NYAYA YEKUDZIDZA 30
RWIYO 97 Shoko raMwari Upenyu
Zvawakatanga Kudzidza muBhaibheri Zvinogona Kuramba Zvichikubatsira Here?
“Ndinoda kugara ndichikuyeuchidzai zvinhu izvi, kunyange zvazvo muchizviziva uye makadzika midzi muchokwadi.”—2 PET. 1:12.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza kuti zvinhu zvatakatanga kudzidza muBhaibheri zvingatibatsira sei kunyange tava nemakore tazvidzidza.
1. Zvinhu zvawakatanga kudzidza muBhaibheri zvakakubatsira sei?
ZVINHU zvatakatanga kudzidza muBhaibheri zvakachinja upenyu hwedu. Semuenzaniso patakadzidza kuti zita raMwari ndiJehovha, takabva tatanga kuva neushamwari naye. (Isa. 42:8) Patakadzidza chokwadi nezvevakafa, takanga tisisanetseki nekuti takanga tisisatyi vanhu vakafa. (Mup. 9:10) Uye patakadzidza kuti Mwari anovimbisa kuti kuchava neParadhiso panyika, takanga tisisanetseki nezveramangwana redu. Takava nechokwadi chekuti tinogona kurarama nekusingaperi, kwete kwemakore 70 kana 80 chete.—Pis. 37:29; 90:10.
2. Nei Petro akayeuchidza vaya vakanga vava nenguva yakareba vachishumira Jehovha kuti vaifanira kuramba vachifunga nezvezvinhu zvavakatanga kudzidza muBhaibheri? (2 Petro 1:12, 13)
2 Tinofanira kuramba tichikoshesa zvinhu zvatakatanga kudzidza muBhaibheri. Mutsamba yake yechipiri, muapostora Petro akanyorera vaKristu vakanga ‘vakatodzika midzi muchokwadi.’ (Verenga 2 Petro 1:12, 13.) Asi panguva iyoyo, muungano makanga mava nevanhu vakaipa vaida kutsausa hama nehanzvadzi kubva pachokwadi chavakanga vadzidza. (2 Pet. 2:1-3) Petro aida kusimbisa hama nehanzvadzi dzake kuti dzisatsauswa nevanhu ivavo. Kuti adaro, akavayeuchidza nezvezvimwe zvinhu zvavakanga vatogara vadzidza. Zvinhu izvozvo zvaizovabatsira kuti varambe vakatendeka kusvika pamugumo.
3. Taura muenzaniso unoratidza kuti nei vaKristu vese vachifanira kuramba vachifungisisa zvinhu zvavakatanga kudzidza muBhaibheri.
3 Kunyange tava nemakore tichishumira Jehovha, tinogona kubatsirwa nezvinhu zvatakatanga kudzidza muBhaibheri. Semuenzaniso, munhu ane unyanzvi hwekubika nemunhu anenge achidzidzira vanogona kupiwa zvinhu zvakafanana kuti vabike chimwe chinhu. Asi uya ava neunyanzvi uye ava nenguva achibika anogona kutobika zvimwe zvinhu zvinonaka uye zvakatosiyana nezvinobikwa neuya anenge achidzidzira. Ndizvo zvazvinoitawo kana tava nemakore tichishumira Jehovha. Vanhu vaviri vanogona kutarisa mavhesi mamwe chete eBhaibheri asi uya ava nemakore achishumira Jehovha anogona kuwana zvidzidzo zvakawanda zvakatosiyana nezviya zvinogona kuonekwa nemunhu anenge achitanga kudzidza Bhaibheri. Nei tichidaro? Nekuti kubvira patakabhabhatidzwa, mamiriro edu ezvinhu uye mabasa atakaita pakushumira Jehovha anogona kunge achinja. Patinofungisisa zvinhu zvatakadzidza kare muBhaibheri tinogona kuwana nzira itsva dzekuti tingazvishandisa sei iye zvino. Ngationei kuti vaKristu vava nenguva vachishumira Jehovha vangadzidzei kubva pazvinhu zvitatu zvinodzidziswa neBhaibheri.
