Misoro yeBhaibheri Yokukurukurirana
1. Amagedhoni
A. Hondo yaMwari yokugumisa uipi
Marudzi anounganidzirwa kuAmagedhoni. Zva 16:14, 16
Mwari anorwa, achishandisa Mwanakomana nengirozi. 2VaT 1:6-9; Zva 19:11-16
Maponero atingaita. Zef 2:2, 3; Zva 7:14
B. Rudo rwaMwari harushatiswi
Nyika yanyanya kuora. 2Ti 3:1-5
Mwari anoshivirira, asi kururamisira kunoda kuti chimwe chinhu chiitwe. 2Pe 3:9, 15; Ru 18:7, 8
Vakaipa vanofanira kubva kuti vakarurama vabudirire. Zvi 21:18; Zva 11:18
2. Bhaibheri
A. Shoko raMwari rakafuridzirwa
Mudzimu waMwari ndiwo wakaita kuti vanhu vanyore. 2Pe 1:20, 21
Rine uprofita: Dha 8:5, 6, 20-22; Ru 21:5, 6, 20-22; Isa 45:1-4
Bhaibheri rose rakafuridzirwa uye rinobatsira. 2Ti 3:16, 17; VaR 15:4
B. Inhungamiro inoshanda nokuda kwezuva redu
Kusateerera nheyo dzeBhaibheri kunourayisa. VaR 1:28-32
Haritsiviwi nouchenjeri hwomunhu. 1VaK 1:21, 25; 1Ti 6:20
Idziviriro pamuvengi akasimba kupfuura vose. VaE 6:11, 12, 17
Rinotungamirira munhu munzira yakarurama. Pis 119:105; 2Pe 1:19; Zvi 3:5, 6
C. Rakanyorerwa vanhu vemarudzi ose nemadzinza ose
Kunyorwa kweBhaibheri kwakatangira kuMabvazuva. Eks 17:14; 24:12, 16; 34:27
Gadziriro yaMwari haisi yeVarungu chete. VaR 10:11-13; VaG 3:28
Mwari anogamuchira vanhu vemarudzi ose. Mab 10:34, 35; VaR 5:18; Zva 7:9, 10
3. Chechi
A. Chechi yomudzimu, yakavakirwa pana Kristu
Mwari haagari mutemberi dzakavakwa nevanhu. Mab 17:24, 25; 7:48
Chechi yechokwadi itemberi yomudzimu yematombo mapenyu. 1Pe 2:5, 6
Kristu, dombo repakona; vaapostora, nheyo yechipiri. VaE 2:20
Mwari anofanira kunamatwa nomudzimu nechokwadi. Joh 4:24
B. Chechi haina kuvakirwa pana Petro
Jesu haana kuti chechi yakavakirwa pana Petro. Mt 16:18
Jesu akanzi ndiye “dombo guru.” 1VaK 10:4
Petro akati Jesu ndiye nheyo. 1Pe 2:4, 6-8; Mab 4:8-12
4. Chitendero
A. Kune chitendero chimwe chete chechokwadi
Tariro imwe, kutenda kumwe, rubhabhatidzo rumwe. VaE 4:5, 13
Chakapiwa basa rokuita kuti vanhu vave vadzidzi. Mt 28:19; Mab 8:12; 14:21
Chinozivikanwa nezvibereko zvacho. Mt 7:19, 20; Ru 6:43, 44; Joh 15:8
Rudo, kubvumirana kwenhengo dzacho. Joh 13:35; 1VaK 1:10; 1Jo 4:20
B. Dzidziso yenhema inoshorwa zvakakodzera
Jesu akashora dzidziso yenhema. Mt 23:15, 23, 24; 15:4-9
Akaita saizvozvo kuti adzivirire vakapofumadzwa. Mt 15:14
Chokwadi chakavasunungura kuti vave vadzidzi vaJesu. Joh 8:31, 32
C. Kuchinja chitendero chako kunokosha kana ukaratidzwa
kuti hachina kururama
Chokwadi chinosunungura; chinoratidza vakawanda kuti havana kururama. Joh 8:31, 32
VaIsraeri, vamwe, vakasiya kunamata kwepakutanga. Jos 24:15; 2Mad 5:17
VaKristu vepakutanga vakachinja kufunga kwavo. VaG 1:13, 14; Mab 3:17, 19
Pauro akachinja chitendero chake. Mab 26:4-6
Nyika yose yakanyengedzwa; unofanira kugadziridza pfungwa dzako. Zva 12:9; VaR 12:2
D. Zvinoita se“zvakanaka zviri muzvitendero zvose” hazvivimbisi
kuwana nyasha dzaMwari
Mwari anogadza zvinodiwa pakunamata. Joh 4:23, 24; Jak 1:27
Hachina kunaka kana chisina kuita sezvinodiwa naMwari. VaR 10:2, 3
“Mabasa akanaka” anogona kurambwa. Mt 7:21-23
Chinozivikanwa nezvibereko zvacho. Mt 7:20
5. Chivi
A. Chinonzi chivi
Kuputsa mutemo waMwari, zvaanoda zvakakwana. 1Jo 3:4; 5:17
Munhu, sechisikwa chaMwari, anozvidavirira kwaari. VaR 14:12; 2:12-15
Mutemo wakatsanangura chivi, wakaita kuti munhu azive nezvacho. VaG 3:19; VaR 3:20
Vose vane chivi, havasviki pane zvinhu zvakakwana zvinodiwa naMwari. VaR 3:23; Pis 51:5
B. Chikonzero nei vose vakatambura nechivi chaAdhamu
Adhamu akapfuuridzira kusakwana, rufu kuvose. VaR 5:12, 18
Mwari akanga aine ngoni mukushivirira vanhu. Pis 103:8, 10, 14, 17
Chibayiro chaJesu chinoyananisira zvivi. 1Jo 2:2
Chivi nemamwe mabasa ose aDhiyabhorosi zvichabviswa. 1Jo 3:8
C. Muchero wakarambidzwa wakanga uri kusateerera,
kwete kurara pamwe chete
Muti wakarambidzwa Evha asati asikwa. Ge 2:17, 18
Adhamu naEvha vakaudzwa kuti vave nevana. Ge 1:28
