RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 128
  • Purigatori Inotaurwa Nezvayo muBhaibheri Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purigatori Inotaurwa Nezvayo muBhaibheri Here?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Purigatori
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Zvokwadi Pamusoro Pehero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Unogona Kudavira Bhaibheri Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Unogona Kubatsira Vakafa Here?
    Mukai!—2007
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 128
Pikicha iri kuratidza zvinonzi ndizvo zvakaita purigatori

Purigatori Inotaurwa Nezvayo muBhaibheri Here?

Mhinduro yeBhaibheri

MuBhaibheri hamuna shoko rekuti “purigatori,” uye haridzidzisi kuti mweya yevanhu vakafa inonotsveneswa mupurigatori.a Chimboona zvinotaurwa neBhaibheri nezvechivi uye rufu woona kuti zvakasiyana papi nedzidziso yepurigatori.

  • Kutenda muropa raJesu ndiko kunotsvenesa munhu, kwete nguva yaanotora ari munzvimbo isiko zvachose, inonzi nevanhu purigatori. Bhaibheri rinoti, ‘Ropa raJesu Mwanakomana waMwari rinogeza zvitadzo zvedu zvose’ uye Bhaibheri rinotiwo, “Jesu Kristu . . . akatisunungura muzvitadzo zvedu neropa rake.” (1 Johani 1:7; Zvakazarurwa 1:5, Bhaibheri rine Apokirifa) Jesu ‘akapa upenyu hwake kuti hudzikinure vanhu vazhinji’ kuti vakanganwirwe zvivi zvavo.​—Mateu 20:28, Bhaibheri rine Apokirifa.

  • Vakafa havana chavanoziva. “Vanhu vapenyu vanoziva kuti vachafa, asi vakafa havana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5, Bhaibheri rine Apokirifa) Munhu anenge afa haarwadziwi, saka haatsveneswe nemoto wepurigatori.

  • Kana munhu afa haazomborwadziswi nekuda kwezvivi zvaakaita. Bhaibheri rinoti, “Mubayiro wechivi ndirwo rufu” uye rinotiwo “anenge afa asunungurwa pachivi.” (VaRoma 6:7, 23) Rufu ndicho chirango chakakwana chechivi.

Chii chinonzi purigatori?

Chechi yeRoma inodzidzisa kuti purigatori inzvimbo yekuti mweya yevanhu vanenge vafa inoenda ichinokumbira kuti vanhu vacho varegererwe zvivi zvavo vobva vatsveneswa.b Bhuku reChechi yeRoma rinonzi Katikazi rinoti kutsveneswa uku ndiko kunodiwa kuti “munhu anyatsova mutsvene kuti azoenda kunonakidzwa kudenga.” Bhuku reKatekazi rinowedzerawo richiti “Chechi inodzidzisa kuti . . . kune moto unotsvenesa,” sezviri kuratidzwa pamufananidzo uri munyaya ino. Asi izvi hazvimo muBhaibheri.

Dzidziso yepurigatori yakabva kupi?

VaGiriki vekare vaitenda dzidziso yepurigatori uye vaitenda kuti kana vanhu vafa mweya yavo inoenda kune imwe nzvimbo inonzi Limbo. Achitevedzera zvaitaurwa nevaGiriki, Clement wekuAlexandria akataura aine chivimbo kuti vakafa vanofanira kutsveneswa pachivi nemoto. Asi Pope Gregory I ndiye akataura zvakasimba kuti dzidziso yekuti kune moto wepurigatori ndeyechokwadi, maererano nezviri mubhuku rinonzi The History of Christian Doctrines. Bhuku iri rakawedzera kuti Gregory, uyo akanga ari papa kubva muna 590 kusvika muna 604 C.E., “ndiye anonyanya kunzi akatanga dzidziso yepurigatori.’” Chechi yeRoma yakatsanangura dzidziso yepurigatori pamusangano weLyons wakaitwa muna (1274) uye weFlorence wakaitwa muna (1439), neweTrent wakaitwa muna 1547.

a Bhuku rinonzi Orpheus: A General History of Religions paraitaura nezvepurigatori rakati, “Mumabhuku eEvhangeri hapana panotombotaurwa nezvayo.” New Catholic Encyclopedia inotiwo: “Paongororo dzakaitwa, zvakaonekwa kuti dzidziso yechechi yeRoma yepurigatori haibvi muMagwaro matsvene, asi inobva patsika dzevanhu.”​—Second Edition, Volume 11, peji 825.

b Ona New Catholic Encyclopedia, Second Edition, Volume 11, peji 824.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe