Kudzidza Kune Mubayiro
WAKAMBOONA vanhu vachisarudza muchero here? Vazhinji vanoongorora ruvara rwawo noukuru kuti vaone kana waibva. Vamwe vanonhuhwidza muchero wacho. Vamwe vanoubata, kana kutoutepfenyedza. Uyezve vamwe vanouyera, vachiisa mumwe kune rumwe ruoko mumwe kune rumwe kuti vanzwe unorema nomuto. Vanhu ava vari kufungei? Vari kuongorora zvairi, vachiona kusiyana kwayakaita, vachiyeuka zvavambosarudza, voenzanisa nezvavari kuona iye zvino nezvavanotoziva. Mubayiro unonaka wakavamirira nokuti vari kunyatsoisa pfungwa dzavo pane izvi.
Chokwadi, mibayiro yokudzidza Shoko raMwari yakatokura pane izvi. Kana kudzidza kwakadaro kune nzvimbo inokosha muupenyu hwedu, kutenda kwedu kunowedzera kusimba, rudo rwedu runodzama, ushumiri hwedu hunowedzera zvibereko, uye zvatinosarudza zvinopupurira zvikuru kuti tinonzwisisa uye tine uchenjeri hwaMwari. Nezvemibayiro yakadaro, Zvirevo 3:15 inoti: “Hakuna pfuma yako ingaenzaniswa nahwo.” Uri kuwana mibayiro yakadaro here? Madzidziro aunoita angatema izvozvi.—VaK. 1:9, 10.
Wana nguva yokufungisisa
Chii chinonzi kudzidza? Kunopfuura kungoverengawo zvakwo. Kunosanganisira kushandisa mano ako okufunga zvakanaka kana kuti zvakati wedzerwei panyaya. Zvinosanganisira kuongorora zvauri kuverenga, uchizvienzanisa nezvaunotoziva, uye uchiona zvikonzero zvapiwa pamashoko ataurwa. Paunenge uchidzidza, funga zvakadzama papfungwa dzipi nedzipi dzataurwa dzingava itsva kwauri. Fungawo kuti iwe pachako unganyatsoshandisa sei zano romuMagwaro. SeChapupu chaJehovha, ungadawo kufunga nezvemikana yokushandisa mashoko acho kubatsira vamwe. Zviri pachena kuti kudzidza kunosanganisira kufungisisa.
Kuva Nepfungwa Dzakanaka
Kuti unyatsobatsirwa nokudzidza uri woga, gadzirira mwoyo wako
Paunenge uchigadzirira kudzidza, unounganidza zvinhu zvakadai seBhaibheri rako, mabhuku ose aunoda kushandisa, penzura kana peni, zvimwe nebhuku rokunyorera. Asi unogadzirirawo mwoyo wako here? Bhaibheri rinotiudza kuti Ezra aka“gadzirira mwoyo,” (NW) “wake wose kutsvaka murayiro waJehovha, nokuuita, nokudzidzisa pakati paIsraeri zvaakatema nezvaakatonga.” (Ezra 7:10) Kugadzirira mwoyo kwakadaro kunosanganisirei?
Munyengetero unoita kuti tikwanise kutanga kudzidza Shoko raMwari nemafungiro akanaka. Tinoda kuti mwoyo wedu, zvatiri isu pachedu nechomukati, tigamuchire murayiridzo watinopiwa naJehovha. Pakutanga kwechidzidzo chimwe nechimwe, kumbira Jehovha kuti akubatsire nomudzimu wake. (Ruka 11:13) Mukumbire kuti akubatsire kuti unzwisise zvinorehwa nezvauchadzidza, kuti zvinobatana sei nezvinangwa zvake, zvingakubatsira sei kunzwisisa zvakanaka nezvakaipa, kuti ungashandisa sei mitemo yake muupenyu hwako, uye kuti mashoko acho anei noukama hwako naye. (Zvir. 9:10) Sezvaunodzidza, “ramb[a u]chikumbira Mwari” uchenjeri. (Jak. 1:5) Zviyere nokutendeseka maererano nezvaunodzidza, sezvaunotsvaka kubatsirwa naJehovha mukubvisa pfungwa dzisina kururama kana kuti kuda zvinhu zvinokuvadza. Nguva dzose “imbirai Jehovha muchimuonga” pamusana pezvinhu zvaanozivisa. (Pis. 147:7) Uku kudzidza kwokutanga nomunyengetero kunotungamirira kuva pedyo naJehovha, sezvo kuchiita kuti tikwanise kumupindura sezvaanotaura nesu achishandisa Shoko rake.—Pis. 145:18.