Vana havasi mugumisiro wechivi, asi chikomborero chaMwari. Pis 127:3-5
Evha akaita chivi murume asipo; akamhanyira mberi. Ge 3:6; 1Ti 2:11-14
Adhamu, somusoro, akapandukira mutemo waMwari. VaR 5:12, 19
D. Chinonzi chivi chokutadzira mudzimu mutsvene (Mt 12:32; Mk 3:28, 29)
Hachisi chivi chakagarwa nhaka. VaR 5:8, 12, 18; 1Jo 5:17
Munhu angashungurudza mudzimu, asi ozogadziridza. VaE 4:30; Jak 5:19, 20
Kuva netsika yokuita chivi noune kunotungamirira kurufu. 1Jo 3:6-9
Mwari anotonga vakadaro, anobvisa mudzimu wake. VaH 6:4-8
Hatifaniri kunyengeterera vasingapfidzi vakadaro. 1Jo 5:16, 17
6. Denga
A. Vane 144 000 chete ndivo vanoenda kudenga
Vashoma; vachava madzimambo pamwe naKristu. Zva 5:9, 10; 20:4
Jesu akanga ari wokutanga; vamwe vave vachisarudzwa kubvira ipapo. VaK 1:18; 1Pe 2:21
Vamwe vazhinji vachagara panyika. Pis 72:8; Zva 21:3, 4
Vane 144 000 vane nzvimbo chaiyo isina vamwe. Zva 14:1, 3; 7:4, 9
7. Dhiyabhorosi, Madhimoni
A. Dhiyabhorosi munhu womudzimu
Haasi uipi huri mukati momunhu asi munhu womudzimu. 2Ti 2:26
Dhiyabhorosi munhu akangoitawo sengirozi. Mt 4:1, 11; Job 1:6
Akazviita Dhiyabhorosi kupfurikidza noruchiva. Jak 1:13-15
B. Dhiyabhorosi ndiye mutongi asingaoneki wenyika
Nyika inodzorwa naye samwari. 2VaK 4:4; 1Jo 5:19; Zva 12:9
Akabvumirwa kuti arambe aripo kusvikira nyaya yagadziriswa. Eks 9:16; Joh 12:31
Achaiswa mugomba rakadzikadzika, ozoparadzwa. Zva 20:2, 3, 10
C. Madhimoni ingirozi dzakapanduka
Akabatana naSatani Mafashamo asati auya. Ge 6:1, 2; 1Pe 3:19, 20
Akaderedzwa, akabvisirwa kuvhenekerwa kwose. 2Pe 2:4; Jud 6
Anorwisa Mwari, anodzvinyirira vanhu. Ru 8:27-29; Zva 16:13, 14
Achaparadzwa pamwe chete naSatani. Mt 25:41; Ru 8:31; Zva 20:2, 3, 10
8. Hero (Hadhesi, Sheori)
A. Haisi nzvimbo chaiyo yokurwadziswa nomoto
Jobho aitambura akanyengeterera kuenda ikoko. Job 14:13
Nzvimbo isingaitwi basa. Pis 6:5; Mup 9:10; Isa 38:18, 19
Jesu akamutswa kubva muguva, hero. Mab 2:27, 31, 32; Pis 16:10
Hero ichabudisa vamwe vakafa, ichaparadzwa. Zva 20:13, 14
B. Moto chiratidzo chokutsakatisa
Kuparadzwa zvachose kunoratidzirwa nomoto. Mt 25:41, 46; 13:30
Vakaipa vasingapfidzi vachaparadzwa nokusingaperi sokunge kuti vaparadzwa nomoto. VaH 10:26, 27
“Kurwadziswa” nomoto kwaSatani rufu rusingaperi. Zva 20:10, 14, 15
C. Nyaya yomupfumi naRazaro haisi uchapupu
hwokurwadziswa kusingagumi
Moto hausi chinhu chaicho kungofanana nechipfuva chaAbrahamu. Ru 16:22-24
Nyasha dzaAbrahamu dzinosiyaniswawo nerima. Mt 8:11, 12
Kuparadzwa kweBhabhironi kunonzi kurwadziswa nomoto. Zva 18:8-10, 21
9. Jehovha, Mwari
A. Zita raMwari
Shoko rokuti “Mwari” harina kujeka; Ishe wedu ane zita rake oga. 1VaK 8:5, 6
Tinonyengeterera zita rake kuti ritsveneswe. Mt 6:9, 10
Jehovha ndiro zita raMwari. Pis 83:18; Eks 6:2, 3; 3:15; Isa 42:8
Zita racho riri muKJ. Eks 6:3 (mashoko omuzasi ari muDy). Pis 83:18; Isa 12:2; 26:4
Jesu akazivisa zita racho. Joh 17:6, 26; 5:43; 12:12, 13, 28
B. Kuvapo kwaMwari
Hazviiti kuona Mwari worarama. Eks 33:20; Joh 1:18; 1Jo 4:12
Haufaniri kuona Mwari kuti utende. VaH 11:1; VaR 8:24, 25; 10:17
Mwari anozivikanwa nemabasa ake anooneka. VaR 1:20; Pis 19:1, 2
Kuzadzika kwouprofita kunoratidza kuvapo kwaMwari. Isa 46:8-11
C. NdiMwari worudzii
Mwari rudo. 1Jo 4:8, 16; Eks 34:6; 2VaK 13:11; Mik 7:18
Ane uchenjeri kupfuura vamwe vose. Job 12:13; VaR 11:33; 1VaK 2:7
Akarurama, anoruramisira. Dhe 32:4; Pis 37:28
Ndiye wemasimbaose, ane simba rose. Job 37:23; Zva 7:12; 4:11
D. Havasi vose vari kushumira Mwari mumwe
Nzira inooneka seyakanaka haigari yakanaka. Zvi 16:25; Mt 7:21
Migwagwa miviri, mumwe chete ndiwo unoenda kuupenyu. Mt 7:13, 14; Dhe 30:19
Vanamwari vakawanda asi kuna Mwari mumwe chete wechokwadi. 1VaK 8:5, 6; Pis 82:1
Kuziva Mwari wechokwadi kunokosha nokuda kwoupenyu. Joh 17:3; 1Jo 5:20
10. Jesu
A. Jesu Mwanakomana waMwari uye Mambo akagadzwa