JEHOVHA NDIYE MUSIKI
4. Takabatsirwa sei nekuziva kuti Jehovha ndiye Musiki?
4 “Akavaka zvinhu zvese ndiMwari.” (VaH. 3:4) Tinoziva kuti nyika nezvinhu zvese zvipenyu zviri pairi zvakasikwa neMusiki ane uchenjeri uye simba. Akatisika, saka hapana chaasingazivi nezvedu uyewo anotida. Anoziva zvakatinakira. Kuziva chokwadi ichocho chekuti Jehovha ndiye Musiki kwakatibatsira munzira dzakawanda uye kwakaita kuti upenyu hwedu huve nechinangwa.
5. Ichokwadi chipi chinogona kutibatsira kuzvininipisa? (Isaya 45:9-12)
5 Kuziva chokwadi chekuti Jehovha ndiye Musiki kunogona kutidzidzisa kuzvininipisa. Semuenzaniso, pane imwe nguva Jobho akataura zvinhu zvisiri izvo nezvaJehovha. Akakanganwa kuti ndezvipi zvainyanya kukosha uye akanga ava kungoisa pfungwa pakuda kuratidza kuti akanga akarurama. Asi Jehovha akamuyeuchidza kuti ndiye Musiki wemasimbaose. (Job. 38:1-4) Izvozvo zvakabatsira Jobho kuti aone kuti nzira dzaMwari dzinopfuura nekure dzevanhu. Muprofita Isaya akazonyora mashoko anoenderana naiwayo. Akanyora kuti: “Ivhu ringati here kuMuumbi waro: ‘Uri kuumbei?’”—Verenga Isaya 45:9-12.
6. Ndepapi patinofanira kunyanya kufunga nezveuchenjeri uye simba zvine Musiki wedu? (Onawo mifananidzo.)
6 Kana munhu ashumira Jehovha kwemakore akawanda, anogona kutanga kunyanya kuvimba nemafungiro ake panzvimbo pekutsvaga kutungamirirwa naJehovha neShoko rake. (Job. 37:23, 24) Asi chii chinoitika kana munhu akafungisisa nezveuchenjeri uye hukuru hweMusiki wake? (Isa. 40:22; 55:8, 9) Izvozvo zvinomubatsira kuti arambe achizvininipisa uye aone kuti mafungiro aJehovha akarurama kupfuura ake.
Chii chingatibatsira kuti tirambe tichiyeuka kuti maonero edu haakoshi kupfuura aJehovha? (Ona ndima 6)d
7. Rahela akaita sei kuti afambirane nekuchinja kwainge kwaita zvinhu musangano?
7 Rahela, uyo anogara kuSlovenia, akaona kuti kufunga nezveMusiki wake kwakamubatsira kufambirana nekuchinja kwainge kwaita zvinhu musangano. Akataura kuti: “Dzimwe nguva zvinondiomera kufambirana nezvisarudzo zvinenge zvaitwa nevaya vari kutungamirira. Semuenzaniso, kunyange zvazvo ndakaona vhidhiyo inonzi Mashoko Abva kuDare Rinotungamirira Nhamba 8 2023, ndakanetseka pandakatanga kuona hama ine ndebvu ichipa hurukuro. Saka ndakanyengetera kuti Jehovha andibatsire kufambirana nekuchinja uku kwakanga kwaita zvinhu.” Rahela akaona kuti sezvo Jehovha ari Musiki wedenga nenyika, haangambotadzi kutungamirira sangano rake zvakanaka. Kana uri kuomerwa nekugamuchira manzwisisiro matsva atava kuita imwe dzidziso kana kufambirana nezvimwe zvinhu zvakachinja musangano, chimbozvipa nguva yekufungisisa nezvesimba uye uchenjeri zvine Musiki wako.—VaR. 11:33-36.
NEI MWARI ACHIBVUMIRA KUTAMBURA?
