Kushanda Ndima Inowanzofukidzwa
1 Tinofara kugamuchira mishumo yokuti ungano dzakawanda dziri kuwanzoshanda ndima yadzo. (Mat. 24:14; 1 Tim. 2:3, 4) Kunyange zvazvo ikoku kuchipa denho yechienzi, ruzivo rwokuzviwanira rwakaratidza kuti inogona kukurirwa nenzira inobudirira kana takasanogadzirira uye takashongedzerwa kubata nemigariro yakasiana-siana inomuka.
2 Sumo Dzinobudirira Chinhu Chinokosha: Kunokosha zvikuru kuva vakagadzirira kushandisa sumo imwe kana kuti dzinopfuura dzakasanofungwa. Idzo dzinofanira kubatanidza kutaura kwakananga uko kunojekesa zvikonzero zvinokosha zveshanyo dzedu dzakawanda.
3 Bhuku raKurangarira rinogovera mienzaniso yakaisvonaka yakawanda yesumo dzakafanira dzokushandisa. Nhatu dzakarongwa papeji 15 pasi pomusoro unoti “Mundima Inowanzoshandwa.” Hwirudzura dzaungada kushandisa mundima yako.
4 Vamwe vaparidzi vanowana budiriro vachishandisa nyaya dzomupepanhau romunzvimbomo kuti vatange kurukurirano mundima inowanzoshandwa. Bhuku raKurangarira rinopa mienzaniso mitatu yokuti ikoku kunogona sei kuitwa. Rangarira sumo yechipiri pasi pomusoro unoti “Utsotsi/Kotsekano” papeji 14 uye sumo mbiri dzokutanga pasi pomusoro unoti “Zvinoitika Zvazvino Uno” papeji 14.
5 Sumo Dzaunogadzirira: Inzwa wakasununguka kukudziridza ndokushandisa tsinhiro dzokusuma dzakafanira dzakawiriraniswa neidzo dzinopiwa mubhuku raKurangarira. Taura idzodzi nenzira yako umene yomuzvarirwo, uchishandisa mashoko ako umene. Ungagona kudzihwirudzura nomuparidzi ane ruzivo rwokuzviwanira usati wadzishandisa mumunda.
6 Somuenzaniso, ungataura chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Chifo chaapo takapedzisira kukushanyirai, [dudza chinoitika chemisi ichangobva kupfuura vanhu vari munzanga vari kutaura pamusoro pacho]. Nemhaka yokuti tose zvedu tinotapurwa munzira yakati, vazhinji vavavakidzani vedu vakataura kuitira hanya kwakakomba. Zvichida imiwo makachirangarira. [Tindika nokupfupikisa kuti ubvumire mhinduro inobvira.] Nemhaka yemigariro yenyika nhasi, hamungabvumirani here neizvo muporofita Jeremia akanyora Jer paganhuro 10, ndima 23?” Pashure pokurava rugwaro rwacho, wana tsinhiro dzasaimba, ipapo nangidzira ngwariro kurugwaro rwakati urwo rwunoratidza kuti Jehovha achapedza sei chinetso chakati chiri kukurukurwa.
7 Kana kuti ungagona kuti:
◼ “Pasina panikiro macherechedza munhau [pepanhau kana kuti nhau] nhasi [dudza chinoitika chaicho]. Zvichida muchabvuma kuti ichochi chinotapura tose zvedu. [Tindika nokupfupikisa nokuda kwemhinduro inobvira.] Tinogona kukarira kuti zviremera zvichakarakadza mhinduro yenguva pfupi; zvisinei, Bhaibheri rinoratidza kuti chinetso chacho chichapedzwa sei zvechigarire.” Nangidzira ngwariro kurugwaro rwakati urwo rwunotsanangura icho Mwari achaita.
8 “Neiko Muchiwanzoshanya Kwazvo?” Mhinduro dzakafanira kuichi chinodzivisa kurukurirano chinobvira dzinopiwa mubhuku raKurangarira papeji 20 pasi pomusoro unoti “Neiko Imi Vanhu Muchiwanzoshanya Zvikuru?” Kurukurirano yamashoko aJesu ari pana Johane 21:15-17 ingagona kubvumikisa kuva inobetsera zvikuru muna ikoku.
9 Kutozosvikira Jehovha ati zvakwana, ngatipfuurirei kukurira denho yokushanda ndima inowanzofukidzwa. Tiine uku kutsunga, tinogona kuvimbiswa nhungamiro yake, dziviriro, uye chikomborero kusvikira kumugumo chaiko.—Mat. 28:19, 20.