Dangwe raMwari, rakashandiswa kusika zvimwe zvinhu zvose. Zva 3:14; VaK 1:15-17
Akaitwa munhu akaberekwa nomukadzi, akaderera kungirozi. VaG 4:4; VaH 2:9
Akaberekwa nomudzimu waMwari, aine chinangwa chokudenga. Mt 3:16, 17
Akakwidziridzwa kwazvo kupfuura zvaaiva asati ava munhu. VaF 2:9, 10
B. Kutenda Jesu Kristu kunokosha kuti tiponeswe
Kristu ndiye Mwana akapikirwa waAbrahamu. Ge 22:18; VaG 3:16
Jesu ndiye Mupristi Mukuru chete, rudzikinuro. 1Jo 2:1, 2; VaH 7:25, 26; Mt 20:28
Upenyu hunowanika nokuziva Mwari naKristu, kuteerera. Joh 17:3; Mab 4:12
C. Zvinopfuura kutenda muna Kristu zvinodiwa
Kutenda kunofanira kuva pamwe chete nemabasa. Jak 2:17-26; 1:22-25
Tinofanira kuteerera mirayiro, kuita basa raakaita. Joh 14:12, 15; 1Jo 2:3
Havasi vose vanoshandisa zita raShe vachapinda muUmambo. Mt 7:21-23
11. Kudzoka kwaKristu
A. Kudzoka kwacho hakuonekwi nevanhu
Akaudza vadzidzi kuti nyika yaisazomuonazve. Joh 14:19
Vadzidzi chete ndivo vakamuona achikwira; achadzoka zvakafanana. Mab 1:6, 10, 11
Kudenga, mudzimu usingaoneki. 1Ti 6:14-16; VaH 1:3
Anodzoka musimba roUmambo hwokudenga. Dha 7:13, 14
B. Kunozivikanwa nezvinoitika zvinooneka
Vadzidzi vakakumbira chiratidzo chokuvapo. Mt 24:3
VaKristu vano“ona” kuvapo nokushandisa kunzwisisa. VaE 1:18
Zviitiko zvakawanda zvinoumba uchapupu hwokuvapo. Ru 21:10, 11
Vavengi vacha“ona” kuparadza pakunouya. Zva 1:7
12. Kumuka
A. Tariro yevakafa
Vose vari mumakuva vachamutswa. Joh 5:28, 29
Kumuka kwaJesu ivimbiso. 1VaK 15:20-22; Mab 17:31
Vanotadzira mudzimu havazomuki. Mt 12:31, 32
Vaya vanotenda vanovimbiswa kuti vachamuka. Joh 11:25
B. Kumukira upenyu hwokudenga kana kuti hwepano panyika
Vose vanofa nemhaka yaAdhamu; vanowana upenyu nokuna Jesu. 1VaK 15:20-22; VaR 5:19
Musiyano uripo pane vaya vachamutswa. 1VaK 15:40, 42, 44
Vaya vanenge vaina Jesu vachafanana naye. 1VaK 15:49; VaF 3:20, 21
Vaya vasingatongi vachava pasi pano. Zva 20:4b, 5, 13; 21:3, 4
13. Kunamata Madzitateguru
A. Kunamata madzitateguru hakubatsiri
Madzitateguru akafa, haana chaanoziva. Mup 9:5, 10
Madzitateguru okutanga haafaniri kunamatwa. VaR 5:12, 14; 1Ti 2:14
Mwari anorambidza kunamata kwakadaro. Eks 34:14; Mt 4:10
B. Vanhu vangakudzwa, asi Mwari bedzi ndiye anonamatwa
Vaduku vanofanira kukudza vanhu vakura. 1Ti 5:1, 2, 17; VaE 6:1-3
Asi Mwari oga ndiye anofanira kunamatwa. Mab 10:25, 26; Zva 22:8, 9
14. Kunamatwa kwaMariya
A. Mariya ndiamai vaJesu, kwete “amai vaMwari”
Mwari haana paakatangira. Pis 90:2; 1Ti 1:17
Mariya akanga ari amai voMwanakomana waMwari, paaiva munhu pano panyika. Ru 1:35
B. Mariya haana “kuramba ari mhandara”
Akaroorwa naJosefa. Mt 1:19, 20, 24, 25
Akava nevamwe vana kunze kwaJesu. Mt 13:55, 56; Ru 8:19-21
Ava panguva iyoyo vakanga vasiri ‘hama dzake dzomudzimu.’ Joh 7:3, 5
15. Kuponeswa
A. Kuponeswa kunobva kuna Mwari pachishandiswa chibayiro chorudzikinuro chaJesu
Upenyu chipo chaMwari nokuMwanakomana wake. 1Jo 4:9, 14; VaR 6:23
Kuponeswa kunobvira bedzi pachishandiswa chibayiro chaJesu. Mab 4:12
Hakuna mabasa angaitwa pa“rupfidzo runoitwa munhu ava kufa.” Jak 2:14, 26
Tinofanira kushanda nesimba kuti tikuwane. Ru 13:23, 24; 1Ti 4:10
B. Zviya zvokuti “kana wangoponeswa chete, waponeswa zvachose” hazviwaniki muMagwaro
Vanogoverana mudzimu mutsvene vanogona kuwa. VaH 6:4, 6; 1VaK 9:27
VaIsraeri vakawanda vakaparadzwa kunyange zvazvo vakaponeswa muIjipiti. Jud 5
Kuponeswa hakungoerekani kwaitika. VaF 2:12; 3:12-14; Mt 10:22
Vanodzokera shure vakaipa kwazvo kupfuura pakutanga. 2Pe 2:20, 21
C. Zviya zvokuti kune “kuponeswa kwavose” hazviwaniki muMagwaro
Hazviiti kuti vamwe vapfidze. VaH 6:4-6
Mwari haafariri rufu rwevakaipa. Eze 33:11; 18:32
Asi rudo harugoni kupembedza kusarurama. VaH 1:9
Vakaipa vachaparadzwa. VaH 10:26-29; Zva 20:7-15
16. Kuporesa, Ndimi
A. Kuporesa kwomudzimu kunobatsira zvechigarire
Kurwara mumudzimu kunoparadzisa. Isa 1:4-6; 6:10; Ho 4:6
Kuporesa mumudzimu ndiro basa rinokosha. Joh 6:63; Ru 4:18
