Unorangarira Sei Horo Yenyu yoUmambo?
1 NeHoro yoUmambo inoshandiswa kanoverengeka vhiki rimwe nerimwe, nenzira yomuzvarirwo kuchava nokudikanwa kwokuchenesa nokuchengeta. Unoonga ropafadzo yaunayo yokubetsera kuichengeta yakatsvinda uye yakachena here? Horo yoUmambo inofanira kucheneswa mukuwirirana norudungwe rwenguva dzose, kuchitsamira pakushandiswa kwayo nezvinodikanwa. Vose vangava negoverano, kunyange vana.
2 Kazhinji kazhinji kuchenesa kunorongwa mukuwirirana namapoka efundo dzebhuku. Vakuru vangada kuronga mapoka kuti atenderere vhiki nevhiki mukutarisira kuchenesa mukutungamirira kwomuitisi wefundo yebhuku kana kuti imwe hama iri muboka racho. Ndaza yezvinhu zvinofanira kuitwa mukuchenesa inogona kuiswa pachikwangwani chamashoko. Migove nezvokushandisa zvinofanira kuvapo kuti zvishandiswe mukuchenesa.
3 Chitarisiko chose zvacho cheHoro yoUmambo chinofanira kunzverwa. Inoda pendi itsva mukati kana kuti kunze here? Kugadziridza kunodikanwa here? Ruvazhe kana kuti nzvimbo yokumisa motokari zvinoda ngwariro here? Kana pane tsangadzi kana kuti magwenzi, izvozvi zvinoda tarisiro yenguva dzose. Kune nzira mukati mendaza yendyiko dzeungano dzokuita kuti mukati mehoro muve munokwezva zvikuru here? Kazhinji kazhinji zvinhu zviduku zvinogona kuitwa izvo zvisingadhuri zvikuru asi zvinoreva zvakawanda zvikuru mukuita kuti kushongedza kuve kunofadza zvikuru.
4 Kuchengeta kuchachengetwa kwakaderera kana vose vakangwarira kudzivisa kuputsa zvokushandisa kana kuti kukuvadza zvishongo. Chingamu haitongofaniri kuraswa kupfurikidza nokuiisa pasi pechigaro. Uye unoziva kuti kudonhedza chingamu kana kuti siwiti pakapeti kana kuti uriri, kana kuti kurasa mukaka womwana pahuri, kana kuti kuregeredza kupukuta tsoka dzako pakupinda muhoro, zvose zvinhu zvinoita kuti kutarisirwa kwouriri kuve kwakaoma zvikuru.
5 Vanhu vaduku vanofadza kuona paHoro yoUmambo. Mutoro uri pavabereki kuti vatarisire vana vavo nokuvadzora apo vanenge vari pahoro. Nzendo dzisiri madikanwa kuzvimbudzi kana kuti kutamba pamberi kana kuti pashure pemisangano zvinofanira kusakurudzirwa. Vana vasina nhevedzano apo “[vano]ngoregwa” vanonyadzisa. (Zvir. 29:15) Apo vakuru vanotaura kwauri pamusoro peizvi zvinhu, iva anogamuchira naanoonga.
6 Kuronga Nokuda Kwefutunuko: Newedzero yakatsiga yavanopinda misangano yeZvapupu zvaJehovha, nguva inosvika nenzira isingadzivisiki apo rangariro inofanira kupiwa kukuronga nokuda kweHoro yoUmambo itsva. Horo dzakawanda dzinotozadzwa kusvikira kukuzarisa. Ikoku kunosimbisa kudikanwa kwokudzivisa kuronga kwenguva pfupi uko kungagona kuguma neHoro dzoUmambo dziri duku zvikuru uye dzinozadzwa panodokuva pamberi pokupedzwa. Kunewo ngozi yokumira nguva refu zvikuru musati manzvera bviro yokuwana Horo yoUmambo itsva nokuvanzarika hwaro hwefutunuko yomunguva yemberi. Tinofanira kutarira mberi. Nepo tichiziva kuti tapinda zvikuru munguva yomugumo uye “dambudziko guru” rava pedyo, hatizivi kuti rava pedyo sei chaizvo, uye tinofanira kuronga kumhanya zvakazara tiri mberi apo mugumo wetsika ino unosvika.
7 Migariro yakasiana-siana iriko muchinoitika chimwe nechimwe, uye zvinodikanwa zvazvino neizvo zvinokarirwa zvichasiana. Vamwe vangakuwana kuva kwakakodzera zvikuru kurenda, asi munyika dzakawanda ungano dzakakuwana kuva kunoshanda zvikuru kutenga nzvimbo ndokuvaka Horo yoUmambo yakakodzera kuzvinodikanwa zvavo.
8 Ndiani acharonga? Kupfurikidza nomutariri wenyu wedunhu kana kuti kupfurikidza neSosaiti, vakuru venyu vanofanira kuonana neDare Rokuvaka Romunharaunda renharaunda yenyu apo ungano yenyu inotanga kurangarira kuvakwa kweHoro yoUmambo itsva kana kuti kuvandudzwa kwehoro iripo. Ikoku kunofanira kuitwa musati matenga nzvimbo yokuvaka pairi. Matare omunharaunda ane mashoko noruzivo rwokuzviwanira izvo zvichakubetserai zvikuru. Horo yoUmambo ingatoshandiswa neungano mbiri kana kuti nhatu. Horo itsva inodikanwa here? Rini? Haifaniri kuva nhau yokuti ungano imwe ive nehoro uye kurangarira kuwanwa kwehoro itsva sechinetso cheungano imwe kana kuti dzimwe mbiri dzinosangana muhoro yacho. Panzvimbo pezvo, itiro hanya yavose inofanira kuva yokuti: Chii icho isu tose tinogona kuita kutarisira wedzero huru idzo Jehovha ari kukomborera nadzo sangano rake nhasi?
9 Vakuru kana kuti vamwe vanogadzwa navo vachatanga kutsvaka nzvimbo yokuvaka pairi, asi vose vanogona kusvinurira bviro. Pane dzimwe nguva nzvimbo yakakodzera inopiwa. Sezviri pachena zvakawanda zvinobatanidzwa kupfuura kuwana nzvimbo inopiwa kana kuti kuitenga. Nzvimbo yacho iri murudzii rwenharaunda? Nzvimbo ingava yakachipa muimwe nharaunda, asi kuchava kwakanakisisa kuungano kuvaka horo ikoko here? Mitemo yokushandiswa kwenzvimbo inofanira kurangarirwa uye padzimwe nguva kune ganhuriro dzinova pamwe chete nenzvimbo pamusoro pechinogona kuvakwa panzvimbo yacho. Chii chinodikanwa mukusamisa motokari mumugwagwa? Zvakadiniko nokujenga kwemvura, kuwanika kwemvura nezvimwe zvinhu zvokushandisa? Ungano inofanira kuva nechokwadi chokuti kunobvira kuvaka panzvimbo yacho Horo yoUmambo yorudzi noukuru zvinodikanwa uye kuti kunobvira kuwana huridzi hwakajeka kunzvimbo yacho.
10 Pane dzimwe nguva ungano dzakakuwana kuva kunoshanda kutenga chivako chiripo ndokuchivandudza kuti chikodzere zvinodikanwa zveungano apo dzinenge dzichiwirirana nemitemo yokuvaka. Zvisinei, ivai nechokwadi chokusanonzvera zvivako zvakadaro nezvokushandisa zvirimo.
11 Kuwanira Horo yoUmambo Mari: Gadziriro dzokuwanira mari kupi nokupi kunodikanwa dzinofanira kuitwa pakuvamba. (Ruka 14:28-30) Vakuru vanofanira kuziva kukwanisa kweungano kuripira ndyiko dzinobatanidzwa kupfurikidza nokuita nzvero kuti vazive kuti (1) imarii ichapiwa muchitsama chikuru chinoripirwa kamwe kubatsira nokutengwa kwenzvimbo nendyiko dzokuvaka, (2) imarii inogona kukwereteswa munzvimbomo uye urefu hwenguva iyo mari yacho ichave ichiwanika, uye (3) kuti vaparidzi vanorangarira kupa mari yakawanda sei mwedzi mumwe nomumwe kuti varipire chikwereti chipi nechipi chinodikanwa mukuwedzera kukutarisira ndyiko dzokushanda dzenguva dzose.
12 Sosaiti inokarakadza kuti mutoo unotevera uteverwe nokuda kwokuitwa kwe“nzvero” yadudzwa pamusoro apa: rongai kuti kapepa kapiwe kumuparidzi mumwe nomumwe ari muungano. Kumbirai muparidzi mumwe nomumwe uyo angada kuita saizvozvo kunyora pakapepa kake: (1), (2) uye (3). Parutivi peimwe neimwe yeidzi nhamba muparidzi mumwe nomumwe anofanira kunyora zvakatsvinda mhinduro yake kumibvunzo mitatu iri pamusoro apa. Vaparidzi vanofanira kuyeuka kusaisa zita ravo pautwu tumapeta. Zvisinei, muparidzi mumwe nomumwe anofanira kuchengeta chinyorwa chake amene chomunhu oga chemhinduro dzake kumumwe nomumwe wemibvunzo mitatu. Ikoku kuri madikanwa kuti agochengeta zvipikirwa zvake mukutsigira nemari ndyiko dzeHoro yoUmambo. Vakuru vari muungano yenyu vanofanira kukurukura nhau yokuwanira mari nomutariri wedunhu uyo achanyorera Sosaiti achipa udzame. Ipapo Sosaiti ichanyorerana zvakananga neungano yenyu.
13 Somuenzaniso wezvakaitwa nenzira inobudirira mukuronga nokuda kwezvivako zvokuwedzera nokuwanira mari, ungano nhatu dzakavakidzana murimwe guta muUnited States dzakanga dzabatira pamwe mukuvaka Horo yoUmambo, vazhinjisa vavaparidzi vachiva rutivi rweungano imwe pakuvamba. Kwakaratidzika kuva kune mufungo kuronga nokuda kweHoro yoUmambo murumwe rutivi rweguta, mundima yeimwe yedzimwe ungano. Chii chaigona kuitwa kubatsira iyi ungano?
14 Pamwe chete, vakuru vakanzvera chiverengero chakati chebviro. Pakanga pasina mari yakawanda yaiwanika mumari yeungano yokushandisa somupiro chose chose kuhoro itsva. Asi chikwereti paHoro yoUmambo iripoyi chakanga chodokupedzwa kuripirwa. Vose vakanga vabatsira muna ikoku. Naizvozvo kuregererei kukwereta mari yokuwedzera? Izvozvi ndizvo zvavakaita uye mupiro wakaisvonaka nokudaro wakaitwa kuungano yakanga iri kuita gadziriro dzokuvaka horo itsva. Ikoku kwakachengeta kuripirwa kwechikwereti pahoro itsva kwakaderera kusvikira kumwero uyo ungano yaizoishandisa yaigona kubhadhara. Uye ungano mbiri dzakasara muhoro yokutanga nenzira yokudisa uye nenzira yorudo dzakabhadhara chikwereti chitsva panzvimbo pokungopedza kubhadhara chikwereti chokutanga ndokusanzwazve mutoro wokubetsera nokuwanira Horo yoUmambo mari. Ichi chinoitika chakaita secheungano dzakawanda idzo dziri kutarira mberi nenzira inofambira mberi uye dziri kuronga nokuda kwewedzero yakatsiga munzanga dzadzo.
15 Mune dzimwe nzvimbo, ungano dzakabudirira mukupedza kuripira zvakakwana zvikwereti zvose pahoro dzadzo uye ipapo dzakakwanisa kuvhura akaundi yokubhangi, zvichida akaundi yokuchengetesa mari, ye“mari yokuvaka” uye dzakaisa mipiro ipi neipi yomuraudzo mubhangi, dzichikarira nguva iri mberi apo mari ichadikanwa kuvaka imwe Horo yoUmambo pedyo. Kana kuti, kutozosvikira mari inopiwa nokuda kweiri donzo yava kudikanwa, ungano ingada kuita kuti Sosaiti ishandise mari yakadaro kwechinguvana mukufambisira mberi basa roUmambo kupfurikidza negadziriro yo“mupiro unotsamira pamugariro.”
16 Kuvaka Horo yoUmambo Itsva: Kuronga kuvaka kunofanira kusanofungwa. Kazhinji kazhinji kune mufungo kushandisa mabasa enyanzvi yokunyora purani mukunyora purani nomukushanda namasangano anodzora eguta mukuita kuti purani dzitenderwe. Musati masarudza kuti rudzii rweHoro yoUmambo yamunoda kuvaka, ivai nechokwadi chokuonana neDare renyu Rokuvaka Romunharaunda sezvo vane purani dzakagoverwa neSosaiti senhungamiro. (Onai Hushumiri Hwedu hwoUmambo, December 1993, wedzero, peji 3, ndima 7.)