Kugamuchira kwakadaro kunosiyanisa vanhu vaJehovha nevamwe vadzidzi. Pane vaya vasina kuzvipira kuna Mwari, zvakajairika kusava nechokwadi uye kupikisa zvakanyorwa. Asi isu hatidaro. Tinovimba naJehovha. (Zvir. 3:5-7) Kana paine chatisinganzwisisi, hatizvikudzi topedzisa tichiti, panofanira kuva pakakanganiswa. Patinenge tichitsvakurudza nokuchera mhinduro, tinomirira Jehovha. (Mika 7:7) SaEzra, chinangwa chedu kuita chimwe chinhu uye kudzidzisa zvatinodzidza. Mwoyo yedu ikavavarira izvi, tinotarisira kukohwa mibayiro mikuru pakudzidza kwedu.
Kudzidza Kwatingaita
Pane kungotanga nendima yokutanga wobva wapfuurira kusvikira wapedza, kutanga, imboongorora mashoko enyaya yacho yose kana kuti echitsauko chacho. Tanga nokuongorora manyorerwe omusoro wacho. Uyu ndiwo musoro mukuru wezvauchadzidza nezvazvo. Ipapo nyatsoona kuti misoro miduku inopindirana sei nomusoro mukuru. Imboongorora mifananidzo yose, machati, kana kuti mabhokisi okudzidzisa ari pamwe chete nemashoko acho. Zvibvunze kuti: ‘Pamusana pezvandamboongorora, ndiri kutarisira kudzidzei? Zvichava zvakakosha kwandiri pakudii?’ Izvi zvinopa chinangwa pakudzidza kwako.
Jairana nezvinhu zvokushandisa pakutsvakurudza zviri mumutauro wako
Zvino chiwana mashoko acho. Nyaya dzezvidzidzo zveNharireyomurindi nemamwe mabhuku dzine mibvunzo yakadhindwa. Sezvaunoverenga ndima imwe neimwe, zvinobatsira kutara mhinduro. Kunyange kana pasina mibvunzo yechidzidzo, ungatara pfungwa huru dzaunoda kuyeuka. Kana imwe pfungwa iri itsva kwauri, pedzera nguva yokuwedzera pairi kuti uve nechokwadi chokuti wainzwisisa zvakanaka. Ucherechedze fananidzo kana kuti matauriro achakubatsira mubasa romumunda kana kuti angabatanidzwa muhurukuro ichatevera. Funga nezvevanhu chaivo vane kutenda kungasimbiswa kana ukataura navo zvauri kudzidza. Tara pfungwa dzaunoda kushandisa, uye dzidzokorore kana wapedza kudzidza.
Sezvaunodzidza mashoko acho, vhura magwaro akaiswa. Ongorora kuti rugwaro rumwe norumwe runopindirana sei nezviri kusimbiswa mundima yacho.
Ungaona pfungwa dzausingakurumidzi kunzwisisa kana kuti dzaungada kunyatsoongororazve. Pane kuti dzikutsause, dzinyore kuti wozodzidzidzazve gare gare. Pfungwa dzinowanzojekeswa sezvaunopfuurira kudzidza mashoko acho ose. Kana zvikasajeka, ungazowedzera kutsvakurudza. Ndezvipi zvinganyorwa kuti zvozodzokororwa kudaro? Pamwe pane rugwaro rune mashoko aiswa rwausinganzwisisi zvakajeka. Kana kuti ungasakurumidza kuona kushanda kwarunoita panyaya iri kukurukurwa. Zvichida unganzwa kuti unonzwisisa imwe pfungwa yakati mumashoko acho asi kwete zvakaringana zvokuitsanangurira mumwe munhu. Pane kungodzipfuura, kungava kuchenjera kutsvakurudza mashoko nezvadzo paunenge wapedza zvawatanga kudzidza.