8. Kuziva chokwadi panyaya yekuti nei Mwari achibvumira kutambura kwakakubatsira sei?
8 Nei Mwari achibvumira kutambura? Vamwe vanhu vasingazivi mhinduro yemubvunzo iwoyo, vanotsamwira Mwari kana kuti vanotanga kufunga kuti haako! (Zvir. 19:3) Asi iwe wakadzidza kuti chivi uye kukanganisa kwatinoita sevanhu ndiko kunoita kuti titambure uye tife, kwete Jehovha. Wakadzidzawo kuti nemhaka yekuti Jehovha ari kuratidza mwoyo murefu, ari kupa mamiriyoni evanhu mukana wekuti vasvike pakumuziva uye vadzidze zvaachaita kuti abvise kutambura zvachose. (2 Pet. 3:9, 15) Chokwadi ichocho chakakunyaradza uye chakaita kuti uwedzere kuswedera pedyo naMwari.
9. Ndepapi patinofanira kuzviyeuchidza nezvekuti nei Jehovha achibvumira kutambura?
9 Tinoziva kuti tinofanira kuva nemwoyo murefu tichimirira kuti Jehovha abvise kutambura. Asi kana isu kana kuti hama neshamwari dzedu, tikasangana nematambudziko, tikabatwa zvisina kunaka, kana kuti tikafirwa, tinogona kunetseka kuti nei Jehovha asiri kukurumidza kuita chimwe chinhu. (Hab. 1:2, 3) Panguva dzakadaro, zvakanaka kuti tizviyeuchidze kuti nei Jehovha achibvumira vanhu vakarurama kuti vatambure.a (Pis. 34:19) Tinofanirawo kuzviyeuchidza nezvechinangwa chake chekuti achabvisa kutambura zvachose.
10. Chii chiri kubatsira Anne kutsungirira kufirwa kwaakaitwa naamai vake?
10 Kuziva chokwadi nezvenyaya yekuti nei Mwari achibvumira kutambura kunogona kutibatsira kutsungirira. Anne, uyo anogara pachitsuwa chinonzi Mayotte, chiri mugungwa reIndian Ocean, anoti: “Amai vangu pavakashaya makore akapfuura, ndakarwadziwa chaizvo. Asi ndinogara ndichizviyeuchidza kuti Jehovha haasi iye anokonzera kutambura. Anoda kubvisa nhamo dzese uye kumutsa hama neshamwari dzedu dzakafa. Dzimwe nguva ndinotomboshamisika nerugare rwandinova narwo mupfungwa pandinofungisisa nezvechokwadi ichocho.”
11. Kuziva zvikonzero nei Jehovha achibvumira kutambura kungatibatsira sei kuti tirambe tichiparidza?
11 Kuziva chokwadi nezvenyaya yekuti nei Mwari achibvumira kutambura kunogona kutibatsira kuti tirambe tichiparidza. Pashure pekutsanangura kuti Jehovha anoratidza mwoyo murefu nemhaka yekuti anoda kuti vanhu vapfidze zvivi zvavo voponeswa, Petro akanyora kuti: “Fungai kuti munofanira kuva vanhu vakadii pamararamiro enyu matsvene nepamabasa ekuzvipira kuna Mwari.” (2 Pet. 3:11) Rimwe remabasa “ekuzvipira kuna Mwari” ibasa rekuparidza. Kungofanana nababa vedu, tinoda vanhu. Tinoda kuti vararame munyika itsva yaMwari yakarurama. Kuratidza kuri kuita Jehovha mwoyo murefu kuri kupa vanhu vemunharaunda yaunogara mukana wekuti vakwanise kumunamata. Une ropafadzo yakazonaka yekushanda pamwe chete naMwari uchibatsira vanhu vakawanda vaungakwanisa kuti vadzidze nezvake mugumo usati wauya!—1 VaK. 3:9.
TIRI KURARAMA “MUMAZUVA EKUPEDZISIRA”
12. Takabatsirwa sei nekudzidza kwatakaita kuti tiri kurarama “mumazuva ekupedzisira”?
12 Bhaibheri rinonyatsotaura kuti vanhu vaizova neunhu hwakaita sei “mumazuva ekupedzisira.” (2 Tim. 3:1-5) Patinotarisa zviri kuitika mazuva ano, tinonyatsoona kuti uprofita ihwohwo huri kuzadziswa. Patinoona unhu hwevanhu huchiwedzera kuipa, tinotobva tawedzera kuvimba neShoko raMwari.—2 Tim. 3:13-15.