17 Ndyiko isina chokwadi yebasa racho inogona kufungidzirwa mukuwirirana norudzi rwechivako urwo ungano inoshuva uye inogona kubhadhara. Kushandisa mari nenzira yokuchenjera nguva dzose kunofanira kurangarirwa, asi chivako chakachipa chingadya mari yakawanda kuchengeta pakupedzisira kupfuura kudai yakati wandei yashandiswa kuchiita kuti chive chinogarisa kana kuti chakakura zvakakwana pakuvamba kana kuti kuwana zvishandiso zviri nani zvishomanene. Kunofanirawo kurangarirwa ndiko kusaisa mutoro wezvemari usina mufungo paungano. Tinoda kuti Horo yoUmambo ive inokwezva, asi hahusati huri uchenjeri hunoshanda kushandisa norusununguko kuiita kuti ive yakaisvonaka apo tinenge tichishandisa zvishandiso zvishoma izvo zvinofanira kubatira nenzira yakakwana uye nenzira yokuvimbika vhiki nevhiki. Somuenzaniso, chiedza chakanaka, gudzanzwi, zvinoita kuti mudziye, kupinza mhepo nezvigaro zvinokosha kana avo vanopinda vachizobetserwa zvizere nemisangano.
18 Vakuru vachasarudza dare rokuvaka kuti ritarisire basa rokuvaka, vachigadza mumwe sasachigaro anotsinhanisa. Kunokosha kusarudza hama nokuda kweiri dare idzo dzakava noruzivo rwokuzviwanira rwokuvaka nebhizimisi, kana kuchitongobvira. Zvisarudzowo hazvo pamusoro pokuvaka mutsinhirano nepurani nezvido zveungano zvinogona kuitwa nedare rokuvaka pahwaro hwezuva nezuva. Zvisinei, panofanira kuva nebatira pamwe yakanaka nomutumbi wavakuru, uko dare rokuvaka rinozvidavirira, uye avo vanofanira kubvunzwa. Vakuru vachaita zvisarudzo pachinjo huru dzipi nedzipi dzinorangarirwa kuva dziri madikanwa kana kuti pazvinoitika zvipi nezvipi zvisati zviri zvenguva dzose zvavanofanira kuziva pamusoro pazvo. Kunonzwisisika kuti musiano wakati ungaitika mufungidziro dzapakuvamba sezvo kuvaka kunotanga, nemhaka yemitengo inochinja nezvinetso zvisingadeyi kuonwa.
19 Apo ungano mbiri kana kuti dzinopfuura dzinosarudza kubatira pamwe mukutenga nzvimbo nokuvaka horo, kana kuti kuvandudza chivako chiripo, kunofanira kuva nokusanokurukurwa kunoitwa navakuru vose pamusoro pezvinokarakadzwa uye chibvumirano chinofanira kusvikwa pamusoro porudzi rwechivako, ndyiko dzisina chokwadi, kuwanira mari, uye zvichingodaro. Ungano dzakatsaukana dzinofanira kuziva nenzira yakajeka, kupfurikidza nomutumbi wadzo wavakuru, chinorumbidzwa, kuti chisarudzo chokupedzisira chigogona kuitwa neungano imwe neimwe pahwaro hwamashoko akanaka. Bvumiranowo zvayo yokubatira pamwe pabasa nenzwisiso huru zvinofanira kunyorwa pasi ndokusainwa navakuru vose pashure pokutenderwa neungano dzakatsaukana. Hatigoni kusimbisa zvakanyanyosimba kupfuurezvi kudikanwa kwebatira pamwe yakanaka pakati pemitumbi yavakuru neungano dzinobatanidzwa.
