Rwiyo 87
Tava Nyama Imwe
Rakaprindwa
1. Pfupa ramapfupa angu,
Nyama yangu; handisi ndoga.
Mwari andipa shamwari,
Wokutiwo wangu.
Tava mumwe; tava kuva
Sezvatakasikirwa naShe.
Somurume nomukadzi,
Zvino tava mhuri.
Tichashumira Mwari wedu.
Ticharatidza
Rudo sezvaanoda.
Sezvatakatsidzirana,
Tidanane kuti tifare.
Ngatikudzei Jehovha
Urambewo uri wangu.
(Onawo Gen. 29:18; Mup. 4:9, 10; 1 VaK. 13:8.)