Rwiyo 167
Tinoonga Mupi Woupenyu
1. Tino’nga Mwari Baba vom’denga.
Tinokurumbidzai zvikuru.
Totevera makwara aJesu,
Tichisimudza maoko edu.
2. Tinofarira She Changamire;
Denga, pasi zvokubatirai.
Zvose zvatinazvotokupai,
Mukunamata mitemo yenyu.
3. Makagadzawo Umambo hwenyu;
Tova noukama hwakanaka.
Munoramba muchitipa njere,
Kuti tigopa kwam’ri rumbidzo.
4. Tobatire’mi imi, Jehovha,
Tichizivisa kunaka kwenyu.
Tinoda kuti m’tikomborere,
Mudzimu wenyu utipe simba.