawadzidza uyewo kuona kuti zvinoshanda sei muupenyu hwako.