RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w24 October p. 32
  • Dzokorora Pfungwa Huru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzokorora Pfungwa Huru
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Mashoko Akafanana
  • Pfungwa Huru Dzabudiswa Pachena
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kusimbisa Pfungwa Huru
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Kusimbisa Musoro uye Mapfundo Makuru
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kugadzira Ndaza
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
w24 October p. 32

ZVAUNGAITA PAKUDZIDZA

Dzokorora Pfungwa Huru

Zvinombokuomera here kuyeuka zvaunenge wadzidza? Tese tinomboomerwa. Chii chingakubatsira? Unogona kudzokorora pfungwa huru.

Paunenge uchidzidza, ita uchimbomira uchitarisa kuti pfungwa huru ndedzipi. Muapostora Pauro akakurudzira hama nehanzvadzi dzake kuita izvi padzaizoverenga tsamba yake. Akanyora kuti: “Iri ndiro shoko guru.” (VaH. 8:1) Nemashoko iwayo, akabatsira vateereri vake kunzwisisa nyaya yaaitaura uye kuti vaone kuti chinhu chimwe nechimwe chaaitaura chaibatana sei nenyaya yacho yese.

Paunenge wapedza kudzidza, unogona kuzvipa nguva, zvichida maminitsi 10, uchifunga kuti ndedzipi pfungwa huru dzawadzidza. Kana wakanganwa, tarisa misoro midiki yenyaya yaunenge waverenga kana kuti mutsara wekutanga wendima imwe neimwe kuti ukwanise kuyeuka. Kana uine chimwe chinhu chitsva chawadzidza, edza kuchitsanangura sekunzwisisa kwawachiita. Paunodzokorora pfungwa huru, unokwanisa kuyeuka zvawadzidza uyewo kuona kuti zvinoshanda sei muupenyu hwako.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe