Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Zvii ‘zviri kufungwa’ naJehovha zvaachaisa mumwoyo mehurumende dzevanhu?
Ichitaura nezvekutanga kuchaita kutambudzika kukuru, Zvakazarurwa 17:16, 17 inoti: “Nyanga gumi dzawaona, nechikara, zvichavenga pfambi uye zvichaiparadza nekuipfekenura, uye zvichadya nyama yayo uye zvichairoromesa nemoto. Nekuti Mwari akazviisa mumwoyo mavo kuti vaite zvaari kufunga, kureva kuti, vaite pfungwa yavo imwe chete kuburikidza nekupa umambo hwavo kuchikara.” Kare mabhuku edu aitaura kuti ‘zviri kufungwa’ naJehovha zvaachaisa mumwoyo mehurumende dzevanhu ndezvekuti dziparadze zvitendero zvenhema.
Asi manzwisisiro atinoita mashoko aya anofanira kugadziriswa. ‘Zviri kufungwa’ naJehovha zvaachaisa mumwoyo mehurumende dzevanhu ndezvekuti dzipe ‘umambo hwadzo kuchikara.’ Kuti tinzwisise kuti izvozvo zvichazadziswa sei, ngatipindurei mibvunzo inotevera.
Ndivanaani vari kutaurwa muuprofita uhwu? “Pfambi” iyo inonziwo “Bhabhironi Guru,” inomiririra mubatanidzwa wezvitendero zvese zvenhema. “Chikara chitsvuku” chinomiririra Sangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese (United Nations). Sangano iri rakatanga kuumbwa muna 1919 kuti riite kuti panyika pave nerugare uye rainzi Sangano Renyika Dzakabatana (League of Nations). (Zvak. 17:3-5) “Nyanga gumi” dzinomiririra hurumende dzese dzinotsigira chikara chacho.
Pfambi nechikara chitsvuku zvinopindirana pakudini? Pfambi inonzi ‘yakagara pachikara,’ izvo zvinoreva kuti inochitsigira uye inoedza kuita kuti chiite zvainoda.
Chii chichaitika kupfambi? Chikara pamwe chete nenyanga gumi dzinochitsigira “zvichavenga pfambi.” Zvichanyatsoratidza ruvengo rwazvo nekutora upfumi hwese hwepfambi iyi uye nekubudisa pachena uipi hwayo. Uye zvichabva zvaiparadza sezvakataurwa naJehovha kuti ndizvo zvichaitika. (Zvak. 17:1; 18:8) Saka panenge pasisina zvitendero zvese zvenhema. Asi izvozvo zvisati zvaitika, Jehovha achaita kuti hurumende dzevanhu dziite chimwe chinhu chisati chamboitika.
Jehovha achaita kuti hurumende dzevanhu dziite sei? Achaisa mumwoyo menyanga gumi “zvaari kufunga” zvekuti ‘dzipe chikara chitsvuku simba radzo nechiremera chadzo.’ Chikara chitsvuku ichi ndicho Sangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese. (Zvak. 17:13) Izvi zvinorevei? Zvinoreva here kuti hurumende dzevanhu dzichangosarudza dzega kupa simba radzo nechiremera chadzo kuchikara? Aiwa! Uprofita hwacho hunoratidza kuti Mwari pachake ndiye achaita kuti dzidaro. (Zvir. 21:1; enzanisa naIsaya 44:28.) Izvi hazvisi kuzoitika zvishoma nezvishoma asi zvichangoerekana zvaitika. Chikara ichi chinenge chapiwa simba chichabva chaparadza zvachose zvitendero zvese zvenhema.
Zvii zvatiri kutarisira kuti zvichaitika? Hatifaniri kutarisira kunzwa nhau dzekuti hurumende dzevanhu dziri kuita dzichiwedzera kutsigira Sangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese. Zvatinotarisira ndeizvi: Jehovha achaisa mumwoyo mehurumende pfungwa yekuti dzipe simba radzo kuSangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese. Izvi zvichangoerekana zvaitika uye panguva iyoyo tinobva taziva kuti kutambudzika kukuru kwava kuda kutotanga. Asi iye zvino “ngatirambei takamuka, pfungwa dzedu dzichinyatsoshanda” nekuti zvinhu zvichangoerekana zvachinja munguva pfupi iri kuuya!—1 VaT. 5:6.