Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kupindura Vanenge Vachida Kuramba Kuparidzirwa
Nei Zvichikosha: Ngatitii uri kuziva kuti pane njodzi yava kuda kuitika. Vanhu vachafa kana vakasatiza. Unoenda kumba kwemuvakidzani wako kunomunyevera, asi anokudimburira usati wapedza kutaura, achikuudza kuti akabatikana. Zvechokwadi, waisazokurumidza kumusiya, worega kumubatsira! Vakawanda vari mundima yedu vanoramba kutiteerera, vasingazivi kuti tine mashoko anoponesa. Vanogona kunge vaine zvimwe zvavanenge vachiita panguva yatinovashanyira. (Mat. 24:37-39) Kana kuti vanogona kunge vaine nhema dzavakanzwa dzinoita kuti vasatifarira. (Mat. 11:18, 19) Vangafunga kuti hatina kumbosiyana nezvitendero zviri kuita zvakaipa. (2 Pet. 2:1, 2) Kana saimba asingafariri patinomuparidzira kekutanga, hatifaniri kukurumidza kukanda mapfumo pasi.
Edza Izvi Mwedzi Uno:
Kana mabva pamba pasaimba anenge aramba kuparidzirwa, kurukura newaunenge uchishanda naye kuti ungadai wapindura sei zviri nani.