Iva nechokwadi chokuvhura magwaro
Muapostora Pauro paakanyorera vaKristu vechiHebheru tsamba yake yainyatsorondedzera, akambomira pakati achibva ati: “Shoko guru ndeiri.” (VaH. 8:1) Unozviyeuchidza saizvozvo nguva nenguva here? Chimbofunga kuti nei Pauro akadaro. Muzvitsauko zvinotangira ichi zvetsamba yake yakafuridzirwa, akanga atoratidza kuti Kristu soMupristi Mukuru waMwari akanga apinda mudenga chaimo. (VaH. 4:14–5:10; 6:20) Asi Pauro akagadzirira pfungwa dzevaverengi vake kuti dzifungisise kuti zvaiva nechii noupenyu hwavo, nokutsaura ndokusimbisa shoko guru iroro pakutanga kwechitsauko 8. Akataura kuti Kristu akanga aenda pamberi paMwari akavamiririra uye akanga avazarurira nzira yokuti ivowo vapinde mu“nzvimbo tsvene” yokudenga iyoyo. (VaH. 9:24; 10:19-22) Kuva kwechokwadi kwetariro yavo kwaizovabatsira kuti vashandire rimwe zano raiva mutsamba iyi pamusoro pokutenda, kutsungirira, uye mufambiro wechiKristu. Saizvozvowo, patinodzidza, kuisa pfungwa pamashoko makuru kuchatibatsira kunzwisisa kukudziridzwa kwomusoro mukuru uye kucharoverera mupfungwa dzedu zvikonzero zvakanaka zvokuti tiite zvinopindirana naizvozvo.
Kudzidza kwako uri woga kuchakuita kuti uite chimwe chinhu here? Uyu mubvunzo unokosha. Paunodzidza chimwe chinhu, zvibvunze kuti: ‘Izvi zvinofanira kuitei paunhu hwangu uye pane zvandinovavarira muupenyu? Ndingashandisa sei mashoko aya pakugadzirisa zvinetso, kusarudza, kana kuti kuita zvandiri kuvavarira? Ndingazvishandisa sei nemhuri yangu, muushumiri hwomumunda, uye muungano?’ Nyengetera pakufunga nezvemibvunzo iyi, uchifungisisa mamiriro ezvinhu chaiwo aungashandisira zivo yako.
Wapedza chitsauko kana kuti nyaya, wana nguva yokumbodzokorora zvishomanana. Ona kana ungakwanisa kuyeuka pfungwa huru nezvikonzero zvinotsigira. Danho iri richakubatsira kuchengeta mashoko acho kuti uzoashandisa.
Chokudzidza
Sevanhu vaJehovha, tine zvakawanda zvokudzidza. Asi tinofanira kutangira papi? Zuva nezuva, tingaita zvakanaka kudzidza rugwaro netsinhiro zveKunzvera Magwaro Zuva Nezuva. Vhiki nevhiki, tinopinda misangano yeungano, uye kudzidza kwatinoita pakuigadzirira kuchatibatsira kwazvo. Kuwedzera pane izvozvi, vamwe nokuchenjera vakatsaura nguva yokudzidza mamwe emabhuku echiKristu akadhindwa ivo vasati vadzidza chokwadi. Vamwe vanosarudza chikamu chokuverenga Bhaibheri kwavo kwevhiki nevhiki vobva vadzidza zvakadzama ndima idzodzo.
Zvakadini kana mamiriro ako ezvinhu asingakutenderi kunyatsodzidza mashoko ose achadzidzwa pamisangano yeungano yevhiki nevhiki? Usawire mungozi yokungotarira mashoko uchimhanya kuti ungopedza kana kuti, zvakatoipa, yokusatombodzidza chero api zvawo nokuti haukwanisi kuzviita. Asi sarudza kuti ungadzidza zvakawanda sei, woita izvozvo zvakanaka. Zviite vhiki nevhiki. Nokufamba kwenguva, edza kuwedzera kuti usanganisire mimwe misangano.