Kunobvisa zvivi; kunopa mufaro, upenyu. Jak 5:19, 20; Zva 7:14-17
B. Umambo hwaMwari huchaunza kurapwa kwokunyama kwechigarire
Jesu akarapa undonda, akaparidza zvikomborero zvoUmambo. Mt 4:23
Umambo hwakapikirwa senzira ichaita kuti pave nokurapwa kwechigarire. Mt 6:10; Isa 9:7
Kunyange rufu ruchabviswa. 1VaK 15:25, 26; Zva 21:4; 20:14
C. Kuporesa kwokutenda kwanhasi hakuna uchapupu hwokutendera kwaMwari
Vadzidzi havana kuzviporesa nezvishamiso. 2VaK 12:7-9; 1Ti 5:23
Zvipo zvinoshamisa zvakaguma pashure penguva yevaapostora. 1VaK 13:8-11
Kuporesa hakusi uchapupu hwechokwadi hwokuwana nyasha dzaMwari. Mt 7:22, 23; 2VaT 2:9-11
D. Kutaura nendimi kwaiva gadziriro yenguva pfupi
Kwaiva chiratidzo; zvipo zvikuru zvaifanira kutsvakwa. 1VaK 14:22; 12:30, 31
Zvipo zvinoshamisa zvomudzimu zvakafanotaurwa kuti zvaizopfuura. 1VaK 13:8-10
Mabasa anoshamisa haasi uchapupu hwechokwadi hwokuwana nyasha dzaMwari. Mt 7:22, 23; 24:24
17. Kupupurira
A. VaKristu vose vanofanira kupupura, kuzivisa mashoko akanaka
Vanofanira kubvuma Jesu pamberi pevanhu kuti vatenderwe. Mt 10:32
Vanofanira kuva vaiti veShoko, vachiratidza kutenda. Jak 1:22-24; 2:24
Vatsvawo, vanofanira kuva vadzidzisi. Mt 28:19, 20
Kuzivisa pachena kunounza ruponeso. VaR 10:10
B. Kudiwa kwokushanya tashanyazve, kupupurira kunopfuurira
Nyevero yomugumo inofanira kupiwa. Mt 24:14
Jeremiya akazivisa nezvomugumo weJerusarema kwemakore. Jer 25:3
Kufanana nevaKristu vepakutanga, hatingaregi. Mab 4:18-20; 5:28, 29
C. Tinofanira kupupurira kuti tisave nemhosva yeropa
Tinofanira kunyevera nezvomugumo wave kusvika. Eze 33:7; Mt 24:14
Kusadaro kunounza mhosva yeropa. Eze 33:8, 9; 3:18, 19
Pauro haana kuva nemhosva yeropa; akataura chokwadi chizere. Mab 20:26, 27; 1VaK 9:16
Kunoponesa vose, chapupu neanonzwa. 1Ti 4:16; 1VaK 9:22
18. Kurangaridza, Misa
A. Kuyeukwa Kwokudya kwaShe Kwemanheru
Kunochengetwa kamwe pagore pamusi wePaseka. Ru 22:1, 17-20; Eks 12:14
Kunoyeuchidza rufu rwaKristu rwechibayiro. 1VaK 11:26; Mt 26:28
Vaya vane tariro yokudenga ndivo vanodya. Ru 22:29, 30; 12:32, 37
Mazivire anoita munhu kuti ane tariro yakadaro. VaR 8:15-17
B. Misa haitenderwi nemagwaro
Kuti zvivi zvikanganwirwe panofanira kuteurwa ropa. VaH 9:22
Kristu ndiye Murevereri chete wesungano itsva. 1Ti 2:5, 6; Joh 14:6
Kristu ari kudenga; haana kuburutswa pasi pano nomupristi. Mab 3:20, 21
Hapana chikonzero chokudzokorora chibayiro chaKristu. VaH 9:24-26; 10:11-14
19. Kuroorana
A. Mubatanidzwa wevakaroorana unofanira kukudzwa
Unofananidzwa naKristu nomwenga. VaE 5:22, 23
Mubhedha wevakaroorana haufaniri kusvibiswa. VaH 13:4
Vakaroorana vanorayirwa kusaparadzana. 1VaK 7:10-16
Por·neiʹa ndicho chikonzero choga chomuMagwaro chokurambana. Mt 19:9
B. Nheyo youmusoro inofanira kuremekedzwa nevaKristu
Murume somusoro anofanira kuda, kutarisira mhuri. VaE 5:23-31
Mudzimai, anozviisa pasi, anoda, anoteerera murume. 1Pe 3:1-7; VaE 5:22
Vana vanofanira kuteerera. VaE 6:1-3; VaK 3:20
C. Mutoro wevabereki vechiKristu pavana
Vanofanira kuratidza rudo, kupa nguva, kuva nehanya. Tit 2:4
Musavanetsa. VaK 3:21
Vapei zvinodiwa, muchibatanidza zvinhu zvomudzimu. 2VaK 12:14; 1Ti 5:8
Varovedzei nokuda kwoupenyu. VaE 6:4; Zvi 22:6, 15; 23:13, 14
D. VaKristu vanofanira kuroora vaKristu chete
Roorai “munaShe” chete 1VaK 7:39; Dhe 7:3, 4; Ne 13:26
E. Barika haritenderwi neMagwaro
Kubvira pakutanga murume aifanira kuva nomudzimai mumwe chete. Ge 2:18, 22-25
Jesu akadzorera zvazvakanga zvakaita pakutanga nokuda kwevaKristu. Mt 19:3-9
VaKristu vepakutanga vaisaita barika. 1VaK 7:2, 12-16; VaE 5:28-31
20. Kushorwa, Kutambudzwa
A. Chikonzero nei vaKristu vachishorwa
Jesu akavengwa, akafanotaura nezvokushorwa. Joh 15:18-20; Mt 10:22
Kuomerera panheyo dzakarurama kunopa nyika mhosva. 1Pe 4:1, 4, 12, 13
Satani, mwari wegadziriro ino, anoshora Umambo. 2VaK 4:4; 1Pe 5:8
MuKristu haatyi, Mwari anotsigira. VaR 8:38, 39; Jak 4:8
