Rwiyo 88
Vana—Makavachengeteswa naMwari
Rakaprindwa
1. Murume pa’nova baba,
Mukadzi paanova nemwana,
Vanofanira kuyeuka
Kuti vamuchengeteswa.
Chipo chinobva kuna Mwari;
Upenyu, rudo zvinobva kwa’ri.
Anorayira vabereki
Kuti vave vakachenjera.
(KORASI)
Vana venyu inhaka tsvene;
Vari mumaoko enyu.
Vaitirei zvakanaka;
Vadzidzisei mitemo.
2. Mitemo yose yaMwari
Ngaive mumwoyo menyu imi,
Mozoiudza vana venyu.
Ivo ndiyo nhaka yenyu.
Vaudzei pamunofamba,
Pamunomuka nokuzorora.
Ramangwana vozoyeuka,
Vazowana zvikomborero.
(KORASI)
Vana venyu inhaka tsvene;
Vari mumaoko enyu.
Vaitirei zvakanaka;
Vadzidzisei mitemo.
(Onawo Dheut. 6:6, 7; VaEf. 6:4; 1 Tim. 4:16.)