Rwiyo 72
Mifaro Nezvibereko Zvebasa Roumambo
1. M’basa raMwari wedu Jehovha,
Tine m’faro mukuru kwazvo,
Nokuti toparidza mashoko
Kuti vamwewo vanyaradzwe.
Ndozvakatisimbisira Jesu:
Kupa kune m’faro mukuru.
Chiizve chatingagona kupa
Chopfu’ra zvokwadi yopa upenyu.
2. Nyange mubasa rapamba nemba
Tinosangana nokusekwa,
Tinochengeta kurunda kwedu
Pamwe nokuperera kwedu.
Tikasangana nechitambudzo
Chokutsigira zita raJa,
Jesu akati farai kwazvo,
Vaporofita vakatamburawo.
3. Basa rinoyera rinofadza
Zvatofamba m’nzira dzaJesu;
Tichivanyevera vakaipa
Ndokukudza Jehovha Mwari!
Tounza tariro kuvanoda
Nyika isimborina chivi.
Izvi zvinotipa gutsika no,
Hungu, muupenyu husingagumi.