B. Mudzimai haafaniri kubvumira murume kuti amuparadzanise naMwari
Akafanonyeverwa; vamwe vangamunyengera. Mt 10:34-38; Mab 28:22
Anofanira kuvimba naMwari naKristu. Joh 6:68; 17:3
Nokutendeka angamuponesawo. 1VaK 7:16; 1Pe 3:1-6
Murume musoro, asi haafaniri kutonga pane zvokunamata. 1VaK 11:3; Mab 5:29
C. Murume haafaniri kubvumira mudzimai kuti amudzivise
kushumira Mwari
Anofanira kuda mudzimai nemhuri, uye kuda kuti vawane upenyu. 1VaK 7:16
Ane mutoro wokusarudza, kugovera. 1VaK 11:3; 1Ti 5:8
Mwari anoda murume anotsigira chokwadi. Jak 1:12; 5:10, 11
Kungobvuma zvinhu kuti pave norugare kunoita kuti asawana nyasha dzaMwari. VaH 10:38
Anotungamirira mhuri kumufaro munyika itsva. Zva 21:3, 4
21. Kusika
A. Kunobvumirana nesayenzi yechokwadi; hakubvumirani nemhindumupindu
Sayenzi inobvumirana nokutevedzana kwokusika. Ge 1:11, 12, 21, 24, 25
Mutemo waMwari we“marudzi” ndowechokwadi. Ge 1:11, 12; Jak 3:12
B. Mazuva okusika haasi mazuva emaawa 24
“Zuva” ringareva urefu hwenguva chete. Ge 2:4
Kuna Mwari zuva ringava nguva refu. Pis 90:4; 2Pe 3:8
22. Kutemerwa Mugumo
A. Munhu haana kutemerwa mugumo
Chinangwa chaMwari ndechechokwadi. Isa 55:11; Ge 1:28
Munhu mumwe nomumwe akapiwa chisarudzo chokushumira Mwari. Joh 3:16; VaF 2:12
23. Kutenda Kunobatanidza Zvitendero Zvakasiyana
A. Kubatana nezvimwe zvitendero haisi nzira yaMwari
Kunongova nenzira imwe chete, yakatetepa, inowanikwa nevashoma. VaE 4:4-6; Mt 7:13, 14
Tinonyeverwa kuti dzidziso yenhema inosvibisa. Mt 16:6, 12; VaG 5:9
Tinorayirwa kuva vakaparadzana. 2Ti 3:5; 2VaK 6:14-17; Zva 18:4
B. Kuti “zvitendero zvose zvakanaka” hachisi chokwadi
Zvimwe zvinoshingaira asi kwete maererano naMwari. VaR 10:2, 3
Uipi hunoshatisa zvimwewo zvingave zvakanaka. 1VaK 5:6; Mt 7:15-17
Vadzidzisi venhema vanounza kuparadzwa. 2Pe 2:1; Mt 12:30; 15:14
Kunamata kwakachena kunoda kuzvipira kwakakwana. Dhe 6:5, 14, 15
24. Kuverengwa Kwenguva
A. 1914 (C.E.) anogumisa Nguva dzeVahedheni
Dzinza revatongi voumambo rakadzongonyedzwa, 607 B.C.E. Eze 21:25-27
“Nguva nomwe” dzaizopfuura kusvikira kutonga kwadzorerwa. Dha 4:32, 16, 17
Nomwe = nguva dzine 2 × 3 1⁄2, kana kuti mazuva 2 × 1 260. Zva 12:6, 14; 11:2, 3
Zuva rinomirira gore. [Zvinoita makore 2 520] Eze 4:6; Nu 14:34
Dzaizopfuurira kusvikira pakugadzwa kwoUmambo. Ru 21:24; Dha 7:13, 14
25. Mazororo, Mazuva Okuberekwa
A. Mazuva Okuberekwa, Krisimasi, hazvina kuchengetwa nevaKristu vepakutanga
Zvaichengetwa nevasiri vanamati vechokwadi. Ge 40:20; Mt 14:6
Zuva rakafa Jesu rinofanira kuchengetwa. Ru 22:19, 20; 1VaK 11:25, 26
Kuita mitambo yemafaro akanyanyisa hakuna kufanira. VaR 13:13; VaG 5:21; 1Pe 4:3
26. Mazuva Okupedzisira
A. Zvinorehwa no“kuguma kwenyika”
Kupera kwegadziriro yezvinhu. Mt 24:3; 2Pe 3:5-7; Mk 13:4
Hakusi kuguma kwenyika ino, asi kwegadziriro yakaipa. 1Jo 2:17
Nguva yokuguma inotangira kuparadzwa. Mt 24:14
Kupona kwevakarurama; nyika itsva yotevera. 2Pe 2:9; Zva 7:14-17
B. Kudiwa kwokungwarira zviratidzo zvemazuva okupedzisira
Zviratidzo zvakapiwa naMwari kuti titungamirirwe. 2Ti 3:1-5; 1VaT 5:1-4
Nyika iri kutadza kuziva kukomba kwacho. 2Pe 3:3, 4, 7; Mt 24:39
Mwari haanonoki, asi anonyevera. 2Pe 3:9
Mubayiro wokuva vakamuka, vane hanya. Ru 21:34-36
27. Mifananidzo
A. Kushandisa mifananidzo, zvidhori, mukunamata kuzvidza Mwari
Hazviiti kugadzira mufananidzo waMwari. 1Jo 4:12; Isa 40:18; 46:5; Mab 17:29
VaKristu vanonyeverwa nezvemifananidzo. 1VaK 10:14; 1Jo 5:21
Mwari anofanira kunamatwa nomudzimu nechokwadi. Joh 4:24
B. Kunamata mifananidzo kwakaurayisa rudzi rwaIsraeri
VaJudha vakarambidzwa kunamata mifananidzo. Eks 20:4, 5
Hainzwi, haitauri; vanoigadzira vachafanana nayo. Pis 115:4-8
Kwakaunza musungo, kuparadzwa. Pis 106:36, 40-42; Jer 22:8, 9
C. Kunamata “kusina kukwana” hakubvumirwi
Mwari akaramba kubvumira kunamatwa “kusina kukwana.” Isa 42:8
Mwari ndiye bedzi “Munzwi womunyengetero.” Pis 65:1, 2
