Rwiyo 133
Kudyara Mbeu yoUmambo
1. Huyai, imi varanda vaMwari
Makamupa mwoyo yenyu.
Huyai kubasa ramakapiwa;
Fambai munzira dzaShe.
Paradzirai mbeu dzezvokwadi
Paivhu rinobereka
Michero yerumbidzo, mukashanda
Muchigoverana mumunda.
2. Dzimwe mbeu dzingawira panzira,
“Shiri” dzaSatani dzodya;
Dzimwe dzowira parukangarabwe,
Ndokuoma nokupiswa.
Funganyo, ruchiva, minzwa yovhunga
Mbeu dzisati dzakura.
Zvisinei dzimwe mbeu dzowira
Pavhu kwaro rakanakisa.
3. Kuwira kwembeu paivhu kwaro
Kunotsamira pauri.
Neshiviro, norudo, dzinga “shiri,”
Nokuderedza dambudzo.
Nokusvinurira dzivisa minzwa,
Nounyoro noushingi.
Nomufaro tokarira kukohwa
Zvizhinji kana zvinezana.