20 Mutumbi wavakuru ungasarudza kuti basa rokuvaka rinogona kuitwa chose chose nehama kana kuti migariro ingaita kuti kuve kune mufungo kuhaya wekondirakiti. Kana kuti zvichida basa rakati rinogona kuitwa nehama, nezvinoiswa zvakati zvichiitwa nevekondirakiti vasingaiti zvose. Uri nyanzvi mune zvokuveza, kuvaka namabwe, kuisa pombi dzemvura kana kuti rimwe ramamwe mabasa here? Kana zvakadaro, sezvingabvira unogona kubetsera zvikuru. Asi haufaniri kuva mushandi ane unyanzvi kuti uzvipire. Kuchava nebasa rakawanda rinofanira kuitwa, zvakadai sokugadzirira nzvimbo yacho, kuunza migove, kuisa zvinhu zvakati, kuchenesa uye zvichingodaro. Uye hanzvadzi dzingazvipira nokuda kwamabasa akareruka zvikuru uye nokuda kwokugadzira zvokudya zvavashandi. Kushandisa zvakanaka nhamburiko dzokuzvipira dzaavo vari muungano nomuungano dzakapoteredza kunotevera muenzaniso wokuvakwa kwetabhernakeri murenje nokuvakwa kwetembere yaSoromoni, apo nyanzvi dzakaisvonaka dzakabva pakati pavanhu vaJehovha dzakashandiswa.—Eks. 35:34, 35; 2 Makor. 2:11-16.
21 Kunoshuviwa kupedza Horo yoUmambo nokukurumidza sezvinobvira kuti irege kudzongonyedza zvisina kufanira basa rokuparidzira. Mutumbi wavakuru unofanira kuva nechokwadi chokuti gadziriro chaidzo dzinoitwa dzamabanza enguva dzose ebasa mumunda. Vamwe vakaganhurirwa mune zvavanogona kuita mubasa rokuvaka vangawana kuti vanogona kuwedzera basa ravo romumunda mukati menguva ino. Ngwariro inofanira kushandiswa, chokwadika, kuti vamwe varege kushanda zvakaoma kwazvo paHoro yoUmambo zvokuti mhuri dzavo dzinoregeredzwa. Rudungwe rwakanaka ruchabatsira muna ikoku kuti fundo yemhuri, misangano uye basa romumunda zvibatanidzwe, kunyange zvazvo zvakati ganhurirwei mukati menhambo yokuvaka. Maawa marefu ebasa rakaoma angadikanwa kupedza basa racho asi Jehovha anokomborera avo vanomubatira nomwoyo wose.—VaK. 3:23, 24.
22 Sezvamunoshanda pamwe chete kuvaka Horo yoUmambo, kuchava nenhambo dzakawanda dzokuratidzira zvibereko zvomudzimu, zvikurukuru rudo, shiviriro, unyoro uye kuzvidzora. (VaG. 5:22, 23) Kazhinji kazhinji kune zvikonzero zvakanaka nei zvinhu zvingasaitwa chaizvoizvo sezvaunofunga kuti zvinofanira kuitwa. Kurangarira ikoku uye kuyeuka kuti kazhinji kazhinji kune inopfuura nzira imwe yokuita nayo zvinhu kuchakubetsera kubatira pamwe naavo vakagadzwa kutarisira basa racho.
23 Apo chivako chinenge chapedzwa, kwakakodzera kuronga purogiramu yetsauriro. Mutumbi wavakuru unogona kusarudza chiri chakakodzera. Kupera kwevhiki kungasarudzwa nokuda kwenhambo yacho. Ungano dzakawanda dzinoronga maawa mashomanene o“kugamuchirwa kwavashanyi,” apo vanhu vari munzanga vanogona kuuya ndokuona chivako chitsva ndokuva vakarovedzana nacho. Ndokwechisarudzo kana kokero dzikatsikirirwa nokuda kwedonzo irori, dzichiratidza purogiramu. Purogiramu dzakatsikirirwa dzingarongwa munzvimbomo, sezvo idzodzi dzisingatsikirirwi neSosaiti. Pamberi pehurukuro pamusoro petsauriro, dzimwe ungano dzinoronga kunzwa zvinoitika zvishomanene pamusoro pokuvakwa kweHoro yoUmambo nenhau yeungano yacho. Kana purogiramu yetsauriro ikaitwa paChitanhatu, gadziriro dzingaitwa dzehurukuro chaiyo paSvondo pamwe chete nefundo yeNharireyomurindi.
