Mashoko Emuzasi
a Jehovha ndiye Shamwari yedu inopfuura dzese. Tinokoshesa ushamwari hwedu naye, uye tinoda kuwedzera kumuziva. Zvinotora nguva kuti uzivane nemumwe munhu. Ndizvo zvazvinoitawo kana tichida kuramba tichisimbisa ushamwari hwedu naJehovha. Sezvo tiine zvakawanda zvekuita muupenyu, tingaitei kuti tiwane nguva yekuswedera pedyo naBaba vedu vekudenga, uye kuita izvozvo kunotibatsira sei?