13. Maererano nemufananidzo waJesu uri pana Ruka 12:15-21, mibvunzo ipi yatingazvibvunza?
13 Kuziva kuti tiri kurarama mumazuva ekupedzisira kunotibatsira kuti tiise pfungwa pane zvinhu zvinokosha, tichiziva kuti nguva yapera. Ona zvatinodzidza nezvenyaya iyi kubva pamufananidzo wakataurwa naJesu uri pana Ruka 12:15-21. (Verenga.) Nei murume uyu akanga akapfuma akanzi aiva “benzi”? Yakanga iri nyaya yekuti aiva mupfumi here? Aiwa. Asi akatadza kuziva zvekuisa pekutanga muupenyu hwake. Akazviunganidzira “pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.” Zvaakaita izvozvo hwaiva upenzi nekuti akanga asina nguva refu ari mupenyu. Mwari akaudza murume wacho kuti: “Usiku huno vachati vanoda upenyu hwako.” Mazuva ano, patiri kuramba tichiwedzera kuswedera pedyo nemugumo tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Zvinangwa zvangu muupenyu, zvinoratidza here kuti ndiri kunzwisisa kuti nguva yapera? Ko zvinangwa zvandinokurudzira vana vangu kuti vave nazvo zvinoratidzei? Ndiri kushandisa simba rangu, nguva yangu nezvinhu zvangu kuti ndizviunganidzire pfuma panyika here kana kuti ndizviunganidzire pfuma kudenga?’
14. Sezvinoratidzwa nezvakaitika kuna Miki, zvakanakirei kuti tifungisise nezvekuti tiri kurarama mumazuva ekupedzisira?
14 Kufungisisa nezveuchapupu hunoratidza kuti tiri kurarama mumazuva ekupedzisira kunogona kutibatsira kuziva kuti toita zvisarudzo zvipi muupenyu. Izvozvo ndizvo zvakaitika kune imwe hanzvadzi inonzi Miki. Anoti: “Pandakapedza chikoro chesekondari, ndaida kuita basa raizoita kuti ndidzidze zvakawanda nezvemhuka. Ndaivawo nechinangwa chekuva piyona wenguva dzese uyewo chekuzoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Dzimwe hama nehanzvadzi dzemuungano mangu dzakandikurudzira kuti ndifungisise kuti ndaizokwanisa here kuita basa iroro ukuwo ndichipayona uye kushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Vakandiyeuchidza kuti nyika ino yava pedyo kuguma. Vakandiyeuchidzawo kuti munyika itsva, kana ndichida ndaizokwanisa kudzidza nezvemhuka dzese uye kuti ndaizokwanisa kuzviita nekusingaperi. Saka ndakasarudza kuti ndisaita basa iroro, iro raizoda kuti ndiite makore akawanda ndichingodzidza. Ndakabva ndaita kosi yakandidzidzisa mabasa emaoko uyewo yaitora nguva shoma. Izvi zvakandibatsira kuti ndiwane basa raindiraramisa pandaipayona, uyewo kuti ndizokwanisa kutamira kuEcuador kwaidiwa vaparidzi vakawanda.” Miki nemurume wake vava mubasa remudunhu munyika iyoyo.
15. Zvakaitika kuna Jakobho zvinotibatsira sei kuona kukosha kwekuramba tichiedza kubatsira vaya vasati varatidza kufarira mashoko akanaka? (Onawo mifananidzo.)