24 Kushanda kweHoro yoUmambo: Ndiani ari muridzi weHoro yoUmambo? Zvomenemene hapana ungano imwe inofanira kunzwa kuti ndiyo “muridzi” weHoro yoUmambo. Yakatsaurirwa kukunamatwa kwaJehovha. Ungano inovaka kana kuti inorenda chivako yakaisa mutarisiro yayo chakaronzeswa pamusoro pehoro, uye mutumbi wavakuru une mutoro wokutarisira nenzira yokuchenjera kushanda kweHoro yoUmambo kuti fariro dzoUmambo dzigobatirwa zvakanakisisa.
25 Nzvimbo isati yatengwa, kunorumbidzwa zvakasimba kuti ungano ironge matrustee okuva nohuridzi hwenzvimbo. Matrustee haatarisiri Horo yoUmambo asi vakuru vane mutoro wokutarisira. Hakudikanwi kuti matrustee achinjwe gore negore asi bedzi sezvo ikoku kunova madikanwa nemhaka yokutama, nzufu uye zvichingodaro. (Zvikarakadzo zvinobetsera zvinowanika pakukumbira kuSosaiti tsamba yayo ine musoro unoti “Information Regarding Ownership of Kingdom Halls.”)
26 Muzvinoitika zvakawanda ungano dzinoverengeka dzinoshandisa Horo yoUmambo imwe cheteyo kuti dziwane kushandiswa kwakazara kwenzvimbo yacho nokuchengeta ndyiko dzakaderera. Sosaiti inobata neimwe bedzi yeungano dzacho kana toreva nezvezvikwereti, inishuwarenzi nezvinhu zvakadai, uye iyi ungano kazhinji kazhinji ndiyo ine ndima umo Horo yoUmambo iri. Asi nepo Sosaiti ichinyorerana neungano imwe bedzi uye huridzi hungave muzita reiyi ungano, kutarisirwa kwakadaro kweiyi mitoro yokunyama hakugoveri hwaro hwokuti iyi ungano isarudze iri yoga apo misangano ichaitwa neungano dzose dzinosangana muHoro yoUmambo, kana kuti imwe neimwe inofanira kuripira mari yakawanda sei pachikwereti chipi nechipi nendyiko dzokushanda.
27 Idzi nhau dzinogona sei kusarudzwa nokurangarira kworudo kwavose? Dzimwe ungano dzakakuwana kuva kwakanakisisa, uko dzinopfuura ungano imwe dzinoshandisa horo, kuti vakuru vose vari muungano dzinobatanidzwa vasangane ndokusarudza nhau dzeHoro yoUmambo. Neiyi nzira zvinetso zvinobva mukushaikwa kwekurukurirano kana kuti kumirirwa zvinochengetwa zvakaderera. Nokudaro, kune goverano yavose yechivako chakatsaurirwa kubasa raJehovha uye kune mutoro wavose wokuitarisira zvakanaka. Muiyi gadziriro hakuna ungano imwe inodzora apo dzimwe dzinova “vanorenda”wo zvavo. Kwaizova kwakanaka kuti chibvumirano chakadaro chinyorwe, nekopi yomupakwa weungano imwe neimwe, sezvo vakuru vangatama uye vakuru vanotevera vangasaziva nezvenzwisiso ipi neipi yezvakataurwa.
28 Apo kunenge kune ungano imwe bedzi inosangana muHoro yoUmambo, vakuru vanogona kurangarira dzavanonzwa kuti dzichava nguva dzakanakisisa nokuda kwemisangano ndokupa rumbidzo dzavo kuungano nokuda kwekurukurirano, chinjo inobvira nechisarudzo chokupedzisira (nokuvhota kwavoruzhinji vavaparidzi vakazvitsaurira), vachiita kuti nguva dzacho dzive dzakakodzera sezvinobvira nokuda kwavoruzhinji. Zvisinei, apo dzinopfuura ungano imwe dzinosangana muhoro, mukuwirirana nezvinotaurwa pamusoro apa, vakuru veungano dzose vangada kusangana ndokukurukura zvisarudzo zvenguva dzemisangano ndokuita gadziriro dzakanakisisa nokuda kwavose vanobatanidzwa. Uko kune chisarudzo chinofanira kuitwa munguva dzemisangano, chokwadika, nhau yacho haisati iriwo zvayo yavakuru chete, asi ungano imwe neimwe kuti isarudze.