28. Muchinjikwa
A. Jesu akaturikwa padanda rokuurayira soruzvidzo
Jesu akaturikwa padanda rokuurayira kana kuti pamuti. Mab 5:30; 10:39; VaG 3:13
VaKristu vanofanira kutakura danda soruzvidzo. Mt 10:38; Ru 9:23
B. Haufaniri kunamatwa
Kuratidzira danda raJesu ruzvidzo. VaH 6:6; Mt 27:41, 42
Kushandisa muchinjikwa mukunamata kunamata zvidhori. Eks 20:4, 5; Jer 10:3-5
Jesu mudzimu, haasisiri padanda. 1Ti 3:16; 1Pe 3:18
29. Mudzimu, Kuita Zvemidzimu
A. Chinonzi mudzimu mutsvene
Isimba raMwari rinoita basa, harisi munhu. Mab 2:2, 3, 33; Joh 14:17
Wakashandiswa pakusika, pakufuridzira Bhaibheri, nezvimwewo. Ge 1:2; Eze 11:5
Unobereka, unozodza, nhengo dzomuviri waKristu. Joh 3:5-8; 2VaK 1:21, 22
Unosimbisa, unotungamirira vanhu vaMwari nhasi. VaG 5:16, 18
B. Simba roupenyu rinonzi mudzimu
Gadziriro youpenyu, inotsigirwa nokufema. Jak 2:26; Job 27:3
Simba pamusoro pesimba roupenyu riri kuna Mwari. Zek 12:1; Mup 8:8
Simba roupenyu hwevanhu, mhuka, nderaMwari. Mup 3:19-21
Mudzimu unoiswa kuna Mwari paine tariro yokumuka. Ru 23:46
C. Kuita zvemidzimu kunofanira kudziviswa sebasa remadhimoni
Shoko raMwari rinorambidza. Isa 8:19, 20; Re 19:31; 20:6, 27
Kufembera kuita zvoudhimoni; kunoshorwa. Mab 16:16-18
Kunotungamirira kukuparadzwa. VaG 5:19-21; Zva 21:8; 22:15
Kufembera uchishandisa nyeredzi kunorambidzwa. Dhe 18:10-12; Jer 10:2
30. Munyengetero
A. Minyengetero inonzwiwa naMwari
Mwari anoteerera minyengetero yevanhu. Pis 145:18; 1Pe 3:12
Vasina kururama havanzwiwi kunze kwokunge vachinja zvavanoita. Isa 1:15-17
Tinofanira kunyengetera muzita raJesu. Joh 14:13, 14; 2VaK 1:20
Tinofanira kunyengetera maererano nezvinoda Mwari. 1Jo 5:14, 15
Kutenda kunokosha. Jak 1:6-8
B. Kudzokorora kusina zvakunobatsira, minyengetero kuna Mariya
kana ku“vasande” hazvishandi
Tinofanira kunyengetera kuna Mwari muzita raJesu. Joh 14:6, 14; 16:23, 24
Mashoko anodzokororwa-dzokororwa haanzwiwi. Mt 6:7
31. Mushumiri
A. VaKristu vose vanofanira kuva vashumiri
Jesu akanga ari mushumiri waMwari. VaR 15:8, 9; Mt 20:28
VaKristu vanotevera muenzaniso wake. 1Pe 2:21; 1VaK 11:1
Vanofanira kuparidza kuti vaite ushumiri hwacho. 2Ti 4:2, 5; 1VaK 9:16
B. Zvinodiwa zvoushumiri
Mudzimu waMwari uye kuziva Shoko rake. 2Ti 2:15; Isa 61:1-3
Kutevera muenzaniso waKristu pakuparidza. 1Pe 2:21; 2Ti 4:2, 5
Mwari anorovedza nomudzimu, sangano. Joh 14:26; 2VaK 3:1-3
32. Mweya
A. Chinonzi mweya
Munhu mweya. Ge 2:7; 1VaK 15:45; Jos 11:11; Mab 27:37
Mhuka dzinonziwo mweya. Nu 31:28; Zva 16:3; Re 24:18
Mweya une ropa, unodya, unogona kufa. Jer 2:34; Re 7:18; Eze 18:4
Munhu, ane upenyu, anonzi ane mweya. Mk 8:36; Joh 10:15
B. Kusiyana kwomweya nomudzimu
Upenyu somunhu kana kuti chisikwa ndiwo mweya. Joh 10:15; Zva 17:11
Simba roupenyu rinoita kuti mweya ushande rinonzi “mudzimu.” Pis 146:4; 104:29
Panofa munhu, kushanda kwesimba roupenyu kunodzokera kuna Mwari. Mup 12:7
Mwari oga ndiye anogona kuita kuti simba roupenyu rishande. Eze 37:12-14
33. Nyika
A. Chinangwa chaMwari nokuda kwenyika
Paradhiso yakaitirwa vanhu vakakwana panyika. Ge 1:28; 2:8-15
Chinangwa chaMwari ndechechokwadi. Isa 55:11; 46:10, 11
Nyika ichazadzwa nevanhu vane rugare, vakakwana. Pis 72:7; Isa 45:18; 9:6, 7
Paradhiso ichadzorerwa noUmambo. Mt 6:9, 10; Zva 21:3-5
B. Haizomboparadzwi uye vanhu havazombobviswi pairi
Nyika chaiyo ichavapo zvechigarire. Mup 1:4; Pis 104:5
Vanhu vomunguva yaNoa ndivo vakaparadzwa, kwete nyika. 2Pe 3:5-7; Ge 7:23
Muenzaniso unopa tariro yokupukunyuka munguva yedu. Mt 24:37-39
Vakaipa vachaparadzwa; “boka guru revanhu” richapukunyuka. 2VaT 1:6-9; Zva 7:9, 14
34. Ropa
A. Kuisirwa ropa kunoshatisa utsvene hweropa
Noa akaudzwa kuti ropa idzvene, upenyu. Ge 9:4, 16
Sungano yomutemo yairambidza kudya ropa. Re 17:14; 7:26, 27
Kurambidza kwakadzokororwa kuvaKristu. Mab 15:28, 29; 21:25
B. Kuponesa upenyu hakupembedzi kuputsa mutemo waMwari