15 Hatifaniri kuora mwoyo kana vanhu vakamboramba kuteerera mashoko akanaka. Vanhu vanogona kuchinja. Funga zvakaitika kuna Jakobho, munin’ina waJesu. Akaona Jesu achikura, akava Mesiya uye achidzidzisa kupfuura chero ani zvake panyika. Asi kwemakore Jakobho haana kutevera Jesu. Akazova mudzidzi pashure pekunge Jesu afa akamutswa uye akatozova mudzidzi aishingaira!b (Joh. 7:5; VaG. 2:9) Zvinokosha kuti tisaneta kubatsira veukama vasati varatidza kufarira mashoko akanaka uyewo kuti tirambe tichiparidzira vaya vakamboramba kuteerera mashoko atinoparidza. Yeuka kuti tiri kurarama mumazuva ekupedzisira saka basa rekuparidza rinofanira kuitwa nekukurumidza. Zvaunoudza vanhu nhasi zvinogona kuzovabatsira mune ramangwana, kunyange kutambudzika kukuru kwatotanga.c
Chii chinogona kutikurudzira kuti tisaneta kuedza kubatsira veukama vasiri Zvapupu? (Ona ndima 15)e
RAMBA UCHIONGA ZVIYEUCHIDZO ZVAJEHOVHA
16. Wakabatsirwa sei nezviyeuchidzo zvaJehovha? (Onawo bhokisi rakanzi “Zvishandise Kubatsira Vamwe.”)
16 Zvimwe zvekudya zvekunamata zvatinopiwa zvakagadzirirwa vanhu vasingazivi zvakawanda nezveBhaibheri. Semuenzaniso, hurukuro yavose yatinopiwa vhiki rega rega, dzimwe nyaya nemavhidhiyo zviri pajw.org uye magazini dzeveruzhinji, zvakagadzirirwa vanhu vasiri Zvapupu. Kunyange zvakadaro, tinobatsirwa nezviyeuchidzo izvozvo. Zvinoita kuti tiwedzere kuda Jehovha, tisimbise kutenda kwedu muShoko rake, uye tiwedzere kuva neunyanzvi hwekudzidzisa vamwe chokwadi chiri muBhaibheri.—Pis. 19:7.
17. Mumamiriro api ezvinhu atinofanira kuzviyeuchidza nezvezvinhu zvatakatanga kudzidza muBhaibheri?
17 SeZvapupu zvaJehovha, tinofara chaizvo panojekeswa manzwisisiro atinoita chimwe chokwadi chiri muBhaibheri. Asi tinoongawo chaizvo zvinhu zvatakatanga kudzidza muBhaibheri izvo zvakaita kuti tiuye muchokwadi. Patinoona sekuti maonero edu ari nani pane aJehovha, zvotiomera kufambirana nekuchinja kunenge kwaita zvinhu musangano rake, tinoyeuka kuti Jehovha, uyo ari kutungamirira sangano iri, ndiMwari wemasimbaose uye Musiki ane uchenjeri. Kana isu kana kuti mumwe munhu watinoda akasangana nedambudziko, tinoratidza mwoyo murefu tichizviyeuchidza kuti nei Jehovha achibvumira kutambura. Uye patinenge tichida kusarudza kuti toshandisa sei nguva yedu nezvinhu zvedu, tinoyeuka kuti tiri mumazuva ekupedzisira uye pasara nguva shomanana kuti mugumo usvike. Dai zviyeuchidzo zvaJehovha zvikaramba zvichitisimbisa, zvichitikurudzira, uye zvichiita kuti tive neuchenjeri.
RWIYO 95 Chiedza Chiri Kuramba Chichijeka
a Ona nyaya yakanzi “Zvichaita Kuti Kutambura Kwose Kukurumidze Kupera” iri muNharireyomurindi yaMay 15, 2007, mapeji 21-25.
c Ona nyaya yakanzi “Zvii Zvatinoziva Nezvematongerwo Achaitwa Vanhu naJehovha Mune Ramangwana?” iri muNharireyomurindi yaMay 2024 mapeji 8-13.
d KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Mumwe mukuru ane zvaataura asi dare revakuru harina kubvumirana naye. Pava paya mukuru uya anotarisa nyeredzi mudenga achifungisisa nezveuchenjeri uye simba zvine Musiki. Izvozvo zvinomubatsira kunzwisisa kuti zvinodiwa naJehovha ndizvo zvinonyanya kukosha kupfuura zvaanoda iye.
e KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Painenge ichidzidza iri yega, imwe hanzvadzi inoongorora uchapupu hunoratidza kuti tiri kurarama mumazuva ekupedzisira. Izvi zvinoita kuti ade kufonera mukoma wake omuparidzira.