29 Dzimwe ungano dzinowana kuti kutenderedza nguva dzemisangano, kana kuti kukarakadza kuita saizvozvo gore riri rose kana kuti kupfuura, kwakanaka. Kurukurirano yakanaka nebatira pamwe zvinobetsera kukunzwisisana negutsikano, pasina kunzwa kunotanga kwokuti ungano imwe ine betsero dzakati dzenguva yose. Batira pamwe yakanaka inodikanwawo pamusoro pemisangano mukati meshanyo yomutariri wedu, michato, zvichingodaro.
30 Nenzira yakafanana, vakuru vose vangasangana pakutanga ndokugadza dare ravakuru vane ruzivo nokuda kwokushanda kwezuva nezuva nokuchengetwa kwehoro. Ikoku kuchadzivisa mutumbi wose kana kuti mitumbi yavakuru (kana kune ungano dzinopfuura imwe) kufanira kusangana kazhinji kazhinji kuti vasarudze panhauwo zvadzo dzine chokuita nokushanda kwose hako nokuchengeta, uye kuripirwa kwezvikwereti zvine chokuita naikoko. Nhungamiro dzingagona kugadzwa, zvakadai sepokugumira pamusoro pokuti imari yakawanda sei ingashandiswa pakushanda kwenguva dzose pasina tendero chaiyo.
31 Muiyi gadziriro, kana kune mibvunzo yakaoma kana kuti ndyiko huru dzisingakarirwi, idzodzi dzingagona kunongedzerwa kuboka rose ravakuru nokuda kwechisarudzo. Kana vakuru vachirangarira kuti ndyiko huru ine mufungo, rumbidzo yavo vose ingagona kupiwa kuungano dzakatsaukana, vachiratidzira maidi, kubatanidza ndyiko dzinokarirwa. Ipapo ungano dzingagona kuita chisarudzo chokupedzisira.
32 Ungano imwe neimwe ingagona kugovera chitsama chakabvumiranwa pachiri nguva dzose nokuda kwokushanda kweHoro yoUmambo. Kuti vasvike pana ichochi, vakuru vose vari muungano dzinosangana muhoro vangagona kukurukura pamwe chete chinodikanwa paavhareji mwedzi mumwe nomumwe nokuda kwokuripirwa kwechikwereti nedzimwe ndyiko. Pahwaro hwaikoku, vakuru vari muungano dzakatsaukana vanogona kusarudza kuti irumbidzoi yavachaita kuungano dzavo. Ungano imwe neimwe ipapo ichaita chisarudzo pamusoro pokuti kuripirai kuchaitwa mwedzi mumwe nomumwe. Kana kuri madikanwa, uye kana kuchiratidzika kuva kune mufungo, gadziridzo dzinogona kuitwa muchitsama chinotumirwa kuiyi mari neungano imwe neimwe.
33 Mari ingatarisirwa kupfurikidza neungano inotumira kuripirwa kwechikwereti kuSosaiti, kana kuripira kwakadaro kuri kuitwa. Pepa reakaunzi rakaparadzana ringagona kuchengetwa nokuda kwokushanda kweHoro yoUmambo chete. Uye kana kuchizobatsira nokuchengetwa kwezvinyorwa zveakaunzi, akaundi yebhangi yakaparadzana ingagona kuvhurwa neiyi ungano. Panhambo nenhambo, mishumo pamusoro pokushanda ingagona kuitwa kuvakuru uye gadziriro dzingaitwa dzokunzverwa kunoitwa kamwe pashure pemwedzi mitatu kweakaunzi dzeungano.
34 Horo yoUmambo ndiimwe yegadziriro dzaJehovha dzinotigonesa kusangana pamwe chete. Mibato inofadza neinotusa inorongwa paHoro yoUmambo rutivi rwegadziriro dzeparadhiso yomudzimu yaJehovha. Gadziriro dzacho dziripo kuti vose vagoverane. Asi hakusati kuri kuchenjera kudzirerutsa. Tinofanira kudzionga ndokutarira zvakanaka kukuchengetwa kweHoro yoUmambo. Mambo Dhavhidhi akati: “Ndakafara panguva yavakati kwandiri: ‘Hendei kumba kwaJehovha.’” (Pis. 122:1) Tose zvedu ngatitevedzere Dhavhidhi navamwe vabatiri vakatendeka vekare munzira yavairangarira nayo kuvakwa nokushandiswa kwezvivako zvakatsaurirwa kukunamatwa kwechokwadi kwaJehovha.