Kuteerera kunopfuura chibayiro. 1Sa 15:22; Mk 12:33
Kukoshesa upenyu hwako pane mutemo waMwari kunourayisa. Mk 8:35, 36
35. Rubhabhatidzo
A. Chinhu chinodiwa chechiKristu
Jesu akagadza muenzaniso. Mt 3:13-15; VaH 10:7
Chiratidzo chokuzviramba kana kuti kuzvitsaurira. Mt 16:24; 1Pe 3:21
Nderwevaya vakura zvakakwana zvokudzidzisika chete. Mt 28:19, 20; Mab 2:41
Kunyudzwa mumvura ndiyo nzira yakakodzera. Mab 8:38, 39; Joh 3:23
B. Harubvisi zvivi
Jesu haana kubhabhatidzwa kuti abvise zvivi. 1Pe 2:22; 3:18
Ropa raJesu ndiro rinobvisa zvivi. 1Jo 1:7
36. Rudzikinuro
A. Upenyu hwomunhu hwaJesu hwakaripwa so“rudzikinuro
nokuda kwavose”
Jesu akapa upenyu hwake sorudzikinuro. Mt 20:28
Ukoshi hweropa rakateurwa hunobvisa chivi. VaH 9:14, 22
Chibayiro chimwe chakanga chakakwana zvechigarire. VaR 6:10; VaH 9:26
Kubatsira kwarwo hakungoerekani kwauya; kunofanira kubvumwa. Joh 3:16
B. Rwakanga ruri mutengo unoenzanirana
Adhamu akasikwa akakwana. Dhe 32:4; Mup 7:29; Ge 1:31
Akarasa kukwana kwake nokwevana vake nemhaka yechivi. VaR 5:12, 18
Hapana chaikwanisa kuitwa nevana; kwaidiwa munhu akanyatsoenzana naAdhamu. Pis 49:7; Dhe 19:21
Upenyu hwomunhu hwakakwana hwaJesu ndihwo rudzikinuro. 1Ti 2:5, 6; 1Pe 1:18, 19
37. Rufu
A. Chinokonzera rufu
Munhu akatanga akakwana, aine tariro youpenyu husingagumi. Ge 1:28, 31
Kusateerera kwakaunza mutongo worufu. Ge 2:16, 17; 3:17, 19
Chivi norufu zvakapfuudzirwa kuvana vose vaAdhamu. VaR 5:12
B. Mamiriro ezvinhu evakafa
Adhamu akaitwa kuti ave mweya, haana kupiwa mweya. Ge 2:7; 1VaK 15:45
Munhu, iwo mweya, ndiye anofa. Eze 18:4; Isa 53:12; Job 11:20
Vakafa havazivi, hapana chavanoziva. Mup 9:5, 10; Pis 146:3, 4
Vakafa vakarara vachimirira kumuka. Joh 11:11-14, 23-26; Mab 7:60
C. Hazviiti kutaura nevakafa
Vakafa havasi vapenyu vaina Mwari semidzimu. Pis 115:17; Isa 38:18
Tinonyeverwa pamusoro pokuedza kutaura nevakafa. Isa 8:19; Re 19:31
Masvikiro, vafemberi, vanoshorwa. Dhe 18:10-12; VaG 5:19-21
38. Sabata
A. VaKristu havasungirwi kuchengeta zuva reSabata
Mutemo wakabviswa nokufa kwakaita Jesu. VaE 2:15
VaKristu havasungirwi kuchengeta Sabata. VaK 2:16, 17; VaR 14:5, 10
Vakatsiurwa nokuda kwokuchengeta Sabata, nezvimwe. VaG 4:9-11; VaR 10:2-4
Vanopinda muzororo raMwari nokutenda nokuteerera. VaH 4:9-11
B. Kuchengetwa kweSabata kwaingodiwa kuvaIsraeri vekare chete
Sabata rakatanga kuchengetwa pashure poKubuda. Eks 16:26, 27, 29, 30
Raiva raIsraeri wokunyama chete sechiratidzo. Eks 31:16, 17; Pis 147:19, 20
Makore eSabata aidiwawo noMutemo. Eks 23:10, 11; Re 25:3, 4
Sabata harisi chinhu chinodiwa kuvaKristu. VaR 14:5, 10; VaG 4:9-11
C. Zororo reSabata raMwari (zuva rechi7 re“vhiki” rokusika)
Rakatanga pakupera kwokusikwa kwenyika. Ge 2:2, 3; VaH 4:3-5
Rakaramba riripo rikapfuura nguva yaJesu paaiva panyika. VaH 4:6-8; Pis 95:7-9, 11
VaKristu vanozorora pamabasa avo. VaH 4:9, 10
Rinoguma Umambo pahunopedza basa panyika pano. 1VaK 15:24, 28
39. Uipi, Nhamo Yenyika
A. Anokonzera nhamo yenyika
Kutonga kwakaipa kunokonzera nguva dzakaipa nhasi. Zvi 29:2; 28:28
Mutongi wenyika muvengi waMwari. 2VaK 4:4; 1Jo 5:19; Joh 12:31
Nhamo dzakaunzwa naDhiyabhorosi, nguva yava pfupi. Zva 12:9, 12
Dhiyabhorosi anosungwa, rugare rukuru runotevera. Zva 20:1-3; 21:3, 4
B. Chikonzero nei uipi hwakabvumirwa
Dhiyabhorosi akadenha kuvimbika kwezvisikwa kuna Mwari. Job 1:11, 12
Vakatendeka vakapiwa mukana wokuratidza kuti vakavimbika. VaR 9:17; Zvi 27:11
Dhiyabhorosi akaratidzwa kuti murevi wenhema, nyaya yacho inofanira kupedzwa. Joh 12:31
Vakatendeka vachapiwa mubayiro woupenyu husingaperi. VaR 2:6, 7; Zva 21:3-5
C. Nguva yomugumo yakarebeswa igadziriro yengoni
Somuzuva raNoa, kunyevera kunoda nguva. Mt 24:14, 37-39
Mwari haanonoki, asi ane ngoni. 2Pe 3:9; Isa 30:18
Bhaibheri rinotibatsira kudzivisa kuwanikwa takavarayirwa. Ru 21:36; 1VaT 5:4
Tsvaka gadziriro yaMwari zvino kuti udzivirirwe. Isa 2:2-4; Zef 2:3