“Vaka Imba Yako”
Jehovha anoziva kuti misoro yemhuri inofanira kushanda nesimba kuti igovere vadiwa vayo. “Gadzira basa rako kunze,” Zvirevo 24:27 inodaro, “uzvigadzirire iro pamunda.” Asi zvinodiwa zvokunamata zvemhuri yako hazvingagoni kungoregwa hazvo. Saka ndima yacho inoenderera ichiti: “Pashure ugovaka imba yako.” Misoro yemhuri ingaita sei izvozvi? Zvirevo 24:3 inoti: “[“Imba,” NW] inosimbiswa ne[“nzwisiso,” NW].”
Nzwisiso ingasimbisa imba yako sei? Nzwisiso isimba repfungwa rokutarira zvinopfuura zvinhu zviri pachena. Zvingatotaurwa kuti kudzidza kwemhuri kunobudirira kunotanga nokudzidza mhuri yako pachayo. Nhengo dzemhuri yako dziri kufambira mberi sei pakunamata? Nyatsoteerera paunokurukura nadzo. Pane kakunyunyuta kana kuti kakusafara here? Kutsvaka zvinhu zvenyama ndicho chinhu chinokosha here? Paunenge uri muushumiri hwomumunda nevana vako, vanonzwa vakasununguka kuzvizivisa pamberi pevamwe vavo seZvapupu zvaJehovha here? Vanonakidzwa nepurogiramu yenyu yokuverenga nokudzidza Bhaibheri kwemhuri here? Chaizvoizvo vari kuita nzira yaJehovha nzira yavo yokurarama nayo here? Kunyatsoongorora kucharatidza zvaunofanira kuita iwe, somusoro wemhuri, kuti utange uye uvake unhu hwokunamata kwenhengo imwe neimwe yemhuri.
Tarira muNharireyomurindi nomuMukai! nyaya dzinotaura zvinhu zvinodiwa chaizvo. Zvadaro woudza mhuri chichadzidzwa kuti ifunge nezvemashoko acho. Ngaparambe pane rudo pamunenge muchidzidza. Ratidza kukosha kwemashoko ari kudzidzwa, usingarangi kana kunyadzisa chero nhengo ipi zvayo yemhuri, asi uchiratidza kushanda chaiko kune zvinodikanwa zvemhuri yako. Nhengo imwe neimwe ngairambe ichibatanidzwa. Batsira mumwe nomumwe kuti aone kuti Shoko raJehovha ra“kakwana” mukupa zvinodikanwa chaizvo zvoupenyu.—Pis. 19:7.
Kukohwa Mibayiro
Vanhu vanocherechedza vasinganzwisisi zvokunamata vanogona kudzidza zvakasikwa zvose, zviitiko zvenyika, nokutozviongorora ivo pachavo asi vokundikana kunzwisisa chinorehwa chaicho nezvavari kuona. Asi vanhu vanogarodzidza Shoko raMwari, vachibatsirwa nomudzimu waMwari, vanogona kunzwisisa mune zvinhu izvi mabasa emaoko aMwari, kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri, uye kuva pachena kwechinangwa chaMwari chokukomborera vanhu vanoteerera.—Mako 13:4-29; VaR. 1:20; Zvak. 12:12.
Kunyange zvazvo izvozvo zvakanaka kwazvo, hazvifaniri kutiita kuti tive vanodada. Asi kunzvera Shoko raMwari zuva nezuva kuchatibatsira kuramba tichizvininipisa. (Dheut. 17:18-20) Kunotidzivirirawo pa“simba rinonyengera rechivi” nokuti kana Shoko raMwari riri benyu mumwoyo yedu, kukwezva kwechivi hakungakuriri kutsunga kwedu kwokuti tichirege. (VaH. 2:1; 3:13; VaK. 3:5-10) Saka ticha“famb[a] zvakafanira Jehovha [ti]chimufadza kwazvo sezva[ti]noramba [ti]chibereka zvibereko mubasa rose rakanaka.” (VaK. 1:10) Kuita kudaro ndicho chinangwa chedu pakudzidza Shoko raMwari, uye kuriita ndiwo mubayiro mukuru kupfuura yose.