Kuzivisa Zvokwadi Zuva Nezuva Mukutevedzera Jesu
1 Jesu akanga ane basa rakananga rokuita apo akauya kupasi. Rakanga rakapfava nenzira inoshamisa: ‘Kupupurira zvokwadi.’ (Joh. 18:37) Iye akazivisa zvokwadi pamusoro pamavara anoshamisa aBaba vake uye zvinangwa. Iri basa rakanga rakafanana nezvokudya kwaari; upenyu hwake hwose hwaitsamira pariri. (Joh. 4:34) Ruka akashuma kuti Jesu akaramba achi“dzidzisa zuva rimwe nerimwe mutembere.” (Ruka 19:47) Jesu akashandisa zvakazara nguva yakanga ichiwanika. (Joh. 9:4) Nokukurumidza rufu rwake rwusati rwasvika, iye akanga achikwanisa kuzivisa Baba vake, kuti: “Ndakakukudzai panyika, ndapedza basa ramakandipa kuti ndiriite.”—Joh. 17:4.
2 Apo mwoyo yedu inozadzwa nokuonga zvose izvo Jehovha akaita, nenzira yakafanana tinonzwa tichimanikidzirwa kutaura pamusoro pake pahwaro hwezuva nezuva. Tinova chaizvo savadzidzi vaJesu avo vakazivisa noushingi, kuti: “Nokuti hatigoni isu kurega kutaura zvatakaona, nezvatakanzwa.” (Mabasa 4:20) Kutaura kwavo pamusoro paJehovha kwakanga kuchipfuurira, nokuti chinyorwa chinotaura kuti “havana kurega . . . mazuva ose.” (Mabasa 5:42) Tinofanira kuzvibvunza timene kuti, ‘Ndiri mutevedzeri woMudzidzisi wangu, Jesu here?’
3 Kuparidza Nokukurumidzira: Jesu akafanotaura kuti apo shoko roUmambo rinenge raziviswa mupasi rose, “ipapo kuguma kuchasvika.” (Mat. 24:14) Ikoku kunofanira kusimbisa patiri ukoshi uye kurumidziro yebasa redu. Noupenyu hwamamiriyoni chaiwoiwo huri mungozi, hatigoni kuwana chimwe chinhu chinokosha zvikuru kana kuti chinobetsera chokuita. Sezvo tsika ino yezvinhu iri kuswedera pedyo nomugumo wayo, nguva yasara yokupedza iri basa yakaderedzwa!
4 Mishumo inoratidza kuti Jehovha ari kukurumidzisa basa rokuunganidza vanhu vakafanana namakwai. (Isa. 60:22) Mumativi akawanda enyika, vanhu vari kudirana chaizvoizvo kuzvokwadi, vachizivisa nomufaro, chaizvoizvo kuti: “Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari unemi”! (Zek. 8:23) Kupfuura nguva ipi neipi yakapfuura, mashoko aJesu ndeechokwadi: “Zvirokwazvo kucheka kukuru, asi vabati vashoma. . . . Kumbirai kunaShe wokucheka kuti abudise vabati pakucheka kwake.” (Mat. 9:37, 38) Ikoko hakutikurudziri kuva vanoshingaira savadzidzi vaJesu avo “vakarambira mutembere, vachirumbidza Mwari” here?—Ruka 24:53.
5 Zivisa Zvokwadi Zuva Nezuva: Zuva riri rose, tinofanira kutsvaka nzira dzokupa nadzo zvokwadi kuvamwe. Mikana inowanika nyore nyore. Ungagona kushandisa maminiti mashomanene kuridzira shamwari runhare kana kuti muzivikanwi waunorangarira kuti angagamuchira here? Kana kuti zvakadiniko nokunyora tsamba kune mumwe munhu wausina kukwanisa kuwana pamusha? Wakafunga nezvokugovera turakiti kumutengesi womuchitoro apo unoenda kunotenga here? Pasina panikiro, unogona kufunga nezvemimwe mikana yakawanda yaunayo zuva rimwe nerimwe yokugoverana tariro yako navamwe. Kana ukaita nhamburiko ndokuratidzira ushingi hushoma, Jehovha achakubetsera.—1 VaT. 2:2.
6 Naizvozvo, sezvo tinovamba mibato yezuva rimwe nerimwe, tinofanira kuzvibvunza timene kuti, ‘Ndichatanga kugoverana tariro yangu nomumwe munhu kana mukana ukamuka nhasi here?’ Tevedzera chimiro chendangariro chaJesu, uyo akatsanangura chikonzero nei akatumwa kupasi: “Ndinofanira kuparidzira mamwe magutawo Evhangeri youshe hwaMwari.”—Ruka 4:43.