D. Vanhu havagoni kupedza nhamo yenyika
Vanhu vari kutya kwazvo, vakavhiringidzika. Ru 21:10, 11; 2Ti 3:1-5
Umambo hwaMwari ndiwo huchabudirira, kwete vanhu. Dha 2:44; Mt 6:10
Kuti urarame, tsvaka rugare naMambo zvino. Pis 2:9, 11, 12
40. Umambo
A. Zvichaitirwa vanhu noUmambo hwaMwari
Huchaita kuti zvinodiwa naMwari zviitwe. Mt 6:9, 10; Pis 45:6; Zva 4:11
Ihurumende ina mambo nemitemo. Isa 9:6, 7; 2:3; Pis 72:1, 8
Huchaparadza uipi, huchatonga nyika yose. Dha 2:44; Pis 72:8
Kutonga kwemakore 1 000 kuchadzorera vanhu, Paradhiso. Zva 21:2-4; 20:6
B. Kushanda kwahwo kunotanga vavengi vaKristu vachiri kuita basa
Pashure pokunge Kristu amutswa, akamirira kwenguva refu. Pis 110:1; VaH 10:12, 13
Anotora simba, anorwisana naSatani. Pis 110:2; Zva 12:7-9; Ru 10:18
Umambo hwagadzwa panguva iyoyo, nhamo dzenyika dzakatevera. Zva 12:10, 12
Nhamo iripo zvino inoreva nguva yokutsigira Umambo. Zva 11:15-18
C. Hahusi ‘mumwoyo,’ hahuitwi kuti huvepo nokushanda kwevanhu
Umambo huri kudenga, kwete panyika. 2Ti 4:18; 1VaK 15:50; Pis 11:4
Hahusi ‘mumwoyo’; Jesu akanga achitaura nevaFarisi. Ru 17:20, 21
Hahusi hwenyika ino. Joh 18:36; Ru 4:5-8; Dha 2:44
Hurumende, zvinodiwa nenyika, zvichatsiviwa. Dha 2:44
41. Upenyu
A. Vanhu vanoteerera vanovimbiswa upenyu husingaperi
Mwari, asingamborevi nhema, akapikira upenyu. Tit 1:2; Joh 10:27, 28
Vanotenda vakavimbiswa upenyu husingaperi. Joh 11:25, 26
Rufu ruchaparadzwa. 1VaK 15:26; Zva 21:4; 20:14; Isa 25:8
B. Upenyu hwokudenga ndohwevaya vari mumuviri waKristu chete
Mwari anosarudza nhengo dzacho sokuda kwake. Mt 20:23; 1VaK 12:18
Vane 144 000 ndivo chete vanotorwa panyika. Zva 14:1, 4; 7:2-4; 5:9, 10
Kunyange Johani Mubhabhatidzi haazovi muUmambo hwokudenga. Mt 11:11
C. Upenyu hwepanyika hwakapikirwa vazhinji, “mamwe makwai”
Vashoma vachave naJesu mudenga. Zva 14:1, 4; 7:2-4
“Mamwe makwai” haasi hama dzaKristu. Joh 10:16; Mt 25:32, 40
Vazhinji zvino vari kuungana kuti vapukunyuke vari panyika. Zva 7:9, 15-17
Vamwe vanomutsirwa kuupenyu pano panyika. Zva 20:12; 21:4
42. Utatu
A. Mwari, Baba, Munhu mumwe, mukuru kwazvo pazvose zvakasikwa
Mwari haasi vanhu vatatu. Dhe 6:4; Mar 2:10; Mk 10:18; VaR 3:29, 30
Mwanakomana akasikwa; Mwari akanga ari oga pakutanga. Zva 3:14; VaK 1:15; Isa 44:6
Mwari ndiye mutongi wezvinhu zvose zvakasikwa nguva dzose. VaF 2:5, 6; Dha 4:35
Mwari anofanira kukwidziridzwa pamusoro pezvose. VaF 2:10, 11
B. Mwanakomana akanga akaderera kuna Baba kare uye pashure
pokuuya panyika pano
Mwanakomana aiteerera ari kudenga, akatumwa naBaba. Joh 8:42; 12:49
Aiteerera ari panyika pano, Baba vakuru. Joh 14:28; 5:19; VaH 5:8
Akakwidziridzwa kudenga, achiri kuzviisa pasi. VaF 2:9; 1VaK 15:28; Mt 20:23
Jehovha ndiye musoro uye Mwari waKristu. 1VaK 11:3; Joh 20:17; Zva 1:6
C. Umwe hwaMwari naKristu
Nguva dzose vanowirirana zvakakwana. Joh 8:28, 29; 14:10
Umwe, hwakafanana nohuya hwomurume nomudzimai. Joh 10:30; Mt 19:4-6
Vatendi vose vanofanira kuva noumwe hwakafanana. Joh 17:20-22; 1VaK 1:10
Kunamatwa kumwe kwaJehovha nokuna Kristu nokusingaperi. Joh 4:23, 24
D. Mudzimu mutsvene waMwari ndiro simba rake rinoshanda
Isimba, kwete munhu. Mt 3:16; Joh 20:22; Mab 2:4, 17, 33
Hausi munhu ari kudenga ari pamwe naMwari naKristu. Mab 7:55, 56; Zva 7:10
Unotungamirirwa naMwari kuita zvinangwa. Pis 104:30; 1VaK 12:4-11
Vanoshumira Mwari vanougamuchira, vanotungamirirwa nawo. 1VaK 2:12, 13; VaG 5:16
43. Vaprofita Venhema
A. Vaprofita venhema vakafanotaurwa; vaivako muzuva revaapostora
Nzira yokuziva nayo vaprofita venhema. Dhe 18:20-22; Ru 6:26
Vakafanotaurwa; vanozivikanwa nezvibereko. Mt 24:23-26; 7:15-23
44. Zvapupu zvaJehovha
A. Kutanga kwakaita Zvapupu zvaJehovha
Jehovha anozivisa zvapupu zvake. Isa 43:10-12; Jer 15:16
Mutsara wezvapupu zvakatendeka wakatangira pana Abheri. VaH 11:4, 39; 12:1
Jesu akanga ari chapupu chakatendeka uye chechokwadi. Joh 18:37; Zva 1:5; 3:14